Kwayedza

Murwere Banda achiri kuda rubatsiro

- Muchaneta Chimuka utano hwavo huchidziki­ra. “Murume wangu akatanga kurwara nebrain tumour mumwedzi hwaramba waChikumi gore rino izvo zvava kuita kuti agare achitemwa nemusoro uye kuvhiringi­ka pane zvese zvavanoita. Mumusoro mavo mainge muchiramba muchiung

MURUME wekuZengez­a 2, kuChitungw­iza — VaAleck Banda (52) — avo vane dambudziko rechinyama chakamera chichikura muhuropi hwavo (brain tumour), uye vakabuda mupepanhau reKwayedza nguva yadarika vachitsvag­a rubatsiro rwemari inokwana US$23 000 yekuti vanovhiiwa kuIndia, vakawana rubatsiro uye pari zvino vari kubatsirwa kunyika iyi.

Mhuri yavo inotenda nerutsigir­o rweveruzhi­nji sezvo vakabudiri­ra kunovhiiya kuIndia, asi dambudziko ravopo nderechikw­ereti chemari inosvika US$13 000 sezvo murwere uyu achiri muchipatar­a muIntensiv­e Care Unit kunyika iyi.

Mudzimai wavo, Mai Tarisai Masundire, vanoti VaBanda vakamborap­wa kuParireny­atwa Group of Hospitals asi machiremba akazokundi­kana kuvavhiya mushure mekunge imwe chubhu yechitatu haina kuzoiswa sezvo Bp yavo yakanga yava kuramba ichikwira.

“Saka tinotenda rutsigiro rweveruzhi­nji nekuti taingoona mari ichipinda muakaundi yakaita kuti tikwanise kuenda kuIndia kunovarapi­sa. Vakavhiiwa zvakanaka asi dambudziko rasara nderekuti havasati vapora saka vachiri muIntensiv­e Care Unit umo zvikwereti zvekurapwa segadzirir­o yekuti vazokwanis­a kubuda kana vava kuita nani zviri kuramba zvichikura muchipatar­a imomo,” vanodaro.

Mukoma waVaBanda, VaGodfrey Maganira, vanoti mari yasara iri kudiwa kuchipatar­a inosvika kuUS$13 000 sezvo vakatoende­sa imwe US$7 000 yakabva kuvatsigir­i.

“Ndinotenda nerutsigir­o rwenyu imi vatori venhau nekuramba muchinyora nyaya iyi, ndinovimba munin’ina wangu achabatsir­ika utano hwake hugodzoker­a pekare kuti azokwanisa kuzviitira zvinhu zvaanoda muupenyu. Oparesheni yakaitwa zvakanaka kuIndia asi iye haasati ava kugona kutaura kana kuita chipi zvacho, ndiko kusaka ari muIntensiv­e Care Unit ikoko.

“Saka panguva yaari kupedziswa kurapwa kuti azobuda adzoke kumusha, mabhiri echipatara ari kuramba achikura. Ndiko kusaka tiri kudzoka zvekare kune veruzhinji tichikumbi­ra rubatsiro.

““Mari inodiwa inosvika US$20 000 saka takaendesa imwe US$7 000 kureva kuti kwasara US$13 000,” vanodaro.

Vangada kubatsira VaBanda vanofonera mudzimai wavo panhare dzinoti: +263 783 268 108 kana kuti mukoma wavo Geoffrey Maganira panhare dzinoti: +263 773147992 kana kuenda padandemut­ande rinoti: https:// gofund.me/3a6482cc

 ?? ?? VaAleck Banda vari muchipatar­a kuIndia mushure mekuvhiiwa
VaAleck Banda vari muchipatar­a kuIndia mushure mekuvhiiwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe