Kwayedza

The Heart Stadium iri pamberi

- Abel Ndooka

II

KUVHURWA kwakaitwa nhandare yenhabvu yeHeart Stadium yaProphet Walter Magaya avo vanove muridzi wechikwata cheYadah Stars chinokwikw­idza muCastle Premier Soccer League kwasiya veruzhinji vachikatya­madzwa zvikuru nemavakirw­o ayakaitwa.

Nhandare iyi iri kuWaterfal­ls, muHarare kune hotera yaProphet Magaya uye yakavhurwa zviri pamutemo musi weSvondo nemutungam­iri wenyika President Mnangagwa.

Heart Stadium inotakura vanhu vanosvika 5 000.

Pane zvimwe zvinhu zvinoyeved­za zviri munhandare iyi izvo zviri kutaurwa neveruzhin­ji kusanganis­ira machemba emuzvimbuz­i anonzi akagadzirw­a negoridhe.

Pamusoro pezvo, nhandare iyi ine zvigaro (bucket seats) zvinodiwa pamutemo weCAF neFIFA.

Pari zvino Zimbabwe haina nhandare yakakodzer­a kutambirwa mitambo yepasi rose sezvinodiw­a neCAF neFIFA. Asi machemba emuzvimbuz­i ndiwo anyanya kukonzeres­a ayo ari kurumbidzw­a neveruzhin­ji. Kwayedza svondo rino yakaita tsvakurudz­o yekuona kuti ndedzipi dzimwe nyika dzine nhandare dzakagadzi­rwa zvinonwisa mvura.

The Float at Marina Bay – Singapore

Nhandare yeThe Float at Marina

II

Bay yekuSingap­ore inoyevedza zvikuru sezvo yakavakirw­a mumvura izvo zvisati zvamboitik­a. Nhandare iyi yakavhurwa mugore ra2007 uye yaishandis­wa mitambo yekasiyana.

Mugore ra2010, yakatambir­wa mitambo yemaYouth Olympics.

Kutanga gore rino, nhandare iyi yakatanga kuputswa nechinangw­a chekuivaka patsva uye basa iri rinotarisi­rwa kuzopera mugore ra2026. Stade Louis II – France

Musha wechikwata cheMonaco icho chinotambi­rwa muLigue 1 kuFrance, nhandare yeStade Louis II ine mukumbira zvikuru muEurope kunyangwe hazvo ichitakura vanhu vashoma. Munhandare umu munokwanis­a kungopinda vanhu 18 523 chete asi chinhu chinoyeved­za ndechekuti pasi payo pane dzimwe nhandare dzakavakir­wapo.

Pasi pacho pane nhandare yekutambir­a basketball, nzvimbo yekuitira mitambo yekutuhwin­a uye yekupaka motokari dzakawanda.

Melbourne Rectangula­r Stadium – Australia

Nhandare yeMelbourn­e Rectangula­r Stadium, iyo inozivikan­wa zvekare seAAMI Park, yakavhurwa mugore ra2010 kuAustrali­a uye ine musiyano nedzimwe dzose.

Denga renhandare iri rinovharik­a kwakatanga kunaya uye mvura inenge ichinaya inokohwewa nenhandare iyi yochengete­dzwa kuti izoshandis­wa mune remangwana.

◆ Iri kuenda papeji 16

 ?? ?? OTTMAR Hitzfeld Gspon
OTTMAR Hitzfeld Gspon
 ?? ?? ALLIANZ Arena Stadium
ALLIANZ Arena Stadium
 ?? ?? NHANDARE yebasketba­ll iri pasi peStade de Louis
NHANDARE yebasketba­ll iri pasi peStade de Louis
 ?? ?? MELBOURNE Rectangula­r Stadium
MELBOURNE Rectangula­r Stadium
 ?? ?? STADE Louis
STADE Louis

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe