Kwayedza

Mhondi dzevana 2 dzichafira mujeri

- Cletus Mushanawan­i

DARE guru reHigh Court kwaMutare rapa mutongo wekugara mujeri kweupenyu hwose kumhondi mbiri dzakauraya vana vaviri vemhuri yekwaBenza, kwaMutasa, nenzira ine hutsinye hwakakomba muna2021.

Justice Isaac Muzenda vakapa mutongo uyu neChitatu chino.

Vazukuru vekwaBenza – Melisa naDylan (vose vaiva nemakore manomwe okuberekwa)— vemubhuku raKanganya, kwaMutasa, vakapondwa musi wa13 Kubvumbi 2021 vachibva kuMbaza Primary School, chinhambwe chemakirom­ita mana kubva pamba pavo.

Vakaradzik­wa kwapera mazuva gumi nerimwe mushure mekupondwa naSolomon Manyama (sekuru vaDylan) naPassmore Sambaza.

Manyama naSambaza, mumwe nemumwe wavo aive akatarisan­a nemhosva mbiri dzekuponda uye vakapihwa mutongo wekugara mujeri kweupenyu hwavo hwose pamhosva imwe neimwe.

Manyama naSambaza vakacheka huro dzevana ava ndokutora ropa ravo vasati vaviga mitumbi yavo muchimbuzi chepane mumwe musha wava dongo.

Pavakamira pamberi paJustice Muzenda svondo rapfuura, varume vaviri ava vakaramba mhosva yavo.

Zvisinei, svondo rino vakabatwa nemhosva yekuponda nekuda kwehumbowo hwakawandi­sa hwaivarove­rera.

Muchuchisi Mai Jane-Rose

Matsikidze vakakwanis­a kupa humbowo hwakasimba hunoratidz­a kuti vaviri ava vakapara mhosva iyi.Zvapupu zvakapa humbowo mudare zvakarover­erawo Manyama naSambaza pamhosva yavaipomer­wa iyi.

Mai Matsikidze vakaudza dare kuti nemusi wa13 Kubvumbi 2021, Melisa naDylan vaibva kuchikoro vachienda kumba apo vakasangan­a naManyama uyo akavati vafambe naye sezvo vaigara mumusha mumwe chete.

Vana vaviri ava havana kuzombosvi­ka kumba.

“Varume vari kupomerwa mhosva vakabatsir­ana ndokuuraya vana vaviri ava pamusha usisagare vanhu ndokuviga mitumbi muchimbuzi cheblair chisisasha­ndiswe. Imba iri padyo nemusha waSambaza. Vakaedza kuvhara ropa raive pahuswa vachishand­isa badza raSambaza.

“Kuma4 masikati zuva rimwe chetero, Melissa naDylan vakanzi vashaikwa ndokubva vatanga kutsvagwa. Manyama akaudza chikwata chevanhu chaitsvaga vana ava kuti akanga aparadzana navo pedyo nekumba kwavo.

“Kutsvaga kwakaender­era mberi kusvika kwakazomis­wa kuma8pm apo Manyama akaridza nhare achitaura kuti akanga asiya vana ava pedyo nerwizi Nyagambu,” vanodaro Mai Matsikidze.

Kutsvagwa kwevana kwakazotan­gazve zuva raitevera uye kwaisangan­isira rubatsiro rwevamwe vana vechikoro cheMbaza Primary nesekondar­i yacho.

Chinhambwe chinenge kiromita kubva pachikoro, vanhu vaitsvaga vakasangan­a nesora raive neropa.

Paivewo nehuswa hwakatsikw­a-tsikwa kusvika kuchimbuzi chisisasha­ndiswe ichi.

Mitumbi yevana yakazowani­kwa mugomba rechimbuzi.

Payakatorw­a, yose iri miviri yakanga iine maronda akadzika pamutsipa kudivi rekurubosh­we.

Imwe tsvakurudz­o yakazoita kuti pamba paSambaza pawanikwe badza rine ropa uye mbatya dzine ropa.

Ongororo yakaitwa nanachirem­ba pamitumbi yevana ava inotaridza kuti rufu rwawo rwakakonze­rwa nekukuvara kwakanyany­a kwemitsipa yavo.

 ?? ?? Vanhu vakaungana parufu rwevana vekwaBenza avo vakapondwa muna2021
Vanhu vakaungana parufu rwevana vekwaBenza avo vakapondwa muna2021
 ?? ??
 ?? ??
 ?? ??
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe