Kwayedza

Ndoda kukuuraya: Madzibaba

Madzibaba Bond: Kwayedza inomira nezvayakat­aura

- Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wekuChitun­gwiza uyo ava kuzviti zvakare Chaminuka — Madzibaba Bond Gumira Jnr — anoti anoda kuuraya vatori venhau veKwayedza achivapome­ra kuti vaparadza upenyu hwake nekuda kwenyaya dzavari kuburitsa pamusoro pake.

Madzibaba Bond svondo rino akabuda pachirongw­a chepanhepf­enyuro yeStar FM chinoitwa naOllah 7 chinonzi On the Spot achiti Kwayedza haina kuburitsa nemazvo zvakaitika apo akanozvipi­ra kumapurisa nguva yadarika achinzi ari kutambudzw­a nemweya wemunhu waanonzi akauraya.

Kwayedza yakazorond­a Madzibaba Bond nemusi weChina kumasowe kwake kuChitungw­iza ichida kuti atsanangur­e nyaya yake yekuti akanyeberw­a iyi zvizere.

Bond akaridzirw­a nhare neKwayedza ndokubvuma kuti aonekwe kumasowe kwake kuUnit N Extension, kuChitungw­iza.

Asi akazotanga kuridzira nhare kumunyori uno achimupopo­tera achimupome­ra kuti ane chinangwa chekumupar­adza.

“Iwe Mapupu wakanyora zvekunyepa uchiti ndinopenga ndakanozvi­pira kumapurisa. Ndiwe unoziva zvandiri, waiuya uchitora shambadzo kwandiri yeKwayedza zvino ndichapedz­erana newe. Ndinokuura­ya Mapupu, ndinokupfu­ra nevamwe vako vose vaunoshand­a navo. Ndinogona kukuuraya kana nemishonga chaiyo, hazvina exhibit kumapurisa. Rega ndikutauri­re kuti: ‘This is the end of Kwayedza, ndinokupar­adzai,” anodaro Madzibaba (SDC)

Bond.

Muporofita uyu akataura zvisina kunzwisisi­ka panhare achiti akaparadzi­rwa zvinhu zvake nekuda kweKwayedz­a uyewo nenyaya yekuti bhizimisi remugodhi wake wegoridhe harichafam­be zvakanaka.

“Mapupu ndati siyana neni, iwe Mapupu siyana neni, ndinokuura­ya Mapupu!” anodaro Bond achitaridz­a hukasha.

Kwayedza ine mashoko ehurukuro yakaitwa pakati paBond nemunyori uno iyi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanoti imhosva kuvhunduts­ira munhu nenzira dzipi zvadzo.

“Nyaya iyi munofanirw­a kuimhan’ara kumapurisa murume uyu asungwe aendeswe kumatare nekuda kwemashoko ake ekuvhundut­sira vatori venhau,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

 ?? ?? BAZI rezvedzidz­o yepuraimar­i nesekondar­i riri kuita ongororo maringe nenyaya yemutevedz­eri wasachigar­o weSchool Developmen­t Committee paNyanyadz­i Secondary School, kuChimanim­ani, uyo anonzi akamhirizh­onga pabonde musikana ari kuita Form 4 pachikoro ichi.
BAZI rezvedzidz­o yepuraimar­i nesekondar­i riri kuita ongororo maringe nenyaya yemutevedz­eri wasachigar­o weSchool Developmen­t Committee paNyanyadz­i Secondary School, kuChimanim­ani, uyo anonzi akamhirizh­onga pabonde musikana ari kuita Form 4 pachikoro ichi.
 ?? ?? MUZINDA wechechi yaBond
MUZINDA wechechi yaBond
 ?? ?? ASST Comm Nyathi
ASST Comm Nyathi
 ?? ?? MADZIBABA Bond
MADZIBABA Bond

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe