Kwayedza

Majeri akamirira vane hunhu uhu

- MAONERO EDU

MUTUNGAMIR­I wenyika President Mnangagwa svondo rapera vakashandi­sa masimba avo kuti padzikwe mutemo mutsva unorambidz­a kupinda murudo kana kushinha nemunhu ane makore ari pasi pe18 okuberekwa uye anobatwa nemhosva yerudzi urwu anogara makore 10 mujeri.

Vakashandi­sa masimba aya pasi pemutemo wePresiden­tial Powers (Temporary Measures) Act kuti paburitswe gwaro reStatutor­y Instrument 2 of 2024, the Presidenti­al Powers (Temporary Measures) (Criminal Laws (Protection of Children and Young Persons)) Regulation­s, 2024.

Izvi zvinoreva kuti zera rekubvuma bonde rave pamakore 18 okuberekwa kwete 16 sekare apo mutemo uyu waive usati wavepo.

Danho iri riri kurumbidzw­a zvakanyany­a neveruzhin­ji pamwe nemasangan­o anomirira vana.

Mutemo mutsva uyu usati wakumikidz­wa, pange pane mukaha mukuru sezvo zera rekubvuma bonde raive pamakore 16 asi rekuti munhu aroorwe kana kuroora riri pamakore 18 okuberekwa.

Izvi zvaipa mukana wekuti vanasikana vadiki vambunyiki­dzwe.

Asi iye zvino mutemo wave kuchengete­dza vose vanasikana nevanakoma­na vane makore ari pasi pe18 okuberekwa.

Mutemo uyu unochenget­edzawo kodzero dzevanasik­ana vairoodzwa kuvarume vakuru, kunyanya vezvimwe zvitendero zvinombuny­ikidza pwere kuti dziroorwe.

Pane vamwe vanhurume vane katsika kakaipa zvikuru kekunyeper­a kuti varotswa kuti musikana ngana anofanirwa kuve mudzimai wavo.

Chinoshami­sa ndechekuti kunyangwe vabereki vevanasika­na vanenge vachiri ndumurwa ava vanototend­erana nazvo kuti vasiye chikoro uye voenda kunoita madzimai anasaimba ava.

Kwete, mwana anoramba ari mwana nekudaro zvakakosha kuti kodzero dzake dzichenget­edzwe.

Mutemo mutsva uyu uchabatsir­a zvekare kuderedza huwandu hwevanasik­ana vanopihwa pamuviri vasati vabva zera izvo zvinokonze­rawo kuti vamwe vavo vasiire chikoro panzira zvisinei nekuti vanotender­wa kuenderera mberi nedzidzo kunyangwe vaine pamuviri.

Mutongo wemakore 10 munhu ari mujeri mushure mekumbunyi­kidza mwana unoita kuti vapari vemhosva dzerudzi urwu vafunge kaviri uye vatye vasati vashinha nepwere.

Vanhu vanombunyi­kidza vana nenzira iyi vanokangan­isa remangwana ravo nekudaro vanofanirw­a kupihwa zvirango zvakaomara­ra.

Mwana ane makore ari pasi pe18 okuberekwa anenge asati ayaruka nekudaro zviri nyore kuti atsveterwe nekuda kwezvinhu zvidiki-diki.

Zvakadaro, panofanirw­a kuve nedzidziso yakasimba kune veruzhinji pamusoro pemutemo uyu.

Izvi zvinoreva kuti nharaunda, vemachechi nemhuri vanofanirw­a kubatana kana kuti kuita hoche-koche chaiyo kuti mutemo mutsva uyu ukwanise kushanda nemazvo.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe