Kwayedza

‘Handingafi­re kaUS$20 nekuda mukorokoza’

- Munyori weKwayedza

US$20 yekuparadz­a upenyu hwese?

Uyu mubvunzo mukuru kubva kuvanasika­na vekudunhu reUmguza, kuMatabele­land North.

Vanasikana ava vari muchirongw­a cheSista to Sista mubhuku raNqakala kuWard 3, Umguza District.

Vanoti vari kuramba tsika yekunyenge­dzwa nemakoroko­za anouya kuzoshandi­ra munzvimbo iyi avo vanovakwez­va nemari zvichizoko­nzeresa kukanganis­ika kweupenyu hwavo.

“Makorokoza anoda vanasikana vechidiki avo vavanonyen­gedza nemari vachivakwe­zva kuti vaite zvepabonde vasina kudzivirir­a izvo zvatiri kudzidza muchirongw­a cheSista to Sista kuti zviri kuuraya upenyu hwedu vanasikana.

“Upenyu hwangu haungaurai­we neUS$20,” anodaro Sharon (16) anova mumwe wevamwe vari muchirongw­a ichi.

Sabhuku wenzvimbo iyi, VaVanisher Nkomo, vanoti vari kutambira chirongwa ichi nemufaro sezvo chaunza shanduko kuvanasika­na avo vari kubatsirik­ana. Vanotenda National AIDS Council (NAC) nekufambis­a chirongwa ichi.

“Vanasikana vazhinji vanga vachikanga­nisika upenyu hwavo nekukasira kupinda muwanano uye kubata pamuviri vachiri vadiki, asi chirongwa ichi chabatsira kuchenjedz­a vana ava. Tinotarisi­ra kuti chicharamb­a chichifamb­ira mberi zvakanaka sezvo NAC iri kufambisa chirongwa ichi mumatunhu akasiyana,” vanodaro VaNkomo.

NAC District AIDS Coordinato­r kuUmguza, VaMongiwab­esuthu Ngwenya, vanoti vari kushanda nesimba kuderedza nyaya dzekuparad­zirwa kwehutachi­ona hweHIV.

Vanoti chirongwa cheSista to

Sista ndechimwe chezvirong­wa zvavari kuona kushanda kwazvo mukudzidzi­sa vanasikana kuzvicheng­etedza kubva kuhutachio­na hweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde.

“Umguza District ndiyo nzvimbo ine kubatwa kwechirwer­e patsva nevanhu kwakanyany­a kudarika mamwe matunhu muMatabele­land North. Chirongwa chakaita seichi chiri kubatsira kuderedza kupararira kwehutachi­ona.

“Tiri kuita zvikwata nezvikwata zvekubatsi­ra vanasikana kuti vadzidze nyaya dzekuti vagone kuramba kuita zvepabonde nguva isati yakwana uye kuti vadzivirir­e panguva yebonde nedzimwe nzira dzakasiyan­a dzinovabat­sira.

“Vazhinji tiri kuvadzidzi­sa kuramba kukwezvwa nemari nekuti zvinovaisa panjodzi yekutapuri­rwa hutachiona hweHIV,” vanodaro.

VaNgwenya vanoti vanasikana vazhinji vanokwezvw­a mukuita bonde risina kudzivirir­wa nemakoroko­za kunzvimbo iyi nekuti anenge achishandi­sa mari kuti adiwe nevanasika­na.

 ?? ?? SHARON
SHARON
 ?? ?? VAVANISHER Nkomo
VAVANISHER Nkomo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe