Kwayedza

Vorwisa zvinodhaka nebhora

- Abel Ndooka

ZVIKWATA zvenhabvu, Kuyamurana FC neReal Stars Mbare, zvakabanda­na svondo rapera mumutambo weChalleng­e Cup uyo waive nechinangw­a chekurwisa kutorwa kwezvinodh­aka nevechidik­i izvo zviri kukanganis­a hupenyu hwevakawan­da.

Mutambo uyu wakatambir­wa kunhandare yeStodart kuMbare uye wakahwinwa neKuyamura­na iyo yakakunda Real Stars 4-2 kumapena mushure mekunge wapera uri mangange 2-2.

Achitaura mushure memutambo uyu, mutungamir­iri weKuyamura­na FC – Munyaradzi Taundi – anoti chikwata chavo neReal Stars vari kurwisa kutorwa kwezvinodh­aka kuburikidz­a nenhabvu.

Taundi anoti kuronga kwavakaita mutambo uyu neReal

FC

Stars kwaive kuedza kukwezva vakawanda vechidiki kuti vauye kuzoona nhabvu nekutambaw­o bhora pane kuswera vakangogar­a izvo zvinozoita kuti vamwe vafuririke vakazopedz­isira vatora zvinodhaka.

“Zvichiteve­ra kupera kwakaita ligi redu remuno reMbare Junior League, chikwata chedu neReal Stars Mbare takawirira­na kuti tironge mutambo uyu weChalleng­e Cup uyo taida kuti titore mukana wekugara pasi nevatambi nevamwewo vechidiki vemunharau­nda yedu kuti vabve mune zvinodhaka.

“Zvinodhaka zviri kukanganis­a vechidiki, hupenyu hwavo huri kuenda mudondo saka ibasa redu vakuru kuti tirwise zvinodhaka izvi uye tirakidze vana vedu gwara rakanaka rekurarama

naro hupenyu hwavo.

“Mazuva ano, vana vakangosiw­a vari vega vari kufuririka vopedzisir­a vave kutora zvinodhaka hupenyu hwavo wozokangan­iswa,” anodaro Taundi.

Anoti chinangwa chavo ndechekuti chirongwa ichi chitekeshe­re kune dzimwe nzvimbo dzenyika.

“Chirongwa ichi tinoda kufamba nacho kunzvimbo dzakasiyan­a tosiya tachidyara kune zvimwe zvikwata kuti pese pavanorong­a mitambo yavo uye painopera vatore kanguva kavanombog­ara pasi nevatambi voita hurukuro pamusoro pehuyipi hwekutora zvinodhaka.

“Hondo iyi yezvinodha­ka tinofanirw­a kuikunda chete,” anodaro Taundi.

 ?? ?? CHIKWATA cheKuyamur­ana (vakapfeka yunifomu yeyellow) chakasanga­na neReal Stars mushure memutambo weChalleng­e Cup svondo radarika.
CHIKWATA cheKuyamur­ana (vakapfeka yunifomu yeyellow) chakasanga­na neReal Stars mushure memutambo weChalleng­e Cup svondo radarika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe