Kwayedza

KUFIRWA HAZVIREVI MAGUMO EUPENYU Shirikadzi yorera mhuri nekuveza matombo

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuNkayi, kudunhu reMatabele­land North – uyo anova shirikadzi – ari kuriritira mhuri yake nemari yaanowana kubva mukuveza matombo uye anoti hakuna basa rinonzi nderechiru­me kana kuti rinoitwa nevakadzi bedzi.

Mai Clemencia Ncube (46) – avo pari zvino vari kugara mumusha weRetreat, muHarare – vanoti vakashaiki­rwa nemurume mugore ra2002.

Vari kurarama nekuveza matombo panzvimbo yeTsindi Art Gallery iri kuHatfield, muHarare.

“Ini ndakabva kumusha kuNkayi mugore ra2011 mushure mekushaiki­rwa nemurume wangu mugore ra2002. Ndakasvika pano paTsindi Art Centre ndichiteve­ra mukoma wangu aiita basa rekubika sadza achitenges­era vavezi vepano. Ndakasviko­pindawo munyaya dzekubika sadza nasisi vangu, ndikazombo­regera ndokuenda kumwe kwandaisha­nda.

‘‘Ndakazodzo­ka mugore ra2016 ndokutanga kugeza matombo evamwe vavezi,” vanodaro Mai Ncube.

Vanoti mukugeza zvivezwa zvevamwe kuti zvichene, vakazoitaw­o shungu dzekudzidz­a kuveza.

“Panguva yandaigeza zvivezwa izvi mugore ra2019, ndakazotau­ra naVaBenard Sakarombe avo vakandidzi­dzisa kuveza atinoti ma‘heads’, kureva zvivezwa zvemisoro yevanhu nezvimwewo. Zvakadaro, ndiri kushanda pasi pavo sezvo ndisati ndawana zvangu zvekushand­isa zvakakwana,” vanodaro Mai Ncube.

Vanoti vari kuveza matombo erudzi rwemaDolom­ites ayo asinganets­e.

“Ndine shungu dzekuti dai ndawana zvangu zvekushand­isa ndizviitir­e ndoga, ndizvirumu­re kubva kuna VaSakaromb­e. Chinonetsa midziyo yekushandi­sa kubva kumachizir­i acho, masando, magrinder nemamwe maturusi anodiwa ayo andisina.

“Matombo acho anonetsa kuwana sezvo achitengwa kure, zvandinoda­wo kuti ndigone kubatsirwa nevane tsiyo nyoro,” vanodaro.

Mai Ncube vanoti kubva mubasa iri, vakakwanis­a kuendesa mwana wavo kuchikoro kusvikira apedza.

“Kunyangwe ndichiita basa ndiri pasi pemumwewo munhu, ndiri kukwanisa kurarama.

‘‘Ndinodawo kusimudzir­wa kuti ndiwane zvekushand­isa nekuwanawo matombo zviri nyore.

“Ndinoda kuzova nekambani yangu hombe yekuveza matombo uye ndinokurud­zira mamwe madzimai kuti vasiyane netsika yekusarudz­a mabasa,” vanodaro Mai Ncube.

Vanoti vanogona kuveza zvivezwa gumi pamwedzi.

“Vanotenga zvivezwa zvedu vashoma mazuva ano saka tinombogar­a tisina mari. Semuvezi ari kuda kusimukira, ndinokumbi­rawo kune vanogona kundibatsi­ra kuti vandiridzi­re nhare pa0719 625 125,” vanodaro.

 ?? ?? MAI Clemencia Ncube vachiveza matombo. — Mifananidz­o naMemory Mangombe
MAI Clemencia Ncube vachiveza matombo. — Mifananidz­o naMemory Mangombe
 ?? ?? ZVIMWE zvivezwa
ZVIMWE zvivezwa
 ?? ?? MAI Clemencia Ncube
MAI Clemencia Ncube

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe