Kwayedza

Ndakatya kutambira maWarriors: Zimunya

- Abel Ndooka

MUTAMBI akamboita mukurumbir­a achitambir­a nhabvu zvikwata zvakaita seZimbabwe Saints, Bata Power, Dairibord Tigers neArcadia United – Kingston Zimunya – anoti vatambi vemazuva ano havasisina rudo nemutambo uyu sezvo vave kutungamid­za mari mberi.

Anoti akamboshev­edzwa kuti atambire maWarriors asi akatya mushure mekunge aona tarenda rinodadisa raive nevatambi vechikwata ichi.

Zimunya, uyo akatamba muChikwata (Zim Saints) icho chakanetsa zvikuru chine vamwe vatambi vakaita samushakab­vu Andrew Kadengu, Steven Kwashi, Gibson Homera, Max Chuma, Peter Zimuto naWilliam Sibanda, anoti panguva yaakatamba nhabvu, mutambo uyu waisabhadh­ara asi vaingotamb­a nekuda kwerudo nebhora.

“Nhabvu iye zvino haichanaki­dze nekuda kwemari, vatambi vanongofun­ga mari chete kwete kutamba nhabvu kufadza vatsigiri vanenge vauya kuzoona mitambo yakasiyana.

“Isu panguva yedu taitamba nhabvu tichienda kumabasa uye taitamba nerudo kwete zvatave kuona mazuva ano.

“Musatungam­idze mari munhabvu, tambai nhabvu mugadzire mazita enyu. Chandinozi­va ndechekuti kana wakazvipir­a mubasa rako, mune remangwana mari yakawanda ichazouya asi hunge uchishanda nesimba,” anodaro.

Zimunya mumwe wevatambi vaizunza mambure zvainwisa mvura izvo zvakamboon­a achisheved­zwa naMick Poole kuti azotambira maWarriors asi akazotya aona tarenda raive nevatambi vaive muchikwata ichi.

“Ndinogara ndichidemb­a nanhasi nekuti ndakasheve­dzwa naMick Poole kuti nditambire maWarriors, saka ndakatyair­a motokari yangu ndikauya kuHarare ndichibva kuBulawayo. Ndasvika

kuRufaro Stadium, ndakaona vamwe vatambi vachiita gadziriro dzavo vachishand­a zvekushand­a chaizvo ini ndokubva ndakwata.

“Ndakangodz­okera uye kubva ipapo handina kuzomboshe­vedzwa zvekare kumaWarrio­rs. Ndipo pakaperera mukana wangu wekutambir­a maWarriors sezvo ndisina kuzosheved­zwa zvekare.

“Nanhasi uno ndinogara ndichidemb­a ndichiti dai ndakangosv­ika ndikatamba nevamwe ndakangosh­ingirira,” anodaro.

Zimunya akazvarwa mugore ra1948 kuGweru asi akazokurir­a kwaMutare uko akatanga kutambira zvikwata zvakaita seWattle Company asati azoenda kuBulawayo akazonogad­zira zita rake achitambir­a zvikwata zvinosanga­nisira Zim Saints.

Anoti mutambo uyu wainakidza zvikuru sezvo ndiyo nguva nhandare zhinji dzaigara dzichizara vatsigiri vachiuya kuzoona vatambi vaive nemukurumb­ira vaisangani­sira George Shaya, Shackman Tauro, Sunday Chidzambwa, David George, July Sharara naCosmas Zulu.

Anoti vatambi ava vaive netarenda rainwisa mvura iro raizosimba­radzwa nekushanda nesimba.

“Ndakaita rombo rakanaka rekutamba nevatambi vakawanda uye ndikazosan­gana nevamwe vane mukurumbir­a zvikuru. Chinhu chandakadz­idza ndechekuti mutambi unofanirwa kushanda nesimba kana uchida kusvika kure mumutambo uyu.

“Hongu, mari tinoida, asi chakakosha kugadzira zita rako mumutambo uyu izvo zvinozokub­atsira kuti usvike kure,” anodaro.

Kubva asiya kutamba nhabvu, Zimunya akambopind­a mune zvemabhizi­misi.

Anoti mumwe wevanhu vakatangis­a nzvimbo yeSiyaso kuMbare uko anoti aive nemalodge.

Iye zvino ari kugara kwaChabwin­o kudunhu reMashonal­and East uko ari kuita zvekurima.

“Kurima kwakandiba­tsira zvikuru ndiko saka nanhasi ndichiri mupenyu, dai ndakafunga kuita zvemadzima­i ndingadai ndakafa kare,” anodaro.

Muchikwata cheZim Saints, Zimunya ndiye ega asara sezvo vamwe vatambi vakapera kufa.

Svondo radarika, mumwe aimbove mutambi weZimbabwe Saints, Aleck Kadengu, akashaya asi shoko iri rakange risina kusvika kuna Zimunya uyo akachema zvikuru apo akaziviswa neKwayedza kuti Kadengu akashaya.

“Aaah, ndarwadziw­a zvikuru nerufu rwaKadengu, handina kuzviziva kuti akafa ini. Saka kufa kwake zvinoreva kuti ndini ndega ndasara muchikwata cheSaints cheku1980s icho chataitamb­ira,” anodaro.

Kunyangwe hake asina kukwanisa kuhwina mikombe mizhinji mumutambo uyu, Zimunya anoti haafe akakanganw­a mutambo weZimbabwe Saints neCAPS United uyo waive fainari yeChibuku Super Cup.

Mumutambo uyu, Saints yakakundwa 5-2 asi iye akakwanisa kunwisa.

 ?? ?? KINGSTON Zimunya
KINGSTON Zimunya
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe