Kwayedza

MITAMBO Take Money onanga Australia

- Abel Ndooka

SHASHA yetsiva ine mukurumbir­a yeWorld Boxing Council Interim World Champion (WBC) — Kudakwashe “Take Money” Chiwandire — ari kunanga kunyika yeAustrali­a svondo rino uko achanoita gadziriro dzake kwemazuva akatarisan­a nekuzorwa naUrvashi Singh wekuIndia.

Vaviri ava vacharwira bhande raSingh reWorld Boxing Council Internatio­nal Championsh­ip kuMalvern, kuVictoria musi wa15 Zvita.

Muhurukuro neKwayedza, maneja waChiwandi­re arizve murairidzi wake, Clyde Musonda, weDeltafor­ce Boxing anoti vari kuenda kuAustrali­a kunohwina bhande raSingh.

Anoti vanoda kuhwina bhande iri nekuti Chiwandire akakunda Singh zvichamuba­tsira kuti adzoke mugwara rekurwira mabhande makuru eWBC anosangani­sira resirivha negoridhe.

“Gadziriro dzedu dzange dzichifamb­a zvakanaka, tine chivimbo chikuru chekuti tiri kuenda kuAustrali­a kunohwina. Tinoda chaizvo kuhwina bhande raSingh iro tinoziva kuti tikarihwin­a richavhura mikana yakasiyana kuna Chiwandire mumutambo uyu.

“Singh mutambi wepamusoro uye tange tichimuong­orora kwenguva refu. Saka tinoziva zvatinofan­irwa kuita kuti tigomukund­a,” anodaro.

Musonda anoti chikwata chavo chinogona kusimuka musi weMugovera kana Svondo vakananga kuAustrali­a uko vanoda kusvika vombogara mazuva mazhinji vachiita gadziriro dzavo kuitira kuti vajairire mamiriro ekunze ekunyika iyi sezvo izvi zvichazoba­tsira zvikuru kuna Take Money.

“Tichanogar­a kwemazuva kuAustrali­a izvo zvakakosha zvichabats­ira mugadzirir­o dzedu dzekupedzi­sira nemutambo uyu.

“Zvakatikos­hera kuti tisvike kuVictoria tomboita mazuva takatarisa­na tiriko tichijairi­ra nzvimbo iyi mamiriro ekunze nekuti zvinobatsi­ra kana tave kupinda mumutambo uyu,” anodaro

Musonda.

Take Money ari kuzama kuda mkuhwina bhande iri zvichiteve­ra kukundwa kwaakaitwa naYamileth Mercado wekuMexico munaKurume apo vaviri ava vairwira bhande raMercado reWBC Super-bantamweig­ht.

 ?? ?? URVASHI Singh
URVASHI Singh
 ?? ?? KUDAKWASHE “Take Money” Chiwandire
KUDAKWASHE “Take Money” Chiwandire

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe