Mushamarari opinda mumhanzi
AIMBOVA mushamarari kunhepfenyuro yeRadio Zimbabwe, Silvester Tapfumaneyi (56), apinda mune zvemimhanzi achiimba musambo weChimurenga Gospel Music uye akatobura nziyo mbiri gore rino.
Tapfumaneyi anoti chishuwo chekuimba chakatanga apo aiva kuZBC ari mushamarari achiita zvirongwa zvakasiyana.
“Chido chekuimba ndakachitangisa ndiri kuZBC uko ndakatanga ndiri mutyairi ndikazosimukira kuita mushamarari. Ndaishevedzera nhabvu panhepfenyuro, ndichiitawo chirongwa chembira chainzi Dzavana Gwenyambira. Panguva iyi, ndakaita kuti zvikwata zvembira zvaisanganisira Musha Waparara Mbira Group vatsikise dambarefu rainzi Chamukonjora Chakoromoka uyewo Mbira DzeNharira vakatsikisa dambarefu rainzi Ndoendawo Kwaambuya apo ndaiva kuRadio Zimbabwe,” anodaro Tapfumaneyi.
Anoti haasati ave nechikwata chemhanzi.
“Semunhu anonyora nziyo, ndakanyora masingles maviri aya ndichitora mashoko kubva mumararamiro evanhu. Munziyo idzi mune mashoko ekusimbisana nekubatirira kumwanakomana waMwari Jesu izvo zvinoonekwa nevanhu vachibudirira mune zvose zvavanoita,” anodaro Tapfumaneyi.
Anoti mukambo “Dzaingove Hope” anotaura nezvekusamira zvakanaka kwehupfumi pasi rose izvo zvave kuita kuti vamwe vanhu vatadze kuzadzikisa zvishuwo nezvinangwa zvavo apo vanofanirwa kuramba vakatarisa kunaMwari.
Kambo “Dai Ndakaziva” anoti kakabva munyaya dzevarume vanonyepera madzimai kuti havana kuroora ivo vari masaimba zvichizobuda mushure mekuchata.
“Inyaya dzakawanda dzinoitika muhupenyu zvakaita kuti nditsikise nziyo idzi,” anodaro