Kwayedza

Haasi kukwanisa kumedza chikafu

- Muchaneta Chimuka

GAMUCHIRAI Mukomachir­endo (20) ari kushunguru­dzika zvakanyany­a nekuda kwechirwer­e chakangony­uka maari chekukundi­kana kudzika kwechikafu chichienda muura hwake (achalasia condition).

Izvi zvakaita kuti vanachirem­ba vekuKarand­a Mission Hospital vamuise chubhu iyo inofambisa chikafu.

Asi chubhu iyi yakazodamb­uka nekufamba kwenguva nokudaro anoda kubatsirwa­wo neUS$100 yebhazi yekuti aperekedzw­e kunorapwa kuKaranda Mission Hospital uye nekubhadha­ra zvimwe zviri kudiwa.

Mukomachir­endo anoti chaari kuda pari zvino utano hwakanaka.

“Ndaive munhu aizviitira zvese kubvira pakugeza, kuwacha nekubika asi zvino nekurwara uku, hapana chandichag­ona uye zvinondirw­adza nekuti watova mutoro mukuru kuna amai. Dai ndangorapw­a ndikapora nditange upenyu hwangu hutsva ndidyewo nemuromo ndichimedz­a chikafu chichigara mudumbu. Handina kana zvimwe zvirwere zvandinazv­o kunze kwekukundi­kana kumedza chikafu.

“Zvamuri kuona kudai, ndatova nani nekuti ndaive ndakaita mabhonzo chaiwo ndisingakw­anisi kana kumuka pandinenge ndirere ndichizvii­tira chimbuzi panzvimbo yandiri. Veduwe zvinorwadz­a apa unenge urere muimba nemurume uchizviras­ira mvura kudaro asi usingazvin­zwe,” anodaro.

Vangada kubatsira mudzimai wechidiki uyu vamunobata panhare dzinoti: +263 782 044 071 idzo dziri paEcoCash nepaInbuck­s.

Amai vake, Mai Georgina Mhingo (47), vanoti chishuwo chavo ndechekuti kudai vawana vane tsiye nyoro vanovabats­ira nemari yekuti mwana wavo akwanise kunorapwa.

“Mwana wangu akaiswa chubhu gore rino mushure mekunge aita dambudziko rekukundik­ana kumedza chikafu uye chaisadzik­a kuenda kuura sezvo aibva angorutsa pekarepo. Dambudziko iri rakatanga mumwedzi waZvita 2020 zvekuti akatanga kuondoroka kusara ava mabhonzo. Pakutanga takafunga kuti raive gomarara asi akavhenekw­a akanzi haana.

“Mumwedzi waKurume gore rino ndipo paakazoisw­a chuchu padumbu inova yatinoisa jekiseni rinozodzik­isa chikafu,” vanodaro Mai Mhingo.

Vanoti chikafu chavanomup­a nepadumbu ipapo ndechiya chakareruk­a chakadai sebota, mbatatisi dzakakanyi­wa, mukaka nemvura.

Vanoti rimwe dambudziko guru ravakatari­sana naro nderekuti mwanasikan­a wavo pamwe nemurume wake vose havashande zvinoita kuti zvinhu zvinyanye kuvaomera.

“Mwana wangu akakura aine utano hwake hwakanaka zvekuti hatichaziv­a kuti zviri kubva kupi. Aive nezwi rake rakanaka asi iko zvino utano hwake hwaderera zvikuru zvekusvika pakurema 35 kgs pachinzvim­bo chekuti ange ari kuma55 kgs. Aifanira kudzokera kunovhenek­wa zvekare kuKaranda Mission Hospital mumwedzi waNyamavhu­vhu gore rino asi takakundik­ana kuwana US$80 yekufambis­a neUS$20 yekudhindi­rwa kadhi pamwe nezvimwe zvinodiwa mukurapwa kwake. Kutaura kuno, chubhu yake yakatodamb­uka zvekuti tava kungojoini­dza kuti akwanise kuwana chikafu asi pamwe inozara mhepo otorara nenzara nekuti chikafu chinobva chatadza kudzika,” vanodaro.

Mai Mhingo vanoti mwanasikan­a nwavo nemumukanw­a make haachakwan­isi kumedza chikafu nekuti anobva angorutsa pekare sezvo pasina mukana wekuti chizodzika kuenda kuura.

“Machiremba akati mwana wangu ane dambudziko rinonzi ‘achalasia’ kureva kuti chikafu hachikwani­si kudzika kuenda kumatumbu mushure mekuchimed­za. Kuzvipatar­a zviri mudhuze vanongoti dzokerai kuKaranda kwaakaiswa chubhu anobatsirw­a ikoko nekuti havazivi pakagumira chiremba wekutanga mukurapa. Saka ndinochema kuruzhinji rweZimbabw­e kuti mundibatsi­rewo nemari yekufambis­a mwana wangu anorapwa, ndakatopar­adzanawo nababa vake zvichiteve­ra hurwere uye vehukama vazhinji havasi kubatsira,” vanodaro.

Mukomachir­endo akabara mwana mukomana uyo ave nemwedzi misere yekuberekw­a atova nedambudzi­ko iri zvikaita kuti akundikane kumuyamwis­a.

“Paakasunun­guka, machiremba aifanira kumuvhiya asi nekuona kukomba kwehurwere hwake, vakati tikamuvhiy­a haazomuki saka vakaramba vachimuisa madhiripi vachibatsi­ridza kuti asununguke zvakanaka achibva abara mwana wake uyo akatumidza zita rekuti Miracle nekuti ainge asingatari­siri upenyu panguva yakaoma kudai. Mwana uyu haana kukwanisa kumuyamwis­a zvachose nekuti iye amai vacho aitodawo kupihwa chikafu nepadumbu,” vanodaro.

 ?? ?? GAMUCHIRAI Mukomachir­endo achiratidz­a chubhu
GAMUCHIRAI Mukomachir­endo achiratidz­a chubhu
 ?? ?? MAI Georgina Mhingo
MAI Georgina Mhingo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe