Kwayedza

Makorokoza oparadza nharaunda

- Kingstone Mapupu

VAGARI vekuDonjan­e, kuSt George, kwaMambo Samambwa, kuKwekwe, vari kutsutsumw­a zvakanyany­a nekuda kwekuparad­zwa kwezvivakw­a, minda nemigwagwa kuri kuitwa nemakoroko­za ari kuchera goridhe.

Sadunhu Ndumo, VaSteven Ncube (83), vekudunhu raMambo Samambwa, vanoti makorokoza ari kuparadza nharaunda zvikuru.

“Hongu, vana vari kutsvaga kurarama, vamwe vanobva medu muno uye kumamwe matunhu, asi dambudziko ratatarisa­na naro kuparadzwa kwemasango neminda chaiyo kunyangwe nemigwagwa yapera. Chikumbiro chedu kuti vana ava vapihwe nzvimbo dzine matsamba pane kuchera pose-pose,” vanodaro Sadunhu Ndumo.

Vanoti vakaendesa chikumbiro chavo kuvakuru vedunhu nekuHurume­nde kuti vechidiki ava vawaniswe nzvimbo dzavanosha­ndira pasina kuparadza zviwanikwa.

Mashoko avo anotsinhir­wa naSabhuku

Matutuka, VaBernard Ncube (74), vachiti nzvimbo yavo angova makomba nemakorong­a nekuda kwekucherw­a kwegoridhe.

“Nharaunda yedu ino angova makomba oga-oga vechidiki ava vachichera goridhe kutsvaga kurarama. Minda chaiyo yapera kucherwa kusanganis­ira nemugwagwa wedu unoenda kuEmpress kubva kuZhombe.

“Tine mugwagwa unodarika panzvimbo yedu yemabhizim­isi eDonjane paSt George wakambodam­burwa nyaya iyi tikaisvits­a kuna mambo vedu VaSamambwa avo vakatouya kuzoita musangano nevechidik­i, asi hapana chakagadzi­rika uye vari kutochera nemubereve­re mezvivakwa,” vanodaro Sabhuku Matutuka.

Vanoti vebazi reEnvironm­ental Management Agency (EMA) vanogara vachivaziv­isa nguva dzose uye vanombouya vachitaura nemakoroko­za aya.

“Izvozvi tava kutyira kuti vanhu munguva yeZhizha vanowira mumakomba azara mvura uyewo zvimwe zvivakwa zvinogona kudhirika nekucherwa kuri kuitwa muberevere medzimba,” vanodaro Sabhuku Matutuka.

 ?? ?? MAKOMBA nemakorong­a ari kukonzerwa nemakoroko­za ari kuchera goridhe kwaMambo Samambwa, kuKwekwe.
MAKOMBA nemakorong­a ari kukonzerwa nemakoroko­za ari kuchera goridhe kwaMambo Samambwa, kuKwekwe.
 ?? ?? SADUNHU Ndumo
SADUNHU Ndumo
 ?? ?? SABHUKU Matutuka
SABHUKU Matutuka

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe