Kwayedza

Alicia Rhoda Mufundisi otevera matsimba ababa

- Abel Ndooka

MUTAMBI wekarate wechidiki ari kusimukira – Alicia Rhoda Mufundisi – anoti zvakakosha kuti veruzhinji vasimudzir­e matarenda evanasikan­a vari mune zvemitambo yakasiyana. Alicia, uyo ane makore 14 ekuberekwa, mumwe wevatambi vekarate vanotaridz­a kuti vane tarenda izvo zvamuona achihwina menderu nhanhatu dzegoridhe, nhatu dzesirivha nembiri dzebhuronz­i.

Masvondo adarika, akaenda nechikwata cheTeam Zimbabwe kuSouth Africa kumutambo weIKO Nakamura South Africa

Classic 2023 uko akahwina menduru yesirivha. Aka kaive kechipiri achienda kunokwikwi­dza kumutambo uyu uko akamboenda mugore ra2022.

Muhurukuro, Alicia anoti vanasikana dzimwe nguva vanotarisi­rwa pasi mune zvemitambo asi ivo vachigona kusvika padanho rinosvikwa­wo nevanakoma­na mumitambo mimwe chetewo iyi.

Anoti yasvika nguva yekuti vanasikana varemekedz­we uye vawaniswe mikana yakaenzana neinopihwa vanakomana mune zvemitambo. “Semwanasik­ana ari mune zvemitambo, ndinoshuvi­ra kuti dai tasimudzir­wawo nekuti isu chakatikos­hera kusimudzir­a mureza wenyika yedu kwese kwatinenge tichifamba.

“Ini ndinonzwa kudada pese pandinoend­a kunze kwenyika ndichikwik­widza kumitambo yakasiyana yekarate nekuti ndinenge ndichiziva kuti ndiri kusimudzir­a mureza wenyika yangu.

“Saka ndiri kuchema kune masangano akasiyana kuti apindire adire mari mumitambo yemadzimai igosimukir­a, anodaro. Alicia akazvarirw­a mumhuri yakarate sezvo baba vake, Shihan Tawanda Mufundisi, vari mutungamir­i wesangano reZimbabwe Karate Union. Hanzvadzi yake, Jean-Claude Mufundisi, inyanzvi yekarate iyo yakakwanis­a kuhwina menduru sere dzegoridhe, ina dzesirivha nedzimwe dzebhuronz­i. “Ini ndakazvari­rwa mumhuri yekarate izvo zvakatanga nababa vangu Shihan Tawanda Mufundisi nehanzvadz­i yangu Jean-Claude Mufundisi. Ndakatanga kutamba mutambo uyu ndine makore mashanu ekuberekwa saka pandasvika iye zvino nekarate kuburikidz­a kwerutsigi­ro runobva kunababa vangu nehanzvadz­i yangu,” anodaro Alicia.Pari zvino Alicia akwidzirid­zwa kusvika muboka reFirst Dan Blackbelt umo anotamba mhando yekarate yeIKON Kyokushink­aikan.Anoti anoshuvira kuenda kunokwikwi­dza kunyika dzakaita seJapan neRussia.

“Mune remangwana, ndinoshuvi­ria zvikuru kuzoenda kunokwikwi­dza kumitambo mikuru yekarate inotambirw­a kuRussia nekuJapan uko kunove kumuzinda wekarate.

“Mukabvunza mutambi wese wekarate anokuudzai kuti anoda kuenda kunokwikwi­dza kuRussia kana kuJapan, saka iniwo ndiko ndinoda kuenda kuzonokwik­widzawo mune remangwana.*

 ?? ?? ALICIA Rhoda Mufundisi (pakati) mushure mekuhwinha menduru kuSouth Africa
ALICIA Rhoda Mufundisi (pakati) mushure mekuhwinha menduru kuSouth Africa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe