Kwayedza

911 Band yatiza ne’bag’ . . . vatora mukombe weUS$15 000

- Muchaneta Chimuka

CHIKWATA che911 Band chekuGweru, kudunhu reMidlands, ndicho chakahwapu­ra mukombe ndokuenda kumba nemubairo weUS$15 000 mumakwikwi ekuimba eChibuku Road to Fame 2023 National Finals ayo akaitirwa paTakashin­ga Cricket Club, mumusha weHighfiel­d, muHarare nemusi weMugovera.

High Five yekuMashon­aland Central yakatora mubairo wechipiri ndokupihwa US$10 000 ichiteverw­a nechikwata cheKweseka chinobva kudunhu reMatabele­land North icho chakawanaw­o US$7 000.

Chikwata che911 Band chine nhengo nhanhatu idzo dzave nemakore anodarika mashanu dzichiimba uye chiri kutarisira kuparura dambarefu racho idzva munguva pfupi inotevera. Muhurukuro ne Kwayedza mushure mekutambid­zwa mubairo, mutungamir­iri wechikwata ichi, Taona Tiakude, anoti kubudirira kwavakaita pamakwikwi aya kwakabva mukushanda nesimba.

“Gavi rakanaka rinobva kumasvuuri­ro, ndinotenda zvikuru nerutsigir­o rwatiri kuwaniswa kuGweru kwatinobva nevese vakava nechivimbo nesu. Chikuru chatakaita kushanda nesimba uye nemweya wehumwe, tinofara nekuti takwanisa kukwira makata mumakwikwi ekumusoro enyika yose.

“Tine dambarefu idzva ratiri kuparura munguva inotevera saka tichashand­isa mukana watapihwa wekondirak­iti yekurekodh­a kuti titsikise nziyo dzedu zvine hunyanzvi.

Tinovimbis­a kuti hatisi kuzonyadzi­sa vatsigiri vedu,” anodaro.

Vaimbi vane mukurumbir­a vanosangan­isira Alick Macheso, Feli Nandi naTocky ndivo vakatandad­za veruzhinji padopiro iri. Zvimwe zvikwata zvakakwikw­idza asi zvikazokun­dikana kupinda muTop 3 zvinosanga­nisira Mazwe chemuHarar­e, Famous Mighty (Mashonalan­d East), The Visionarie­s (Mashonalan­d West), Deze RaWasu (Manicaland) naZiyaduma

Express chekuMatab­eleland South.

 ?? ?? CHIKWATA che911 Band
CHIKWATA che911 Band
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe