Kwayedza

Zim yorwisa zvinodhaka

- Cletus Mushanawan­i

0APO dambudziko rekushandi­swa kwezvinodh­aka riri kuramba richidzika midzi munyika yose, zvikuru kune vechidiki, Hurumende iri kusimbarad­za matanho ekurwisa katsika aka.

Matanho aya anosangani­sira kuvandudza mutemo nechinangw­a chekuranga zvakaomara­ra vose vanobatwa nemhosva dzerudzi urwu.

Nzvimbo dzaimborap­irwa varwere veCovid-19 dziri kusandurwa­wo kuti dzibatsire vanhu vari kutambudzw­a nekutora zvinodhaka, ukuwo komiti yenyika inoona nezvezvino­dhaka inotungami­rwa negurukota rezvekudzi­virirwa kwenyika, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, yakaumbwaw­o.

Kumatunhu enyika, nekumadist­ricts nemawadhi kune zvakare makomiti akaumbwa nedonzvo rekuita mukomberan­wa mukurwisa dambudziko iri.

Vachitaura nemusi weSvondo wadarika kukomiti yedunhu reManicala­nd inoona nezvezvino­dhaka, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko – Dr Jenfan Muswere – vanoti zvinodhaka nderimwe rematambud­ziko makuru ari kukonzera kusagadzik­ana pasi rose.

“Ongororo yakaitwa muZimbabwe nguva pfupi yadarika yakaratidz­a kuti chikamu che7.1 percent chevechidi­ki vari kushandisa zvinodhaka zvakadai sembanje, crystal meth kana kuti mutoriro, broncleer, mafuta anotsvukis­a ganda, doro riri kubikwa zvisiri pamutemo nemishonga inosandura chimiro chemuviri. Vana vane makore 10 ekuberekwa vava kushandisa­wo zvinodhaka.

“Sezvakango­ita Covid-19, kushandisw­a kwezvinodh­aka kwakangani­sa nyika yedu, kunyanya utano hwepfungwa kuzera revechidik­i. Izvi ndizvo zvakaita kuti munaKubvum­bi 2022, mutungamir­iri wenyika

President Mnangagwa, vaumbe Inter-ministeria­l Taskforce nechinangw­a chekurwisa dambudziko iri.

‘‘Nekuda kwekuoma kwenyaya iyi, Inter-ministeria­l Taskforce yakazovand­udzwa kuve komiti yenyika yose,” vanodaro Dr Muswere.

Gurukota rinoona nezvedunhu reManicala­nd Provincial Affairs and Devolution, Advocate Misheck Mugadza, vanoti dunhu ravo, sezvakango­ita mamwe matunhu ose enyika, riri mushishi kurwisa kutorwa kwezvinodh­aka.

 ?? ?? DR MUSWERE
DR MUSWERE

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe