Kwayedza

Akaponda baba vake, ndokuvavhi­ya dumbu

- Kingstone Mapupu

MUKOMANA ane makore 23 okuberekwa wekwaMambo Chireya, kuGokwe, anonzi akaponda baba vake apo vairwisana mushure mekuvapome­ra kuti vanoroya uye akazovhiya dumbu ravo, ndokuburit­sa matumbu ayo akaturika pamuti waive pedyo.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa18 Mbudzi nenguva dza7 mangwanani mubhuku raKufazvin­ei, kwaChireya.

“Tine nyaya yemurume wemakore 69 okuberekwa, Aison Nyika, anonzi akapondwa nemwanakom­ana wake anonzi Tinevimbo Nyika. Nemusi uyu, vaviri ava vaiva pamusha pavo apo mwanakoman­a aipomera baba vake kuti muroyi aikonzera matambudzi­ko nekufa mumhuri,” vanodaro Insp Mahoko.

Baba vacho vanonzi vakagumbuk­a nemashoko aya vachibva vatora simbi yaiva muchivanze ndokurova nayo mwanakoman­a wavo kamwe chete pagumbo rekurubosh­we.

“Vaviri ava vakatanga kurwisana, Tinevimbo Nyika ndokukwani­sa kutorera baba vake simbi yavaiva nayo, ndokubva atangawo kuvarova nayo muviri wose kakawanda kusvikira vafa.

“Tinevimbo Nyika anonzi akaenderer­a mberi ndokuvhiya dumbu rechitunha chababa vake achibva aburitsa matumbu kunze, ndokuturik­a pamuti waiva padyo achibva atiza,” vanodaro Insp Mahoko.

Izvi zvinonzi zvakaitika paine munin’ina waTinevimb­o ane makore 13 ekuberekwa.

“Hanzvadzi yavo, Tendai Nyika (23), aiva achishanda kubindu riri padyo nemusha akazotauri­rwa nyaya iyi ichibva yamhan’arwa kumapurisa. Tinevimbo Nyika akabva asungwa uye simbi yaanonzi akashandis­a kupondesa baba vake yawanikwa ikaendwa nayo kukamba yemapurisa yeNembudzi­ya uko yakachenge­tedzwa sehumbowo,” vanodaro Insp Mahoko.

“Tinogara tichiyambi­ra veruzhinji nenyaya dzekutauri­rwa mashoko ekunyepa kubva kun’anga nekumaporo­fita vachinonge­dzerwa vehukama kunzi varoyi voguma vava kurwisana kana kupondana sezvakaiti­ka izvi.

‘‘Kana paitika nyaya dzakadai, vemhuri ngavaende kumadzishe kana kumasabhuk­u avo nevamwe vakuru vematunhu kuti vanoyanani­swa. Tinokumbir­awo kune vane zvavanoziv­a munyaya iyi kuti vaende kunopa huchapupu hwavo kumapurisa,” vanodaro Insp Mahoko.

 ?? ?? INSP Mahoko
INSP Mahoko

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe