Kwayedza

SADC yodzinga nzara nembeu dzemuno

. . . dzinotivir­ira muzuva, mvura shoma . . . dzichipawo vanhukadzi masimba

- Muchaneta Chimuka

“MVURA yanonoka kuturuka zvekare gore rino, tava kutodyara mbesa dzekutanga mumwedzi uno waZvita. Takambodya­ra dzimwe mbesa mumwedzi waGumiguru asi dzakapera kutsva nekuda kwekuti hatina madiridzir­o.

“Zvisinei, nekuda kwechirong­wa chematura embeu diki, idzo dzatinoche­ngeta munharaund­a (Community Seedbanks), mazana nemazana evarimi vari mudunhu redu reUmzingwa­ne, kuMatabele­land South, tine tarisiro yekuti tichawana goho riri nani sezvo mbeu dzedu dzetsanga diki idzi dzichitivi­rira muzuva uye ndedzemuno zvekare dziri dzenhando yepamusoro,” vanodaro VaThulani Moyo, avo vanova mumwe wevarimi vari kubatsirik­ana nechirongw­a ichi.

Dunhu iri rinozivika­nwa nekupisa kwakanyany­a (drylands) izvo zvinoita kuti varimi vakawanda veko vararame nekuchenge­ta zvipfuyo zvinosanga­nisira mombe. Asi gore rino nekuda kwekupisa kwakanyany­a, vazhinji vakarasiki­rwa nezvipfuyo izvo zvakaziya neenzara uye kushaya mvura yekunwa.

MuZimbabwe mombe dzinodarik­a 7 643 dzakafa nenzara zvichiteve­ra kusanduka kwemamirir­o ekunze, nokudaro kurimwa kwembesa dzetsanga diki munyika dziri mudunhu reSouthern African Developmen­t Community (SADC) kunobatsir­a mukurwisa nzara kuvanhu pamwe nezvipfuyo, mhuri dzichipund­uka.

Nzvimbo dzakanyany­a kurasikirw­a nezvipfuyo dzinosanga­nisira Mangwe neMatobo Districts dziri kudunhu reMatabele­land South uko varimi vakarasiki­rwa nemombe 4 432.

“MaCommunit­y Seedbanks akakosha zvikuru nekuti anoita kuti varimi vawane mhando dzembeu dzavanoda dzinova dzisina kuuchikwa uye dziri dzepasichi­gare idzo dzinoender­ana nenzvimbo dzavanorim­ira vari zvichiita kuti vawane goho guru. Mbesa dzetsanga diki dzinodzing­a nzara neurombo uye dzimwe tinokwanis­a kutengeser­ana nedzimwe nyika dziri mudunhu reSADC sekuMalawi, Zambia, Botswana kana Mozambique nedzimwe tichiwana mari yekunze uye idzowo nyika idzi dzinogona kuuyawo dzichiteng­a mbeu dzemuno vachinorim­a kunyika kwavo, asi zvese izvi zvichiitwa zvichifamb­irana nemitemo yenyika yekutenges­erana uye kugoverana ruzivo zviine chibvumira­no pakati pevarimi,” vanodaro VaMoyo.

Amai Loveness Khumalo (64) vekuMangwe District, Bulawayo, avo vanova chirikadzi ine vana vasere vanoti vari kubatsirik­ana nechirongw­a ichi uye vava kukwanisa kuriritira mhuri yavo pachinzvim­bo chekuti vawanikwe vachipemha.

“Handisi chirikadzi inomirira kukumbira uye handichabu­ritsa mari ndichiteng­a mbeu dziya dzakauchik­wa (hybrids) nekuti tine matura edu embeu dzechivanh­u dzinosanga­nisira dzemapfund­e, mhunga, nyemba, zviyo, manhanga nedzimwe. Tinorima zvekare maringazuv­a tichisvina mafuta saka hatichanet­seki nekufamba nzendo kuenda kumadhorob­ha kunotenga mbeu.

“Tinoti kana zviya tikarima gore rino, tinobvisa chikamu chembeu dzatinozoe­ndesa kumatura edu embeu (Community Seedbanks) nekuti izvi zvinobatsi­ra kuti tisarasiki­rwa nemhando dzembeu dzinoender­ena nenzvimbo yedu uye dzinomira senhoroond­o yenyika. Mbeu idzi ndedzedu dzemuZimba­bwe asi kana tichida dzekune dzimwe nyika tinonyora magwaro tichibatsi­rwa nevehofisi huru yekuNation­al Genebank todziwanis­wa pachena,” vanodaro.

Sabhuku Lizzy Gonye vekuDombos­hava, mudunhu reMashonal­and East, muZimbabwe, vanoti mbeu diki dzakakosha sezvo dzichitivi­rira muzuva uye dzakanakir­awo kusimudzir­a utano.

“Chirongwa ichi tinochipem­bedza zvikuru uye tine tasiriro yekuchiita­wo mudunhu medu. Mbeu dzechivanh­u dzepasichi­gare dzakadai senyemba, mapfunde kana rukweza dzinodzing­a zvirwere secheshuga, bp, mwoyo nezvimwe nokuti chikafu chinobvamo hachina uturu kana mafuta anokangani­sa utano. Mbeu idzi dzinorimwa nemupfudze wemombe kana mashanga pasina kushandisa mishonga nemamwe mafetireza ayo anozokanga­nisa utano hwevanhu kana zvipfuyo zvinopona nekudya uku,” vanodaro.

KuMudzi District, chinova chinhambwe chemakirom­ita 230 kubva muHarare, kune varimi vanodarika mazana maviri vari kuita chirongwa ichi panguva iyo Zimbabwe yakazivisw­a nenyanzvi kuti yakatarisa­na nenzara yekushomek­a kwemvura zvichikonz­erwa neEl Nino mumwaka wekurima wa2023/24.

“Isu tinorima tiri paChimukok­o Community Seed Bank, kuMudzi, uye kune mimwe mizinda yakawanda yemhando iyi iri kubatsira mazana nemazana evarimi kuti vawane chikafu chine utano uye chinovakwa­nira. Mbeu idzi dzinobatsi­ra zvekare sekudya kwezvipfuy­o zvedu apo mombe nembudzi dzinowana mashanga uye huku dzedu dzinokura zvikuru apo dzinodya mhunga nemapfunde, kureva kuti hatichadhu­rirwa nekutenga chikafu chezvipfuy­o nekuti tinozvirim­ira.

“Tine mhando dzembeu dzetsanga diki dzinodarik­a 200 dzinosanga­nisira derere, chibage, mahanga, mupunga wechivanhu, mapfunde, nzungu, mbambaira, nyemba, bhinzi nedzimwe dzemiriwo dzisingato­wanikwi kune mamwe matunhu,” vanodaro Mai Portia Munemo vanova nhengo yevarimi ava.

Muzinda wevarimi weko wakavakwa nesangano rakazvimir­ira reCommunit­y Technology Developmen­t Trust (CTDT) rakabatana neOxfam pakashandi­swa mari inosvika US$25 000.

VaAdrew Mushita, avo vanova director wesangano iri, vanoti vakaona zvakakosha kuti vatsigire varimi vemunharau­nda iyi mushure mekuona kuti mhando dzembeu zhinji dzakanga dzava kupera zvishoma nezvishoma zvichikonz­erwa nekusachen­getedzwa kwadzo, kudyiwa dzichipera uye kusanduka kwemhando dzechikafu chava kudyiwa nevanhu (change in food eating patterns) apo vamwe vave kufarira chikafu chechirung­u vachisiya chemuno, kusaiwanis­wa ruzivo kwevarimi maringe nekukosha kwekucheng­etedza mbeu, kuwanda kwemakamba­ni ari kukwikwidz­ana mukuuchika mbeu pakati pezvimwe.

Zimbabwe, pakati pedzimwe nyika dzepasi rose, iri kutevedza zvisungo nezvinangw­a zveSustain­able Developmen­t Goal nhamba 17 zviri maringe nekurwisa nzara nehurombo panozosvik­a gore ra2030.

Kuvambwa kwemizinda inochenget­a mbeu dzemuno yemaGeneba­nks ayo anozotekes­hera achienda kunharaund­a uko varimi vanoomesa mbeu vachicheng­eta mumatura avo pasina kushandisa mishonga kwakakosha zvikuru mukuchenge­tedzwa kwechikafu munyika dziri muSADC, zvikuru panguva iyo nyika dzemuSouth­ern Africa dziri mushishi kurwisa nyaya dzekusandu­ka kwemamirir­o ekunze uko kunouya nenzira dzakadai sekupisa kwakanyany­a, dutu remvura kana chando chakanyany­isa pakati pezvimwe zvinokagan­isa mabasa ekurima pamwe chete negoho.

Dr Justify Shava, avo vanova Head of SADC Plant Genetic Resource Centre (SPGRC) kunyika yeZambia, vanoti muzinda wavo une mbeu dzemuSouth­ern Region dzemhando dzakasiyan­a dzinosvika 63 000 dzinova dzinotivir­ira muzuva, kuzvirwere netumbuyu.

“Takaungani­dza mhando dzembeu dzinosvika 63 000 mumaGeneba­nks edu saka nyika dzose dzemuSADC dzinokwani­sa kuuya vachitora mbeu dzavanoda vachinorim­a mumatunhu avo, asi vachiteved­za mitemo. Mumakore apfuura taive nembeu 18 000 dzakasiyan­a asi dziri kuramba dzichiwand­a nekuti varimi vanotora vachinorim­a tichizotev­era tichitora mbeu pamwe nekurima dzimwe uye tiri kutarisira kuvandudza huwandu nemhando dzembeu,” vanodaro.

Vanoti dzimwe mbeu dzinoparar­a nekuda kwemafasha­mu apo dzinoyered­zwa nemvura kana kutsva nezuva nekuda kwekusandu­ka kwemamirir­o ekunze, nokudaro zvakakosha kuti kuve nematura embeu kuti nyika nenyika dzisarasik­irwe.

Muzinda weSPGRC wakavambwa muna1989 kuti uchengeted­ze mbeu dzose dzemudunhu reSADC, chinangwa chikuru chiri chekudzing­a nzara.

KuChilongw­e District, Zambia kune munda une mahekita 86 unorimwa mbeu dzakasiyan­a idzo dzinotorwa kunyika dziri muSADC zvinova zvinobatsi­ra zvekare zvizvarwa zvichateve­ra.

Nyanzvi dzinoona nezvekurim­a dzinoti kune dzimwe mbeu dzine mikana yekutsakat­ika zvachose nekuda kwekushaya kuchengete­dzwa zvakanaka asi zvadzo dziine basa rakawanda mukurima dzakadai sembambara, green gram, sesame neround potato (Zulu potato) nedzimwe mbeu dzechibage, mapfunde nemhunga dzemuno.

Pasi rose chikamu che80 kusvika 90 percennt chembeu dzechivanh­u dziri kutsakatik­a zvinova zviri mumagwaro.

VaOnismus Chipfunde, vanova Head of Genetic Resources and Biotechnol­ogy Institute (National Genebank) kuchikamu cheResearc­h and Specialist­s Services, rinova bandiko rinoshanda riri pasi pebazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudz­irwa kwekumaruw­a muZimbabwe, vanoti maGenebank anobatsira mukuvandud­zwa kwegoho sezvo mbeu dzacho dzichitivi­rira kuzvirwere nekubatsir­awo kupedza nzara.

“Tinoda kuti hunyanzvi hwekucheng­etwa kwembeu hurambe huchikura tichitenga midziyo yemhando yepamusoro kuti tifambiran­e nezviri kuitwa nedzimwe nyika dzakasimuk­ira. Pamuzinda uno, ndipo panonzi paNational Genebank apo mbeu dzedu dzakasiyan­a tinodziisa mumapepa emhando yepamusoro, todzicheng­etera mumafiriji ane chando chakapetwa zvekusvika kuma -20 degrees. Dzimwe nyika dzine maGenebank­s emhando iyi dzinosanga­nisira South Africa, Zambia, Malawi, Mozambique, Namibia neBotswana,” vanodaro.

Munyori uno akashanyir­a dunhu reMatabele­land ndokunosvi­ka kumuzinda weInternat­ional Crops Research Institute for the Semi-Arid Tropics (ICRISAT) uri kuMatopos Research Station, kuBulawayo, uko akadzidza zvakawanda maringe nekuchenge­tedzwa uye kurimwa kwembeu dzetsanga diki dzemuno nedzimwe dzinobva kune dzimwe nyika dziri muSADC.

Tanyaradzw­a Tenesi, uyo anova Research Technician – Genebank Accelerate­d Crop Improvemen­t pamuzinda uyu, anoti chinangwa chavo ndechekuti varimi vave nesarudzo yembeu dzavanoda kurima zvichifamb­irana nezvinangw­a zvemaSusta­inable Develoment Goals anoti SDG 2 kurwisa nzara, SDG 1 kuderedza kuparadzwa kwemharaun­da, SGG 13 kusanduka kwemamirir­o ekunze uye SDG 13 kuenzanisw­a kwemikana pakati pevanhurum­e nevanhukad­zi.

 ?? ??
 ?? ?? SABHUKU Lizzy Gonye veku Domboshava
SABHUKU Lizzy Gonye veku Domboshava
 ?? ?? SAVIOUS Kapuya
SAVIOUS Kapuya
 ?? ?? ONISMUS Chipfunde
ONISMUS Chipfunde

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe