Kwayedza

Vana 2 vekutsakat­ika havasati vawanikwa

- Kingstone Mapupu

VANA vechikoro vaviri vakatsakat­ika nguva yadarika – wekuRuwa newekuRuny­araro West, kuMasvingo – vanonzi havasati vawanikwa apo mapurisa ari kufambira mberi nekuferefe­ta nyaya idzi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanoti Samantha Manyewere Hove (15), uyo aiita Form 1 kuMasvingo uye akangoshai­ka achibva kuchikoro nemusi wa9 Kurume gore rino, haasati awanikwa kusvika nanhasi.

Vanotiwo Abigail Marecano (12) aiita Grade 7 pachikoro cheTashing­a Primary kuMabvuku, muHarare, uye anonziwo akashaika nemusi 14 Kurume 2021, haasati awanikwa zvekare.

“Tine vana vechikoro vaviri vakashaika nguva dzakasiyan­a kuRuwa nekuRunyar­aro West. Mapurisa ari kufambira mberi nekuferefe­ta kutsvaga kuti chii chaicho chakaitika kuvana ava uyewo tichikumbi­ra kune vanoziva zvakaitika kuti vatibatsir­e chokwadi chibude pachena,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mai Edith Hove, avo vanova muroora waSamantha Manyewere Hove, vanoti musikana uyu akaenda kuMasvingo achibva kuMberengw­a uko akasvikota­nga chikoro pakoreji yakazvimir­ira apo akazoshaik­a achibva kuchikoro.

VaAleck Marecano (43), baba vaAbigail Marecano, vanotiwo mwana wavo aibva kumba kwavo kuSolomio, kuRuwa, achienda kumba kwaambuya vake kuMabvuku apo anonzi akakwira motokari kuRuwa pachiteshi chinozivik­anwa nekunzi Mutoko akabva ashaikwa zvachose.

Kune vanoda kubatsira nemashoko ane chekuita naAbigail Marecano vanogona kuridza nhare dzinoti 0773 026 674 kana 0712 723 285.

Vanoda kubatsira mukutsvagw­a kwaSamanth­a Manyewere Hove vanoridza nhare dzinotiwo 0777 100 491, 0774 391 713, kana 0772 278 757.

 ?? ?? SAMANTHA Manyewere Hove
SAMANTHA Manyewere Hove
 ?? ?? ABIGAIL Marecano
ABIGAIL Marecano
 ?? ?? VAALECK Marecano
VAALECK Marecano
 ?? ?? ASST Comm Paul Nyathi
ASST Comm Paul Nyathi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe