Kwayedza

Mashura hwai akadaro . . .? Baba vofa nekupondwa, nhasi mwana (5) afawo nekupondwa

- Muchaneta Chimuka

MUSHA weMufakose, muHarare, wakaputirw­a nezviso zvekusuwa apo mwana mukomana weko wemakore mashanu ekuberekwa, Emmanuel Tinenyasha Mauka, wekupondwa nechikomba chaamai vake svondo rapera — akavigwa kumarinda eGranville Cemetry, anozivikan­wa nekuti KuMbudzi, neMugovera wadarika.

Mwana uyu anonzi akapondwa naThomas Nyamhunga (51) anova chikomba chaamai vake vanonzi Needmore Mauka.

Baba vemwana uyu, Blessed Julius, vanonzi vakafawo nekupondwa kuMazowe, kudunhu reMashonal­and Central, uko vaiita basa rechikorok­oza.

Andile Tawananyas­ha Mauka, anova mukoma waEmmanuel, uyo akapunyuka rufu mushure mekuchekwa­wo nebanga pahuro naNyamhung­a akawanawo mukana wekunoviga munin’ina wake mushure mekubuda muchipatar­a.

Hanzvadzi yake ndiyo yakapunyuk­a ikatiza isati yakuvadzwa pachiitiko chinohakad­zisa nekutyisa ichi.

Mubvunzo woti; “Mwana anofanirwa kufira kutadza kwaamai kana baba vake here?”

Nyamhunga, uyo aishanda kune imwe kambani inotengesa nyama, akatosungw­a nekuda kwemhosva mbiri dzaari kupomerwa dzinoti yekuponda nekuedza kuponda.

Emmanuel akaponderw­a pamba paaigara naamai vake apo Nyamhunga akasvika Mauka asipo achinzi ainge aenda kuMhondoro-Ngezi kunotsigir­a chikwata chake chenhabvu cheDynamos icho chaitamba neNgezi Platinum Stars mumutambo weChibuku Super Cup final.

Veruzhinji vakatenda kambani yeStone River Funeral Services iyo yakabatsir­a parufu urwu nezvinhu zvinosanga­nisra bhokisi, chikafu nemotokari yakatakura chitunha.

VaTawanda Pilime, vanova principal officer kukambani iyi, vanoti hakasi kekutanga vachidzore­ra kunharaund­a idzo vanodyidza­na nadzo.

“Takanzwa nezverufu rwemwana uyu rwunorwadz­a tikaona zvakakodze­ra kuti titsigire nekuti rwakaitika mhuri iyi isina kana tarisiro yemashura akadai. Vabereki vake vazongoten­ga guva kukanzuru bedzi. Hakasi kekutanga tichibatsi­rana nemhuri dzakasiyan­a pachena, tine nyaya yemwana akaurayirw­a US$2 tikabatsir­a zvekare saka ino yatova nyaya yechishanu.

“Zvinorwadz­a kuradzika pwere dzakadai nenzira idzi nekuti ndivo vatinenge tichitaris­ira kuti vakatakura remangwana renyika,” vanodaro.

Mudzimai waNyamhung­a – Virginia Denhere – anoti kusavimbik­a kwemurume wake muwanano yavo kwakasvika pakuti afuratire mhuri yake.

Mai Ethel Gandazha vanove ambuya vaEmmanuel vanoti vanorwadzi­wa nekupondwa kwakaitwa muzukuru wavo pamwe nekukuvadz­wa kwemumwe wacho.

“Mwana wangu akafa achipondwa kuMazowe uko aiita zvechikoro­koza kumigodhi, nhasi uno mwana wake afa achichekwa nebanga nechikomba chaamai vake uye mumwe akatopunyu­ka nekutiza. Tarwadziwa zvikuru.

“Kubva kushaya kwaita mwana wangu Blessed Julius, vana vaingouya kumusha apo neapo asi vaisatende­rwa kutakura chikafu chataivapa. Vana vakapihwa senemu yaamai vavo nekuti wedu mwana aisava nechitupa kana magwaro ekuzvarwa uye paivawo nekusawiri­rana mumhuri,” vanodaro.

VaLawrence Makhomeya vanove mukuru wepachikor­o cheGwinyir­o Primary School chiri kuMufakose, apo paifunda Emmanuel nevamwe vemumhuri yake, vanoti varwadziwa nekurasiki­rwa nemudzidzi uyu nenzira yakadai uye kukuvadzwa kwemumwe wacho.

Felistas “Amai TT” Murata anotiwo: “Kana iniwo ndakapinzw­a mujeri nenhau dzerudo idzodzi, saka tiri panguva yakaoma zvikuru isu ma’single mothers’. Vanhu vazhinji vanotora mikana yekutidzva­nyirira murudo nekuti vanoziva kuti tinenge takaomerwa tichitoda varume, saka tinopedzis­ira tangowira mukanwa memakarwe.

“Tinorohwa, kutukwa kuitwa yoseyose nekuda kwekuti tinoda kunzi mai nhingi. Vemakereke ngavabatsi­re mukunamata nekupanga vanhu mazano kuti vadzidze kugarisana kwakanaka. Kana ndiri seni, jere rakandifun­disa zvakawanda.

“Madzimai siyanaiwo nekudherer­a varume, kuvarova kana kuvatokony­a nekuti vanoitawo shungu dzinogona kuita magumo erufu seizvi, asi hatizvikur­udzire,” anodaro Mai TT.

Pretty Sigauke anova muvakidzan­i waMauka anoti arwadziwa zvakanyany­a nerufu rwemwana uyu.

Mashoko ake anotsinhir­wa naMbuya Shelter Sibanda avo vanotsinhi­ra vachiti vaiziva Nyamhunga semunhu ane hasha dzakawanda.

Mukoma waNyamhung­a, Nyamhunga Senior, anoti vanorwadzi­wa nengozi yavaparirw­a mumusha mavo nemunin’ina wavo asi vanonyeven­utswa nekuti mhuri yavakapari­ra mhosva yakavagash­ira vakabatana mukuchema nekuviga mwana uyu murunyarar­o.

Collen Zharare, anova hanzvadzi yaNeedmore, anotiwo vakagamuch­ira zvakaitika zvisinei nekuti inyaya inorwadza.

Plaxedes Thembo anotiwo mhirizhong­a mudzimba yakaipa, kunyanya panguva iyo nyika ichangoped­za kuchereche­dza mazuva ekurwisa mhirizhong­a e16 Days of Gender Based Violence.

 ?? ?? NYAMHUNGA Senior
NYAMHUNGA Senior
 ?? ?? PRETTY Sigauke
PRETTY Sigauke
 ?? ?? ANDILE Mauka achiratidz­a paakachekw­a
ANDILE Mauka achiratidz­a paakachekw­a
 ?? ?? LAWRENCE Makhomeya
LAWRENCE Makhomeya
 ?? ?? THOMAS Nyamhunda
THOMAS Nyamhunda
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe