Kwayedza

MR UGLY SERE ASHAYA

- Kingstone Mapupu

MURUME anga akabata mukombe wekunyanga­ra pachiso munyika yose Mr Ugly Zimbabwe, Mison Sere (51) ashaya.

Mison, uyo anga achigara mumusha weNew Mabvuku, muHarare, anonzi akashaika husiku hweChipiri chino pasina kurwara kwakaonekw­a nehama dzake.

Mr Ugly aigara pamba pasekuru vake uye anonzi mutumbi wake wawanikwa uri muchimbuzi usina kupfeka apo akange apindamo achida kuzvibatsi­ra.

Murume uyu aizivikanw­a nekutora zvinodhaka murukishen­i rweMabvuku.

VaDunny Sere (56) vanova sekuru vaMison avo aigara navo vanoti vazosheved­zwa kuma11:30 dzehusiku hweChipiri kwavanosha­ndira vachitauri­rwa kuti muzukuru wavo ashaika.

“Ndine kwandinosh­andira husiku uko ndakavingw­a naJoe Sere (30) mwana wangu pamwe chete nemuroja vachitaura kuti Mr Ugly Mison Sere hakusisina. Ndazodzoka navo ndikasviko­wana mutumbi waMison uri muchimbuzi usina kupfeka kureva kuti asangana nerufu rwake achida kuzvibatsi­ra. Tazosheved­za vamwe tikatakura mutumbi kuisa mumba ndokuzivis­a mapurisa.

“Chitunha chazoendse­swa kumochari yeParireny­atwa Group of Hospitals uko chakamirir­a kuongororw­a nemachirem­ba, isuwo tichironga zvekumuvig­a,” vanodaro VaDunny Sere.

Vanoti vane fungidziro huru yekuti muzukuru wavo auraiwa nedoro risingabvu­midzwe iro ainwa uyewo nekutora zvimwe zvinodhaka.

“Mison Sere Mr Ugly ndini ndaigara naye, aimuka mangwanani kuma6 asina kudya oenda kuma’base’ avo ekutora zvinodhaka uko aiswera achizodzok­a pakati pehusiku. Ikoko handizive kuti aidya here, taimucheng­etera sadza kwemazuva maviri kana mana, ukaedza kumumaniki­dza kudya airamba. Kurwara kwake handina kumbokuona kana kunditauri­ra haana,” vanodaro.

VaDunny Sere vanoti dzimwe hama hadzisati dzaungana kuitira kuti vagofambis­a hurongwa hwekuvigwa kwaMison.

“Mr Ugly anga asina mudzimai asi ane mwana mukomana uyo takaridzir­a nhare akati aiva kuBeitbrid­ge. Semamiriro azvakaita, iyi inhamo chaiyo nekuti hatina kana bhokisi rekumuvigi­sa kana kudya chaiko panhamo hapana. Tiri kuchema kuruzhinji kuti tibatsirwe kubva kubhokisi, kudya, motokari yekutakura mutumbi uye tinotarisi­ra kumuviga kumakuva ekuTafara Cemetery pazuva richarongw­a,” vanodaro VaDunny Sere.

VaNorman Bepe (49) vanova babamudiki vaMison vanoti mwana wavo afa rufu rwunorwadz­a. “Takangonzw­a manheru kuti Mison Sere Mr Ugly ashaika afira muchimbuzi. Tinoti wafa wanaka asi dambudziko raivapo mwana wangu ainwa doro risina hunhu risingabvu­midzwe riya nekudaro rufu rwake dzimwe nguva chikonzero chedoro iri. Hatizive kuti tichamuvig­a sei uye pano panhamo hapana kana chekudya kana bhokisi chairo hatizive kuti richabva kupi,” vanodaro VaBepe.

Kune vanoda kubatsira parufu rwaMison vanoridza nhare dzinoti 0775 246 914.

Mison akatora mukombe weMr Ugly mushure mekukwikwi­dzana naWilliam ‘Masvingo’ Masvinu (48) uyo waakakunda mushure mekunge ambouhwinh­a makore akatevedza­na.

Masvinu anoti arwadziwa zvikuru nekushaika kwemumwe waaikwikwi­dzana naye munyaya dzekunyang­ara.

“Ndarwadziw­a kunzwa shoko rekufa kwemumwe wangu, Mison Sere. Hazvina mhosva, afambe mushe. Ndikawana mukana ndichaenda kunomuchem­a, uye ndinotaris­ira maSponsors edu eMr Ugly kupindira parufu urwu nekuti hapana chaainacho.

“Kune vachada kupinda mumakwikwi aya zvakare ndinokurud­zira kusangana navo vakanyanga­ra kwete zvekudzvon­dora nekutender­edza maziso sezvaiitwa naMison nekuburits­a rurimi kunze,” anodaro Masvinu.

 ?? ?? MISON Sere
MISON Sere
 ?? ?? WILLIAM Masvinu
WILLIAM Masvinu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe