Kwayedza

Vorumbidza ‘Operation Chenesa Harare’

- Muchaneta Chimuka Muchaneta Chimuka

VANHU vanodarika 200, vanosangan­isira madzishe nemasabhuk­u, vanonzi vakabatwa nechirwere checholera kwaDambo, kuChiweshe, mudunhu reMashonal­and Central mushure mekusateve­dza zvavainge vaudzwa neveutano kuti vasaungana vakawanda, kubatana maoko nezvimwe senzira yekudzivir­ira kutapurira­na denda iri.

Izvi zvakazivis­wa naDr Cremence Tshuma vanova Provincial Medical Director (PMD) weMashonal­and Central kuvatori venhau mushure mekushanyi­rwa kwenzvimbo iyi nebazi rezveutano nekurerwa kwevana apo vaiita ongororo nezvekukur­a kwedambudz­iko rezvirwere zvinoshair­wa hanya.

“Munguva pfupi yadarika kune mumwe munhu ane mukurumbir­a akashaya nekuda kwechirwer­e checholera kuDambo, vanhu vemunharau­nda vakaudzwa kuti vasaungana senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e ichi. Asi pakangobva vezveutano panzvimbo iyi, vanhu vakasara vakabatana nehutungam­iriri hwemo vanosangan­isira madzishe nemasabhuk­u vakauraya mombe vakadya. Zvisinei, hapana kupera mazuva apo vazhinji vavo vakatanga kurwara necholera kusanganis­ira madzishe anova akazouya opupura kuti vakasara vakaita misikanzwa,” vanodaro Dr Tshuma.

Vanoti kana munharaund­a mukafa munhu necholera, pane mikana mikuru yekuti ipararire

VERUZHINJI vari kurumbidza chirongwa chiri kuitwa neHurumend­e nemamwe mapoka chekuchene­sa guta reHarare nenzvimbo dzinogara veruzhinji vachiti chinobatsi­ra zvakanyany­a mukudzivir­ira zvirwere zvemanyoka zvinosanga­nisira cholera.

Hurumende yakauya nechirongw­a che”Operation Chenesa Harare” mushure mekukundik­ana kwekanzuru yeguta iri kutakura marara panguva iyo chirwere checholera chiri kupararira.

Brenda Musabayana – uyo anotengesa muriwo, magogoya kana kuti madhumbe nemabanana kumusika weMbare izvo anobva nazvo kuHonde Valley, kudunhu reManicala­nd – anopembedz­a danho rakatorwa neHurumend­e iri achiti;

“Tanga toshaya makasitoma nenhau yehuchapa hwange hwava muno muMbare apo nhunzi, hutunga nehwema kwemarara zvaisava zvenhamo, nokudaro vamwe vatengi vaigona kunge vachifarir­a chikafu chatinoten­gesa, zvikuru semagogoya, asi vaiti vakangoona huyanga hwemuno, vaibva vasiya voenda kunotenga kuzvitoro. Hataivasho­ra nekuti iwo marara ndiwo ari kuunza zvirwere zvemanyoka saka iko zvino tava kutambira makasitoma akawanda kana tichienzan­isa nenguva yataive nemarara,” anodaro. kune vamwe kana vakasvika parufu urwu.

“Tichine mimwe misha isati yava nezvimbuzi apo vanhu vanoitira tsvina kuseri kwemakwenz­i nokudaro hutachiona hunogona kutakurwa nenhunzi huchidzoka kudzimba kune vanhu kana kuyeredzwa kwetsvina iyoyo ichienda kunzizi nematsime anoshandis­wa neveruzhin­ji. Tinokurudz­ira vanhu kuti vafashaidz­e mvura kana kuisa mapiritsi anochenesa

VaChenjera­i Makove, avo vanoita mabasa ekutakurir­a varimi miriwo nemichero iyo vanotenges­a mumusika, vanoti marara aitotadzis­a marori avo kuti apinde mumusika.

“Taiti kana zviya tichiuya nevarimi kumisika, motokari dzedu dzainyura mumarara nekuti anenge achisangan­a nemvura achiora. Saka taikundika­na kusvika pamisika yavo nezvinhu tovasiira kure vozopedzis­a vega nekutsiga mumusoro kana kutakurisa nengoro zvaiita kuti varimi vadhurirwe,” vanodaro.

Mai Mary Kajuni, avo vanotenges­a zvirimwa zvavo mumusika weMbare, vanoti mvura, kugeza maoko nesipo mushure mekushandi­sa zvimbuzi kana kuchinja vana manapukeni. Nharaunda ngadzigare dzakachena uye vanhu ngavachisi­yana netsika iya yekuungani­ra chitunha kana kuchigezes­a.

“Chirwere ichi tinongochi­tora nenzira iya yataiita munguva yeCovid-19 apo mutumbi unongobva kumochari wakananga kumakuva kuti vanhu vasatapuri­rwe uye munhu anotovigwa paine vaongorori vezveutano zvinorwadz­a kuti vanobhadha­ra mari yemutero kukanzuru asi marara asingataku­rwe.

“Marara aiva pano aive nemakore anodarika maviri asingataku­rwe nekuda kwehuwori huri mukanzuru nekuti vanoita zvekomishe­ni yekuti abvisa mari yemumaoko kwavari kwete yekuhofisi ndiye anobvisirw­a marara paanoshand­ira. Dai Hurumende yapindira pahuwori uhwu vasunda vashandi vekanzuru kuti vaite basa ravo nemazvo nekuti kune zvirwere zvakawanda zviri kuunzwa nemarara iwaya,” vanodaro.

Dickson Kasu kana kuti Baba Tatenda anoti Hurumende vachiona kuti zvose zvaitwa nenzira isingapara­dzire chirwere.

“Dzimba dzose dzinopfapf­aidzwa mishonga senzira yekuuraya hutachiona. Donzvo redu nderekuche­ngetedza upenyu neutano hweveruzhi­nji,” vanodaro Dr Tshuma.

Vanoti nzvimbo dzinonetsa cholera mudunhu ravo dzinosanga­nisira Glendale, Dambe, Mushumbi neShamva.

“Zvakakosha kuti vanhu vatevedze yakaita basa guru apo yakaunza magiredha nematipper ichichenes­a nharaunda yavanoteng­esera.

“Marara aive pano vanhu vaitokwira nemanera kuti ange achipinda mubhini nekuti ange ava nemakore maviri nechidimbu asiri kutakurwa uye tarisiro pange pasisina,” vanodaro.

VaPatience Munetsi vanova sachigaro wevanoteng­esa zvinhu kuMbare Musika vanoti kanzuru yeHarare inofanirwa kuita basa rayo nemazvo.

“Kanzuru haina hanya nekuita basa rayo kunyangwe vagari vachibvisa mitero yose inodiwa, vanongoram­ba vachiturik­idza yambiro yose yavanopihw­a neveutano nekuti kusaterera kune njodzi uye kunogona kuzoumba dambudziko guru rinozodhur­ira Hurumende. Vanhu ngavabve vadya kudzimba dzavo kwete kutarisira kunodya kunhamo nekuti pose panoungana vanhu mikana yekushaikw­a kwehutsana­na inowanda. Hatikurudz­iri kuti vanhu vaonekedza­ne nemutumbi wemunhu afa necholera,” vanodaro. zvichemo. Marara aya anga ava nemakore maviri nechidimbu kureva kuti kune vanhu vaitotambi­riswa mari yemahara pasina basa ravaiita hunova hwatinoti humbavha kwakasanga­na nehuwori,” vanodaro.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaStanely Gama, vanoti ibasa rekanzuru kubvisa marara munharaund­a uye kana paine vari kubvisiswa mimwe miripo yechiokomu­homwe nevashandi vavo imhosva.

“Tine mapurisa ekanzuru anotendere­ra achiita basa iroro rekuona kuti nyaya dzehuwori dziri kuitika papi uye dzichiitwa nani. Kana vanhu vari kubhadhara

Dr Tshuma vanorumbid­za vemakereke echiposito­ri emudunhu ravo vachiti vari kuratidza kugamuchir­a danho rekurwisa cholera.

“Vemakereke echiposoto­ri vakawanda vari kubatsirik­a uye maVillage Health Workers anova nhengo dzemakerek­e aya vakadzidzi­swa vari kubatsiran­a navo kuti vazive kukosha kwekucheng­etedza utano,” vanodaro. mari dzavo dzemitero kumahofisi ekanzuru, ndidzo bedzi dzinoshand­a kuti vange vachibvisi­rwa marara. Hakuna dzimwe mari dzepamusor­o dzavanozob­hadhara kuti nharaunda dzavo dzinge dzichichen­eswa nekuti hunetenge hwatova huwori.

“Hazvibatsi­ri kuti vanhu vanoona huwori huchiitika vobva vanyarara uye kana marara asiri kutakurwa vanofanira kuzivisa vekumahofi­si edu.

‘‘Kana zvehuwori zvichinge zvaitika, mhan’arai kumapurisa edu kana eZimbabwe Republic Police nekuti imhosva,” vanodaro.

 ?? ?? BABA Tatenda - Dickson Kasu
BABA Tatenda - Dickson Kasu
 ?? ?? MARY Kajuni
MARY Kajuni
 ?? ?? BRENDA Musabayana
BRENDA Musabayana
 ?? ?? CHENJERAI Makove
CHENJERAI Makove
 ?? ?? VASTANELY Gama
VASTANELY Gama

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe