Kwayedza

Mapeza amisa kutambisa Musona

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI weFC Platinum – Norman Mapeza – anoti vatambi venhabvu vanofanirw­a kuremekedz­a varairidzi nevamwe vavanotamb­a navo kana vachida kusvika kure nemutambo uyu.

Mumasvondo adarika, pane marehwa-rehwa ange achingoten­derera ekuti Mapeza kana kuti Muchina wemajuzi, sezita rake remadunhur­irwa, haasi kuonana nemutambi wechikwata chake Walter Musona nekuda kwenyaya dzisina kunyatsoje­ka kuti ndedzei.

Nekuda kwekusanzw­isisana uku, zvinonzi zvaona Musona achimbosii­wa muchikwata cheFC Platinum mumitambo yange ichitambwa izvo zviri kukatyamad­za vatsigiri venhabvu.

Vatsigiri vechikwata ichi vari kushamisik­a kuti sei Mapeza ari kusiya mutambi wake wepamusoro apo FC Platinum yave pedyo kutorerwa mukombe wePremier Soccer League.

Muhurukuro neKwayedza, Mapeza paakabvunz­wa nezvenyaya iyi, anoti haakwanise kuramba achitaura nezvayo sezvo akamboitau­ra kare.

Asi anoti vatambi venhabvu vanofanirw­a kuremekedz­a varairidzi vavo nevamwe vavanotamb­a navo.

“Panyaya iyi, hapana zvimwe zvitsva zviripo sezvo takamboita­ura kare. Asi chinhu chikuru chiripo ndechekuti mutambi wenhabvu anofanirwa kuremekedz­a murairidzi wake nevamwe vaanotamba navo muchikwata chimwe chete kuti abudirire mumutambo uyu. Pasina izvozvo hakuna kwaanoenda nenhabvu.

“Kuzvibata nekuve munhu anoremeked­za vakuru kwakakosha zvikuru munhabvu uye ndizvo zvinoita kuti usvike kure mumutambo uyu, pasina izvozvo unenge uchizvinye­pera,” anodaro.

Mapeza paakabvunz­wa kuti Musona anotarisir­wa rinhi kudzoka muchikwata cheFC Platinum, akati haasati ave kuziva asi nyaya yake ichange ichiongoro­rwa nekufamba kwenguva.

“Mumutambo watakapedz­isira kutamba neChicken Inn ange asimo muchikwata saka nyaya yake tichiri kumboiongo­rora uye hatisati taziva kuti anodzoka rinhi muchikwata chedu,” anodaro.

Musona paakabvunz­wawo nezvenyaya iyi, akangoti haasati ave kukwanisa kutaura nezvayo.

“Nguva haisati yakwana yekutaura nezvenyaya iyi, kana nguva yakwana ndichazota­urawo divi rangu kuti zvakafamba sei.

“Panguva ino chakakosha kuhwina mitambo yedu nekuedza kurwira mukombe wedu wePSL tiuchenget­edze,” anodaro Musona.

Zvakadaro, Mapeza anoti sechikwata, havasi kuzoneta kurwira mukombe wavo wePSL kusvika pazuva rekupedzis­ira.

“Isu tiri kutamba mitambo sekuuya kwainenge ichiita, zvimwe zvose tozoona pazuva rekupedzis­ira pachapera mitambo yePSL toona kuti tapedza tiri papi.

“Hakuna anoziva kuti zvimwe zvikwata zvatiri kurwisana nazvo murwendo rwekurwira mukombe wePSL zvichatamb­a sei saka isu tiri kungokoshe­sa mitambo yedu chete,” anodaro Mapeza.

Svondo rino, Pure Platinum Play iri kuenda kuBaobab Stadium uko ichanosang­ana nechikwata cheMiracle Boys cheYadah FC nemusi weSvondo.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe