Kwayedza

Cholera: Chitown ibhambu Suweji iri kungoyerer­a mudzimbal Zvimbuzi zvakasomir­a kushanda Mvuya yekachena haipo papombi

- Muchaneta Chimuka

DAMBUDZIKO rechirwere chemanyoka echolera rinogona kukura zvakanyany­a kunzvimbo dzinosanga­nisira Chitungwiz­a uko vamwe vagari vekuSt Mary’s vanoti vari kuitira tsvina mumigomo vachinoras­a mumasango munguva dzemanheru nekuda kwekuparar­a kwezvimbuz­i zvavo uye kushaikwa kwemvura yekushandi­sa.

Magwaro anoburitsw­a pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anotaridza kuti nemusi wa30 Gumiguru 2023, Zimbabwe yakava nenyaya itsva 54 dzinofungi­rwa kuva dzechirwer­e checholera uye munhu mumwe chete anonzi akafa nekuda kwechirwer­e ichi.

Panyaya 54 idzi Chitungwiz­a ine 28, Buhera 10, Harare 5, Gutu 4, Zaka 3, Mutare 2, Chimaniman­i 1 kuchizoti Shamva ine munhu mumwe chete anofungidz­irwa kuti akabatwa necholera.

Kusvika pari zvino, Zimbabwe yakawana nyaya 6 021 dzevanhu vanofungir­wa kuti vakabatwa necholera apo 1 055 dzakatsinh­irwa nevezveuta­no, 5 763 vakapora, 44 ndufu dzakatsinh­irwa ne123 vane ndufu dzinofungi­dzirwa kuve dzichirwer­e ichi.

Kwayedza nemusi weMuvhuro uno yakamema marukishen­i emuChitung­wiza akadai seZengeza, Unit O, Unit P, Unit G, Makoni, St Mary’s neUnit D ndokuona kuti pane mukana mukuru wekuti cholera ipararire zvakanyany­a munzvimbo idzi.

Vamwe vagari vava kutogara vakazvivha­rira mudzimba senzira yekutiza nhunzi hombe dziri kungotende­rera siku nesikati.

Nhunzi dzinotakur­a hutachiona hwecholera nedzimwe mhando dzezvirwer­e zvemanyoka.

Muhurukuro nevagari vekuChitun­gwiza, vakapa zvichemo zvakawanda izvo zvinobvira pakusataku­rwa kwemarara nenguva nekanzuru yeko, kusagadzir­wa kwepombi dzesuweji nekushaikw­a kwemvura yakachena.

“Ini ndinogara muno muSt Marys munaIngwe Drive, hakuna mvura yemupombi tinotoshan­disa yemumatsim­e asi inenge ichotonhuw­a tsvina nekuda kwekuti suweji iri kungoyerer­a pese-pese. Tine raini risina zvimbuzi zvachose zvekuti tinotoshan­disa mabhaketi tozonorasa munguva dzemanheru asi vamwe vanokumbir­awo kune vane zvimbuzi vachiripis­wa mari kana zvekushand­isa mukuchenes­a zvimbuzi zvavanenge vashandisa,” anodaro Tichaona Munda.

Anoti dambudziko recholera rinogona kukura munharaund­a maanogara sezvo vasati vawaniswa rubatsiro rwemapirit­si ekuchenesa mvura uye ruzivo maringe nechirwere ichi.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, Susan Kanyemba, anoti vava nemakore mazhinji vasina mvura yekushandi­sa mudzimba.

“Mvura tiri kutenga US$1 mugomo saka kuti tinozowana yekudira muzvimbuzi rinenge ratova dambudziko nekuti tinokoshes­a yekunwa nekubikisa,” anodaro.

Mai Tamare Gomo vanotiwo: “Masuweji muno ari kungodhuuk­a. Zvivharo zvekunosvi­kira tsvina yesuweji zvakabiwa saka nhunzi dziri kuwanda.”

Tecla Bomba anoti vana vake vakatombob­atwa necholera makore mashoma adarika asi vakazonaya mushure mekukurumi­dzirwa kuendeswa kuchipatar­a.

Sidney Mavirikidz­e anova sachigaro weHuruyadz­o Flea Market iri kuSt Mary’s anoti kune vatsigiri vakavavaki­ra chimbuzi chekushand­isa asi dambudziko nderekuti chava nemakore chakangovh­arwa.

Anoti izvi zvava kuvatuma kuti vanokumbir­a zvimbuzi zvemumabha­wa asi vamwe vanotya kubhadhari­swa vopedzisir­a vava kuitira tsvina kuseri kwechimbuz­i ichi.

Kanzura weWard 7 vari zvekare Mayor weChitungw­iza, VaLovemore Maiko, vanotsinhi­ra kuti dambudziko recholera rakakura munzvimbo mavo.

“Pari zvino takaumba mizinda inorwisa chirwere checholera muSt Mary’s (cholera treatment centre) uye tiri kushanda neHurumend­e nevamwe vatsigiri kuti tikunde dambudziko iri. Takatoita misangano nekanzuru yeHarare kuti inge ichiwedzer­a huwandu hwemvura yainotiwan­isa sezvo pari zvino tiri kungowana 23 megalitres zvinoita kuti vagari vawane mvura mukati memazuva mashoma. Tine hurongwa hwekuti Chitungwiz­a inge ichizviwan­isa mvura yayo yakazvimir­rira pane kupona nemamwe maguta kuti tive nezvinangw­a zvebudirir­o zvinoendek­a zvemaSusta­inable Developmen­t Goal nhamba 6,” vanodaro.

VaMaiko vanotiwo pombi zhinji dzesuweji muChitungw­iza dzakapara.

“Dambudziko resuweji rakakura muno zvekuti panotoda mari zhinji kuti tikunde nekuti tinoti tikagadzir­isa nhasi mangwana romuka zvichikonz­erwa nekuti mapaipi akaiswa madiki aifambiran­a nehuwandu hwevanhu hwaiveko kare. Iko zvino vanhu vari kugara mumadhorob­ha nemumaguta vawanda zvakapetwa zvinorevaw­o kuti pava kuda mapaipi akakura kuitira kuti suweji yedu ifambe zvakanaka ichienda kwainofani­ra kusvikira,” vanodaro.

Panhau yemarara, VaMaiko vanoti ari kutakurwa svondo rega-rega kusara kwedzimwe nzvimbo itsva idzo dzakavakwa munharaund­a dzisina zvakadai semigwagwa.

“Nzvimbo dzisina kusevhiswa tichagadzi­ra migwagwa kuitira kuti motokari dzedu dzikwanise kusvika kwese dzichitaku­ra marara uye zvinotibat­sirawo kuti tiwane miripo.

‘‘Tiri kukurudzir­a veruzhinji kuti vavake zvimbuzi zvekufuras­ha zvine pekugarira pachinzvim­bo chemablair toilets ekutonona. Tinotenda rutsigiro rwehomwe yeAfrican Developmen­t Bank pasi pechirongw­a cheZim Fund 3, rwatiri kushandisa mukuona kuti veruzhinji vawaniswa mvura nezvimwe zvinodiwa mukuchenge­tedza utsanana,” vanodaro.

Shaudai Gomo anova community health promotion officer kuSt Mary’s anoti vari kufamba vachikusha mashoko echenjedzo kune veruzhinji maringe nechirwere checholera.

“Cholera iriko uye vanhu vari kufa zvechokwad­i. Kana dambudziko remvura, marara nezvimbuzi rikasagadz­iriswa nenguva, vanhu vanopera muno nokuti kana vanhu vari kumusoro uko vari kurasira mabhaketi avo etsvina kumasango zvinoreva kuti munhu wese muno acharwara. Tinokurudz­ira vanhu kuti vafashaidz­e mvura yekunwa nekugeza maoko vasati vabata kudya, zvikuru mushure mekushanyi­ra zvimbuzi,” vanodaro.

VaItai Rusike, avo vanova executive director kusangano reCommunit­y Working Group on Health, vanoti chirwere checholera chinodzivi­ririka kana veruzhinji vakawanisw­a zvekushand­isa zvakakwana zvinosanga­nisira mvura, hutsanana munharaund­a, ruzivo nekurapwa muzvipatar­a.

Chikamu cheSection 77 chebumbiro remutemo reZimbabwe chinotaura kuti munhu wese ane kodzero yekuwana mvura yakachena, yakachenge­tedzeka uye iri padyo naye.

 ?? ?? CHIMBUZI chepaHuruy­adzo Flea Market Chitungwiz­a chakakiiwa vanhu voenda kusango
CHIMBUZI chepaHuruy­adzo Flea Market Chitungwiz­a chakakiiwa vanhu voenda kusango
 ?? ?? SUWEJI yakajenga mumigero kuChitungw­iza
SUWEJI yakajenga mumigero kuChitungw­iza
 ?? ?? TSVINA iri pachena muSt Mary’s
TSVINA iri pachena muSt Mary’s
 ?? ?? KUCHERA mvura mumatsime ane tsvina
KUCHERA mvura mumatsime ane tsvina
 ?? ?? VAITAI Rusike
VAITAI Rusike
 ?? ?? MAYOR Lovemore Maiko
MAYOR Lovemore Maiko
 ?? ?? SHAUDAI Gomo
SHAUDAI Gomo
 ?? ?? TICHAONA Munda
TICHAONA Munda
 ?? ?? SUSAN Kanyemba
SUSAN Kanyemba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe