MITAMBO Take Money onanga Australia
SHASHA yetsiva ine mukurumbira yeWorld Boxing Council Interim World Champion (WBC) — Kudakwashe “Take Money” Chiwandire — ari kunanga kunyika yeAustralia svondo rino uko achanoita gadziriro dzake kwemazuva akatarisana nekuzorwa naUrvashi Singh wekuIndia.
Vaviri ava vacharwira bhande raSingh reWorld Boxing Council International Championship kuMalvern, kuVictoria musi wa15 Zvita.
Muhurukuro neKwayedza, maneja waChiwandire arizve murairidzi wake, Clyde Musonda, weDeltaforce Boxing anoti vari kuenda kuAustralia kunohwina bhande raSingh.
Anoti vanoda kuhwina bhande iri nekuti Chiwandire akakunda Singh zvichamubatsira kuti adzoke mugwara rekurwira mabhande makuru eWBC anosanganisira resirivha negoridhe.
“Gadziriro dzedu dzange dzichifamba zvakanaka, tine chivimbo chikuru chekuti tiri kuenda kuAustralia kunohwina. Tinoda chaizvo kuhwina bhande raSingh iro tinoziva kuti tikarihwina richavhura mikana yakasiyana kuna Chiwandire mumutambo uyu.
“Singh mutambi wepamusoro uye tange tichimuongorora kwenguva refu. Saka tinoziva zvatinofanirwa kuita kuti tigomukunda,” anodaro.
Musonda anoti chikwata chavo chinogona kusimuka musi weMugovera kana Svondo vakananga kuAustralia uko vanoda kusvika vombogara mazuva mazhinji vachiita gadziriro dzavo kuitira kuti vajairire mamiriro ekunze ekunyika iyi sezvo izvi zvichazobatsira zvikuru kuna Take Money.
“Tichanogara kwemazuva kuAustralia izvo zvakakosha zvichabatsira mugadziriro dzedu dzekupedzisira nemutambo uyu.
“Zvakatikoshera kuti tisvike kuVictoria tomboita mazuva takatarisana tiriko tichijairira nzvimbo iyi mamiriro ekunze nekuti zvinobatsira kana tave kupinda mumutambo uyu,” anodaro
Musonda.
Take Money ari kuzama kuda mkuhwina bhande iri zvichitevera kukundwa kwaakaitwa naYamileth Mercado wekuMexico munaKurume apo vaviri ava vairwira bhande raMercado reWBC Super-bantamweight.