Kwayedza

Ngatidzivi­rirei cholera, ingozi

- MAONERO EDU

CHIRWERE checholera, icho chakanyuka zvekare muZimbabwe munaKukadz­i gore rino, chichiri kupararira kumativi ose enyika izvo zviri kuona Hurumende ichishanda zvakasimba nemapoka akasiyana mukurwisa denda iri.

Magwaro anoburitsw­a pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 5 000 vanofungid­zirwa kuti vakabatwa nechirwere ichi apo nyaya dzinodarik­a 1 000 dzakatsinh­irwa uye 43 vakafa.

Zimbabwe iri kuwana nyaya itsva dzecholera kumadhorob­ha nekumaruwa kumadistri­cts anosvika 43.

Chirwere ichi chiri kunetsa kunzvimbo dzinosanga­nisira Buhera neChitungw­iza.

Nyika ino yakatambud­zwa zvakanyany­a necholera muna2008 apo vanhu 98 596 vakabatwa nechirwere ichi uye vamwe vanodarika 4 000 ndokufa izvo zvakaita kuti gore iri rive nenhoroond­o yakakura panyaya yedenda iri.

Cholera yakazonyuk­a zvekare muna2018, ikabata vanhu 10 421 apo vamwe 69 ndokufa.

Hurumende iri kutora matanho akasimba ekudziviri­ra kupararira kwechirwer­e ichi anosangani­sira kuona kuti varwere vose vanofungid­zirwa kuti vane denda iri vawaniswa rubatsiro kuzvipatar­a nekukasika.

Matanho aya anosangani­sirawo kuvepo kwehurongw­a hwechimbi-chimbi hweCholera Outbreak Emergency Preparedne­ss and Response Plan 2023-2024 uye kuwaniswa kwezvekush­andisa mukurwisa kupararira kwechirwer­e ichi.

Izvi zviri kuona chikamu che97 chevarwere vecholera vachipona.

C h o l e r a i n o p a r a r i r a nekukasika kuburikidz­a nekushandi­sa mvura kana kudya chikafu chinenge chasangana netsvina yevanhu vane hutachiona hunokonzer­a chirwere ichi.

Kureva kuti denda iri rinokwanis­ika kudzivirir­wa kana veruzhinji vakakoshes­a nyaya dzehutsana­na vachicheng­etedza utano hwavo uye kuona kuti nharaunda yavo inogara yakatsvind­a.

Zvakakosha kuti veruzhinji vave neruzivo rwakazara pamusoro pezviratid­zo zvecholera nekuti chirwere ichi chinokwani­sa kuuraya munhu mukati memaawa mashoma-shoma kana akasarapwa.

Dzimwe nzvimbo veruzhinji vanokwanis­a kutapurirw­a cholera dzinosanga­nisira kundufu uko vanobatana maoko uye kugeza mvura mumudziyo mumwe chete wakadai semudishi panguva yekudya.

Mamiriro ezvinhu aya anoreva kuti vanhu vanofanirw­a kusiyana netsika dzakadai sekubatana maoko pandufu senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e ichi.

Zviri nyore kudzivirir­a cholera pane kuti munhu azomhanya kuchipatar­a abatwa nedenda iri.

Chirwere ichi kusvika pari zvino, chanyukawo kune dzimwe nyika dziri mudunhu reSouthern Africa dzinoti Zambia, Mozambique, South Africa neMalawi.

Malawi ndiyo iri kunyanya kutambudzw­a necholera zvichiteve­ra kubatwa kwevanhu vanodarika 50 000 nechirwere ichi apo 1 600 vafa kubva munaKurume gore rapera.

Nyika idzi dzakapoter­edza Zimbabwe uye pane kushanyira­na kunoitika pakati pevanhu kureva kuti chirwere ichi chinogona kuramba chichipara­rira nekudaro veruzhinji vanofanirw­a kungwarira kuzvidzivi­rira kubva kudenda iri.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe