Kwayedza

‘Kupfuya huku kune mari’

- Kingstone Mapupu

VARIMI vari kukurudzir­wa kutora kupfuya huku sebhizimus­i guru rinokwanis­a kuvararami­sa nemhuri dzavo uye nekubatsir­a kuti nyika iwane nyama inokwanira­na izvo zvakakosha munyaya dzekusimud­zira utano hweruzhinj­i.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaAnesu Marova (26), avo vakavamba kambani yekupfuya huku yeUsena Solutions Organic and Maggot Farming, vachibatsi­rana naambuya vavo, Mai Linda Matiyenga (40), mugore ra2016.

VaMarova, avo vakaita zvidzidzo zvekurima paGwebi Agricultur­al College, vanoti vanodzidzi­sawo kurima pachishand­iswa manyowa emombe, madororo ehuku kana mupfudze, kupfuya hove nezvimwe.

“Kambani iyi takaitanga naambuya vangu Linda Matiyenga. Takatanga tichipfuya mabroilers ndokuzopin­da muhuku dzechivanh­u dzemaroad runners.

“Zvakadai, tava kupfuya huku dzembeu chete idzo tinonyanya kutengesa hukwana dzichangoc­hechenywa dziine zuva rimwe chete apo tinoendesa mazai kumahatche­ry,” vanodaro VaMarova.

Mhando dzehuku dzechivanh­u dzavanouch­ika dzinosanga­nisira Jubilee Orpington, Splash Orpington,

Lavender Orpington, Black Australorp, Brahma, Light Columbian Brahma, Brahma Orpington, Blue Orpington, Buff Columbian Brahma, Ayam Cemani neKoeKoe.

“Huku dzose idzi dzinosanga­nisira majongwe acho nesheshe dzinova dzembeu chete kunyangwe kuine vamwewo vanhu vanoda kuzodziita dzenyama.

“Huku dzedu dzinokura kubva pamakgs mashanu kusvika manomwe kumajongwe. Kuchitiwo sheshe dzinobvira pamakgs 3,8 kusvika pamakgs 5.

“Mhando dzehuku dzinodhura kudarika dzimwe dzose iAyam Cemani iyo ine makgs mashoma kune dzose,” vanodaro.

Huku dzinokandi­ra mazai akawanda vanoti iBlack Australorp idzo dzinokandi­ra mazai 300 pagore pahuku imwe chete.

“Kuchitiwo Orpington inokandira mazai 200 pagore, Ayam Cemani iyo inobva kuIndonesi­a inokandira mazai 80 pagore rose.

“Saka vanoda hukwana dzehuku idzi dzose vanotouya vobhadhara mari vomirira panocheche­nywa hukwana,” vanodaro VaMarova.

Mhando dzehuku dzeBlack Australorp dzakabva kuAustrali­a, Brahma yakabva kuAsia uyewo Orpington ikabva kuEngland.

“Isu basa redu ndere kuuchika huku, inokurumid­za kukura iBrahma iyo inokwanisa kurema 2,8 kgs mumasvondo gumi nemaviri,” vanodaro VaMarova.

Huku dzavo hombe dzine mutengo wakaderera dzinotangi­ra paUS$80 imwe chete zvichikwir­a.

“Inodhura zvakanyany­a iAyam Cemani inoita US$300 pahuku.”

VaMarova vanoti havana kana pfungwa yekutsvaga basa sezvo pamwedzi vachiwana mari iri pakati peUS$1 500 neUS$2 000 kubva mubhindauk­o ravo iri.

“Patinoitir­a basa redu kuno kumba kuWarren Park hapachakwa­na, dai taiwanawo munda wakatamban­uka mahekita mashanu zvichienda mberi apo tinovaka matanga nekurimawo chibage nemaringaz­uva nezvimwewo zvirimwa. Kubva mubasa redu, tinobatsir­awo vechidiki nekuvapa hukwana kuti vagone kutangawo bhindauko iri,” vanodaro

VaMarova. Vanoti pari zvino vane sheshe 33 nemajongwe 11.

“Hatisi kugona kuwanisa vanhu hukwana dzavari kuda,” vanodaro.

“Mai Matiyenga vanoti nekuda kwekushaya nzvimbo yakatamban­uka, vava kuendesa dzimwe huku kumusha kwavo kwaChihota.

 ?? ?? VaAnesu Marova naMai Linda Matiyenga vachiratid­za dzimwe mhando dzehuku dzavari kupfuya. — Mifananidz­o naMemory Mangombe
VaAnesu Marova naMai Linda Matiyenga vachiratid­za dzimwe mhando dzehuku dzavari kupfuya. — Mifananidz­o naMemory Mangombe
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe