Akaponda baba vake, ndokuvavhiya dumbu
MUKOMANA ane makore 23 okuberekwa wekwaMambo Chireya, kuGokwe, anonzi akaponda baba vake apo vairwisana mushure mekuvapomera kuti vanoroya uye akazovhiya dumbu ravo, ndokuburitsa matumbu ayo akaturika pamuti waive pedyo.
Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa18 Mbudzi nenguva dza7 mangwanani mubhuku raKufazvinei, kwaChireya.
“Tine nyaya yemurume wemakore 69 okuberekwa, Aison Nyika, anonzi akapondwa nemwanakomana wake anonzi Tinevimbo Nyika. Nemusi uyu, vaviri ava vaiva pamusha pavo apo mwanakomana aipomera baba vake kuti muroyi aikonzera matambudziko nekufa mumhuri,” vanodaro Insp Mahoko.
Baba vacho vanonzi vakagumbuka nemashoko aya vachibva vatora simbi yaiva muchivanze ndokurova nayo mwanakomana wavo kamwe chete pagumbo rekuruboshwe.
“Vaviri ava vakatanga kurwisana, Tinevimbo Nyika ndokukwanisa kutorera baba vake simbi yavaiva nayo, ndokubva atangawo kuvarova nayo muviri wose kakawanda kusvikira vafa.
“Tinevimbo Nyika anonzi akaenderera mberi ndokuvhiya dumbu rechitunha chababa vake achibva aburitsa matumbu kunze, ndokuturika pamuti waiva padyo achibva atiza,” vanodaro Insp Mahoko.
Izvi zvinonzi zvakaitika paine munin’ina waTinevimbo ane makore 13 ekuberekwa.
“Hanzvadzi yavo, Tendai Nyika (23), aiva achishanda kubindu riri padyo nemusha akazotaurirwa nyaya iyi ichibva yamhan’arwa kumapurisa. Tinevimbo Nyika akabva asungwa uye simbi yaanonzi akashandisa kupondesa baba vake yawanikwa ikaendwa nayo kukamba yemapurisa yeNembudziya uko yakachengetedzwa sehumbowo,” vanodaro Insp Mahoko.
“Tinogara tichiyambira veruzhinji nenyaya dzekutaurirwa mashoko ekunyepa kubva kun’anga nekumaporofita vachinongedzerwa vehukama kunzi varoyi voguma vava kurwisana kana kupondana sezvakaitika izvi.
‘‘Kana paitika nyaya dzakadai, vemhuri ngavaende kumadzishe kana kumasabhuku avo nevamwe vakuru vematunhu kuti vanoyananiswa. Tinokumbirawo kune vane zvavanoziva munyaya iyi kuti vaende kunopa huchapupu hwavo kumapurisa,” vanodaro Insp Mahoko.