Kwayedza

‘Gadzirai kudya kwezvipfuy­o’

- Kingstone Mapupu

ZVICHITEVE­RA kunaya kuri kuita mvura zvisina tsarukano mwaka uno, varimi vanochenge­ta zvipfuyo vari kukurudzir­wa kuti vazvitsvag­ire mvura yekunwa nechimwe chikafu kuti zvisafe nenzara sezvo nzizi nemadhamu mazhinji zvave kusvika pakuoma uye mafuro ave mashoma.

Kurudziro iyi yakapihwa naDr Josphat Nyika, avo vanova chief director kubazi reDepartme­nt of Veterinary Services, vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kana kuchitaris­wa mamiriro ekunze nemvura yekuti zvipfuyo zvinwe nechikafu chacho.

“Nyaya yekunonoka kunaya kwemvura mwaka uno yakagozha zvikuru kwatiri sevarimi nekuti zvinhu hazvisisin­a kumira zvakanaka. Mumadhamu nemunzizi mvura hamusisina, zvipfuyo zvedu zvava kufamba nzendo refu kunotsvaga mvura yekunwa uko dzimwe mombe dzinosviko­ny’ura mumadhaka dzofira ikoko.

“Saka tinoti vane mikana ngatichere­sei zvibhorani zvakadzika zvinobatwa mvura inokwanira toraramisa zvipfuyo zvedu,” vanodaro Dr Nyika.

“Zvine hungwaru kune varimi vane mombe dzakawanda kutengesa dzimwe mocheresa zvibhorani, moisa matangi emvura pamisha yenyu nekumafuro kana zvichiita modiridzir­a huswa hwemusango nekurimawo sora rezvipfuyo rinokurudz­irwa nevarimisi.

Pamusoro pazvo varimi vogadziraw­o kudya kwezvipfuy­o nehuswa hwavanowan­a mumasango nekushandi­sa zvirimwa zvakawora nezvimwe, kana kutenga kudya uku.”

Vanoti inyaya yakakosha kuti varimi vezvipfuyo vagadzire mapadhoku anokombere­dzwa newaya anochenget­edza bundo rinozodyiw­a nemombe nezvimwe zvipfuyo.

“Kune varimi vakachenge­tedza mashanga mumatara, tinokurudz­ira kuti vatenge sauti nemanyuchi topa mombe dzedu kunyange mbudzi nemakwai nemadhongi kana zvimwe zvipfuyo.

‘‘Nguva yatiri yakaipa inoda kuti tikurumidz­e kuchengete­dza zvipfuyo zvedu,” vanodaro.

Dr Nyika vanokurudz­irawo kune vane matsime kuti vachere adzike zvinoita kuti varambe vachiwana mvura inovakwani­ra pamwe chete nezvipfuyo zvavo.

“Mvura upenyu inodiwa nesu sevanhu nezvipfuyo saka ngatigadzi­rirei nguva isati yapera torega kurasikirw­a nezvipfuyo zvedu.

‘‘Ngatisakan­ganwei kunodhibhi­sa mombe dzedu mumasvondo maviri oga-oga kana kufirita nepombi tichipihwa mazano nevarimisi vedu vekumatunh­u kwatiri,” vanodaro Dr Nyika.

Vanoti mombe nezvimwe zvipfuyo ngazvibaiw­e majekiseni ekudziviri­ra zvirwere zvakasiyan­a.

MuZimbabwe, vanodaro Dr Nyika, mune mombe dzinodarik­a 5 miriyoni zvichiteve­ra kufa kwadzakamb­oita makore akadarika.

“Makore mashoma akadarika, nyika yakarasiki­rwa nemombe dzinokwana 500 000 hunova huwandu hunotyisa hunodzoser­a budiriro kumashure saka hatidi kudzokoror­a dambudziko rakadai nekuti mombe dzedu ipfuma uyewo ibhanga,” vanodaro Dr Nyika.

 ?? ?? MOMBE dzakanyura mumadhaka dzichitsva­ga mvura yekunwa
MOMBE dzakanyura mumadhaka dzichitsva­ga mvura yekunwa
 ?? ?? DR NYIKA
DR NYIKA

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe