Kwayedza

Musavarair­we, AIDS ichiriko

- MAONERO EDU

MUSANGANO mukuru wepasi rose weInternat­ional Conference on AIDS and Sexually Transmitte­d Infections (ICASA 2023) wakatanga muZimbabwe nemusi weMuvhuro svondo rino uye uchaitwa kusvika neMugovera uno.

Gungano iri riri kuitwa panguva iyo nyika ino yabudirira kuzadzikis­a zvinangwa zvayo zvekumisa kupararira kweHIV panozosvik­a gore ra2030 zvema95,95,95 UNAIDS Targets.

Izvi zvinoreva kuti Zimbabwe yakabudiri­ra mukuderedz­a nyaya itsva dzeHIV nechikamu che95 percent nekuwanisa vanhu vane hutachiona hweHIV mishonga yemaAnti-Retroviral Therapy nechikamu che95 percent zvekare.

Pamusoro pezvo, vose vari pamishonga havachagar­i vachirwara nekuda kwekuti masoja emumiviri yavo akasimudzi­rwa nekutora mishonga nemazvo nechikamu che95 percent.

Musangano weICASA uyu uri kupindwa nevaenzi vanosvika 8 000 kubva kunyika dzepasi rose izvo zvinoratid­za kukosha kwawo.

Uyu ndiwo musangano mukuru unoitwa pamusoro peHIV neAIDS muAfrica kureva kuti chiremerer­a chinodadis­a kuti Zimbabwe ipihwe mukana wekuitirwa gungano iri.

Zvisinei nekuti Zimbabwe yabudirira zvakanyany­a mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS, zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachizvidz­ivirira.

Tinodaro nekuti kune vamwe vave nemufungo wekuti denda iri harisisiri njodzi kuupenyu hwavo.

HIV ichiri kupararira munyika muno uye kana veruzhinji vakada kuita zinyeke-nyeke vanopera nechakaped­za mbudzi.

Zviri nyore kuti budiriro yose yaitwa mukurwisa HIV neAIDS idzorerwe kumashure kana veruzhinji vakaita zvedambe nekuda kwechirwer­e ichi.

Makore akatanga denda iri, pasi rose rakazengez­ana izvo zvakaona vanhu vakawanda vachifa nekuda kweAIDS.

Mazuva aya kwaive nerusarura rwakanyany­a zvekuti munhu ane chirwere ichi aisemwa nevamwe izvo nhasi zvisisiko nekuda kwedzidzis­o yakasimba yakapihwa veruzhinji.

Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisati­on (WHO) mukupera kwegore ra2018 inoratidza kuti vanhu vanosvika 37,9 miriyoni munyika dziri muAfrica vaive neHIV.

Vanhu 1,7 miriyoni vanonzi vakaonekwa vaine hutachiona hutsva hweHIV muna2018 pasi rose uye vari muAfrica ndivo vari kunyanya kushunguru­dzwa neHIV.

Nyika dziri kuchamhemb­e nekumabvaz­uva kweAfrica dzinonzi ndidzo dzine vanhu vakawanda vari kutambudzw­a nedenda iri apo 1,4 miriyoni vavo vakabatwa nehutachio­na hutsva muna2020.

Dunhu iri rinonzi rainge riine vanhu vanosvika 25,8 miriyoni vane HIV neAIDS mugore iri.

Chakakosha kuziva ndechekuti HIV neAIDS zviriko, saka vanhu vanofanirw­a kuzvidzivi­rira.

 ?? ??
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe