Ngatidzivirirei cholera, ingozi
CHIRWERE checholera, icho chakanyuka zvekare muZimbabwe munaKukadzi gore rino, chichiri kupararira kumativi ose enyika izvo zviri kuona Hurumende ichishanda zvakasimba nemapoka akasiyana mukurwisa denda iri.
Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 5 000 vanofungidzirwa kuti vakabatwa nechirwere ichi apo nyaya dzinodarika 1 000 dzakatsinhirwa uye 43 vakafa.
Zimbabwe iri kuwana nyaya itsva dzecholera kumadhorobha nekumaruwa kumadistricts anosvika 43.
Chirwere ichi chiri kunetsa kunzvimbo dzinosanganisira Buhera neChitungwiza.
Nyika ino yakatambudzwa zvakanyanya necholera muna2008 apo vanhu 98 596 vakabatwa nechirwere ichi uye vamwe vanodarika 4 000 ndokufa izvo zvakaita kuti gore iri rive nenhoroondo yakakura panyaya yedenda iri.
Cholera yakazonyuka zvekare muna2018, ikabata vanhu 10 421 apo vamwe 69 ndokufa.
Hurumende iri kutora matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi anosanganisira kuona kuti varwere vose vanofungidzirwa kuti vane denda iri vawaniswa rubatsiro kuzvipatara nekukasika.
Matanho aya anosanganisirawo kuvepo kwehurongwa hwechimbi-chimbi hweCholera Outbreak Emergency Preparedness and Response Plan 2023-2024 uye kuwaniswa kwezvekushandisa mukurwisa kupararira kwechirwere ichi.
Izvi zviri kuona chikamu che97 chevarwere vecholera vachipona.
C h o l e r a i n o p a r a r i r a nekukasika kuburikidza nekushandisa mvura kana kudya chikafu chinenge chasangana netsvina yevanhu vane hutachiona hunokonzera chirwere ichi.
Kureva kuti denda iri rinokwanisika kudzivirirwa kana veruzhinji vakakoshesa nyaya dzehutsanana vachichengetedza utano hwavo uye kuona kuti nharaunda yavo inogara yakatsvinda.
Zvakakosha kuti veruzhinji vave neruzivo rwakazara pamusoro pezviratidzo zvecholera nekuti chirwere ichi chinokwanisa kuuraya munhu mukati memaawa mashoma-shoma kana akasarapwa.
Dzimwe nzvimbo veruzhinji vanokwanisa kutapurirwa cholera dzinosanganisira kundufu uko vanobatana maoko uye kugeza mvura mumudziyo mumwe chete wakadai semudishi panguva yekudya.
Mamiriro ezvinhu aya anoreva kuti vanhu vanofanirwa kusiyana netsika dzakadai sekubatana maoko pandufu senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Zviri nyore kudzivirira cholera pane kuti munhu azomhanya kuchipatara abatwa nedenda iri.
Chirwere ichi kusvika pari zvino, chanyukawo kune dzimwe nyika dziri mudunhu reSouthern Africa dzinoti Zambia, Mozambique, South Africa neMalawi.
Malawi ndiyo iri kunyanya kutambudzwa necholera zvichitevera kubatwa kwevanhu vanodarika 50 000 nechirwere ichi apo 1 600 vafa kubva munaKurume gore rapera.
Nyika idzi dzakapoteredza Zimbabwe uye pane kushanyirana kunoitika pakati pevanhu kureva kuti chirwere ichi chinogona kuramba chichipararira nekudaro veruzhinji vanofanirwa kungwarira kuzvidzivirira kubva kudenda iri.