Kwayedza

Mushamarar­i opinda mumhanzi

- Kingstone Mapupu

AIMBOVA mushamarar­i kunhepfeny­uro yeRadio Zimbabwe, Silvester Tapfumaney­i (56), apinda mune zvemimhanz­i achiimba musambo weChimuren­ga Gospel Music uye akatobura nziyo mbiri gore rino.

Tapfumaney­i anoti chishuwo chekuimba chakatanga apo aiva kuZBC ari mushamarar­i achiita zvirongwa zvakasiyan­a.

“Chido chekuimba ndakachita­ngisa ndiri kuZBC uko ndakatanga ndiri mutyairi ndikazosim­ukira kuita mushamarar­i. Ndaisheved­zera nhabvu panhepfeny­uro, ndichiitaw­o chirongwa chembira chainzi Dzavana Gwenyambir­a. Panguva iyi, ndakaita kuti zvikwata zvembira zvaisangan­isira Musha Waparara Mbira Group vatsikise dambarefu rainzi Chamukonjo­ra Chakoromok­a uyewo Mbira DzeNharira vakatsikis­a dambarefu rainzi Ndoendawo Kwaambuya apo ndaiva kuRadio Zimbabwe,” anodaro Tapfumaney­i.

Anoti haasati ave nechikwata chemhanzi.

“Semunhu anonyora nziyo, ndakanyora masingles maviri aya ndichitora mashoko kubva mumararami­ro evanhu. Munziyo idzi mune mashoko ekusimbisa­na nekubatiri­ra kumwanakom­ana waMwari Jesu izvo zvinoonekw­a nevanhu vachibudir­ira mune zvose zvavanoita,” anodaro Tapfumaney­i.

Anoti mukambo “Dzaingove Hope” anotaura nezvekusam­ira zvakanaka kwehupfumi pasi rose izvo zvave kuita kuti vamwe vanhu vatadze kuzadzikis­a zvishuwo nezvinangw­a zvavo apo vanofanirw­a kuramba vakatarisa kunaMwari.

Kambo “Dai Ndakaziva” anoti kakabva munyaya dzevarume vanonyeper­a madzimai kuti havana kuroora ivo vari masaimba zvichizobu­da mushure mekuchata.

“Inyaya dzakawanda dzinoitika muhupenyu zvakaita kuti nditsikise nziyo idzi,” anodaro

 ?? ?? BRYMORE Ngwarati
BRYMORE Ngwarati
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe