Kwayedza

‘Ndakaberek­eswa zvidhoma’

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara kuHopley Zone 6, muHarare, anoti aona nhamo nekurohwa nezvikwamb­o izvo zvinomupfu­mbira muromo nemhuno panguva yazvinomuz­vambaradza kuti asakwanise kuchema.

Mai Annah Mapuranga (34) — avo kumusha vanobva kwaSabhuku Chidawaya, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, uye vakaroorwa vaine vana vatatu — vanoti vava kutadza kushandira mhuri yavo nekuda kwezvikwam­bo izvi.

“Ndine vana vanoti wemakore 17, 9 neane makore mashanu okuberekwa. Vose vana vangu havasi kuenda kuchikoro nekuti ini ndava kugara pamba pasina chandinoit­a sezvo ndichingoe­rekana ndava kurohwa nezvinhu izvo zvandising­aone zvinonzi nevamwe vemweya zvikwambo, vamwewo vachiti zvidhoma,” vanodaro Mai Mapuranga.

Vanoti dambudziko ravo rakatanga munaChivab­vu gore rino apo vakataurir­wa kuti vaiva nemudzimu waida kusvika pavari.

“Vakazoenda kune mumwe muporofita wavanogara naye munzvimbo imwe chete vachibva vatanga kushandirw­a.

“Ndakatanga kubudirwa nemudzimu ndiri pamba ndokuzoend­a kumuporofi­ta anonzi Madzibaba Davie wemuno muHopley. Akanditaur­ira kuti nditenge machira emudzimu uyu ndokuzoend­a kumakomo ekwaChamin­uka, kuChitungw­iza, uko takanorara vachindige­za mudzimu wangu paine vamwewo vanhu.

“Kubva ipapo, ndakatanga kurohwa nezvinhu zvandising­aone izvi zvinondiba­ta muromo nemhuno panguva yazvindiro­va,” vanodaro Mai Mapuranga.

Pakagezwa mudzimu uyu, vanoti vabereki vavo vaivapo nedzimwe hama.

“Kubva ipapo, ndinonzwa izwi ramadzibab­a ava richitaura munzeve dzangu richiti vakatora mudzimu wangu vakagadzik­a zvikwambo pandiri uyewo mazwi aya anouya achiti hakuna anogona kukubatsir­a kunze kwangu chete.

Dzimwe nguva madzibaba uyu anondifone­ra achinditau­rira kuti akandiisa pa’tracking system’ vanoziva kwese kwandiri nezvandino­ita. Rimwe zuva akandifone­ra akandiudza pandaiva ndiri kuComplex yekuGlen View nechivakwa chandaiva ndakataris­ana nacho nemumugwag­wa wacho,” vanodaro amai ava.

Vanotiwo vanoona madzimai nevasikana vasina kupfeka vemunharau­nda mavo avo vanouya vachivati vaende kunoroya vose.

Mai Mapuranga vanoti mudzimu unosvika pavari ndewasekur­u vavo, VaZakariya.

Mudzimai uyu anoti anoonawo mifananidz­o yemhuka dzakasiyan­a nezvimwe zvinhu zvaasingaz­ive mumba make.

“Pamwe ndinonyang­irwa nevanhu nekumashur­e kwangu, ndotanga kurohwa ndichidzip­wa huro nekudzvany­irirwa pachipfuva nekurohwa mbama. Zvinhu zvakaiswa pandiri zvinonzi zvinondisv­etawo ropa.”

Mai Mapuranga vanoti vari kuenda kuna Madzibaba Davie vomutaurir­a kuti abvise zvikwambo zvavanoti ndiye akavaisa asi ari kuti hapana zvaanoziva pamusoro penyaya iyi.

“Mazwi emurume uyu kana achitaura munzeve dzangu anoti ndiri nhare yake kureva kuti anonditeve­rera pose pandinenge zvichipind­a ndiri. Chinonetsa ndechekuti muporofita uyu akambondip­fimba ndikamuram­ba, zvichida ndizvo zvakaita kuti andiitire hutsinye kudai, hamheno,” vanodaro.

Mudzimai uyu, uyo anoita basa rekuruka vanhu misoro, anotiwo anoshaya mari mumba nezvimwe zvinhu zvakakosha.

“Ndaimbohod­ha huku ndichiteng­esa asi bhizimisi iri rakabhurok­a huku dzacho ndichingod­zishaya.

“Kune vanhu vandinoziv­a vanouya vasina kupfeka husiku zvose nemasikati vachiti tiende tose kunoroya,” vanodaro Mai Mapuranga.

Mwana mukuru waMai Mapuranga anonzi akatadza kunyora bvunzo dzeForm 4 gore rino nekuda kwekushaya mari uyewo weGrade 4 neweZero Grade vose havasi kuenda kuchikoro.

Madzibaba David Dube (51) wechechi yeJohane Masowe weChishanu, uyo kumusha anobva kwaRusitu, kwaMambo Mutema, kuChipinge, anotsinhir­a kuti ari kupumhwa huroyi naMai Mapuranga.

“Amai ava vakauya vachida kubatsirwa neni vabatwa nemudzimu ndikaenda navo kumakomo aChaminuka vaine hama dzavo vakanopfek­edzwa machira avo. Vanouya kwandiri vachiti vanonzwa mazwi angu munzeve dzavo, vachiti ndakavaisa zvikwambo zvinovarov­a. Nyaya dzose idzi handidzizi­ve, kana zvekuti ndakavapfi­mba kunyepa, ndinofunga kuti vava kurwara,” anodaro Madzibaba Davie.

Anorambawo nyaya yekuti akavaisa “tracking system” uyewo nekuti anogara achivaridz­ira nhare.

“Amai ava vandinetsa, vanouya vachiti ndibvise zvikwambo zvavanoti ndakavaisa asi ini hapana zvandinozi­va. Ndine hurongwa hwekutoran­a navo nehama dzavo nedzangu tofamba kuti zvinoonekw­a kuti zviri kumbofamba sei, kana ndabatwawo hamheno zvinoonekw­a kuti dambudziko ravo rinobva papi,” anodaro Madzibaba Davie.

Muporofita uyo anotiwo haagone kupikisa mudzimai uyu, achiti anonzwa mazwi aya oga.

 ?? ?? Madzibaba David Dube Chitwanga
Mifananidz­o naTinashe
Madzibaba David Dube Chitwanga Mifananidz­o naTinashe
 ?? ?? Annah Mapuranga
Annah Mapuranga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe