Ndakatya kutambira maWarriors: Zimunya
MUTAMBI akamboita mukurumbira achitambira nhabvu zvikwata zvakaita seZimbabwe Saints, Bata Power, Dairibord Tigers neArcadia United – Kingston Zimunya – anoti vatambi vemazuva ano havasisina rudo nemutambo uyu sezvo vave kutungamidza mari mberi.
Anoti akamboshevedzwa kuti atambire maWarriors asi akatya mushure mekunge aona tarenda rinodadisa raive nevatambi vechikwata ichi.
Zimunya, uyo akatamba muChikwata (Zim Saints) icho chakanetsa zvikuru chine vamwe vatambi vakaita samushakabvu Andrew Kadengu, Steven Kwashi, Gibson Homera, Max Chuma, Peter Zimuto naWilliam Sibanda, anoti panguva yaakatamba nhabvu, mutambo uyu waisabhadhara asi vaingotamba nekuda kwerudo nebhora.
“Nhabvu iye zvino haichanakidze nekuda kwemari, vatambi vanongofunga mari chete kwete kutamba nhabvu kufadza vatsigiri vanenge vauya kuzoona mitambo yakasiyana.
“Isu panguva yedu taitamba nhabvu tichienda kumabasa uye taitamba nerudo kwete zvatave kuona mazuva ano.
“Musatungamidze mari munhabvu, tambai nhabvu mugadzire mazita enyu. Chandinoziva ndechekuti kana wakazvipira mubasa rako, mune remangwana mari yakawanda ichazouya asi hunge uchishanda nesimba,” anodaro.
Zimunya mumwe wevatambi vaizunza mambure zvainwisa mvura izvo zvakamboona achishevedzwa naMick Poole kuti azotambira maWarriors asi akazotya aona tarenda raive nevatambi vaive muchikwata ichi.
“Ndinogara ndichidemba nanhasi nekuti ndakashevedzwa naMick Poole kuti nditambire maWarriors, saka ndakatyaira motokari yangu ndikauya kuHarare ndichibva kuBulawayo. Ndasvika
kuRufaro Stadium, ndakaona vamwe vatambi vachiita gadziriro dzavo vachishanda zvekushanda chaizvo ini ndokubva ndakwata.
“Ndakangodzokera uye kubva ipapo handina kuzomboshevedzwa zvekare kumaWarriors. Ndipo pakaperera mukana wangu wekutambira maWarriors sezvo ndisina kuzoshevedzwa zvekare.
“Nanhasi uno ndinogara ndichidemba ndichiti dai ndakangosvika ndikatamba nevamwe ndakangoshingirira,” anodaro.
Zimunya akazvarwa mugore ra1948 kuGweru asi akazokurira kwaMutare uko akatanga kutambira zvikwata zvakaita seWattle Company asati azoenda kuBulawayo akazonogadzira zita rake achitambira zvikwata zvinosanganisira Zim Saints.
Anoti mutambo uyu wainakidza zvikuru sezvo ndiyo nguva nhandare zhinji dzaigara dzichizara vatsigiri vachiuya kuzoona vatambi vaive nemukurumbira vaisanganisira George Shaya, Shackman Tauro, Sunday Chidzambwa, David George, July Sharara naCosmas Zulu.
Anoti vatambi ava vaive netarenda rainwisa mvura iro raizosimbaradzwa nekushanda nesimba.
“Ndakaita rombo rakanaka rekutamba nevatambi vakawanda uye ndikazosangana nevamwe vane mukurumbira zvikuru. Chinhu chandakadzidza ndechekuti mutambi unofanirwa kushanda nesimba kana uchida kusvika kure mumutambo uyu.
“Hongu, mari tinoida, asi chakakosha kugadzira zita rako mumutambo uyu izvo zvinozokubatsira kuti usvike kure,” anodaro.
Kubva asiya kutamba nhabvu, Zimunya akambopinda mune zvemabhizimisi.
Anoti mumwe wevanhu vakatangisa nzvimbo yeSiyaso kuMbare uko anoti aive nemalodge.
Iye zvino ari kugara kwaChabwino kudunhu reMashonaland East uko ari kuita zvekurima.
“Kurima kwakandibatsira zvikuru ndiko saka nanhasi ndichiri mupenyu, dai ndakafunga kuita zvemadzimai ndingadai ndakafa kare,” anodaro.
Muchikwata cheZim Saints, Zimunya ndiye ega asara sezvo vamwe vatambi vakapera kufa.
Svondo radarika, mumwe aimbove mutambi weZimbabwe Saints, Aleck Kadengu, akashaya asi shoko iri rakange risina kusvika kuna Zimunya uyo akachema zvikuru apo akaziviswa neKwayedza kuti Kadengu akashaya.
“Aaah, ndarwadziwa zvikuru nerufu rwaKadengu, handina kuzviziva kuti akafa ini. Saka kufa kwake zvinoreva kuti ndini ndega ndasara muchikwata cheSaints cheku1980s icho chataitambira,” anodaro.
Kunyangwe hake asina kukwanisa kuhwina mikombe mizhinji mumutambo uyu, Zimunya anoti haafe akakanganwa mutambo weZimbabwe Saints neCAPS United uyo waive fainari yeChibuku Super Cup.
Mumutambo uyu, Saints yakakundwa 5-2 asi iye akakwanisa kunwisa.