Kwayedza

GORIMBO ORUMBIDZWA

- Abel Ndooka

SHASHA yewrestlin­g nemafirimu – Dwayne ‘The Rock’ Johnson – naIsrael Adesanya nyanzvi yeMixed Martial Arts vakapember­a kukunda kwakaita Themba ‘The Answer’ Gorimbo uyo akahwina mutambo wake weUltimate Fighting Championsh­ip.

Svondo radarika, Gorimbo, uyo anokwikwid­za muboka rewelterwe­ight, akakunda Pete ‘Dead Game’ Rodriguez mumasekonz­i 32 muchikamu chekutanga chemutambo wavo pamutambo weUFC Fight Night kuLas Vegas.

Kuhwina kwaakaita kwakaona pasi rese richipembe­ra kukunda kwake sezvo rwendo rwafambwa naGorimbo kuti agosvika kuUFC rwainge rwakaoma zvikuru izvo zvakabata vazhinji kusanganis­ira The Rock uyo gore radarika akamutenge­ra imba kuUnited States of America.

Achinyora padandemut­ande, The Rock akakorokot­edza Gorimbo achiti: “Kuhwina kukuru mukoma wangu. Tese tinodada newe. Ramba uchikwira gomo iroro uchikurudz­ira vamwe vese nezvakanak­a paunenge uchisimuka.

“Makorokoto kwauri, varairidzi vako nechikwata chako. Ndinokuda kuchaizvo.”

Kubva The Rock paakatenge­ra Gorimbo imba gore radarika, vaviri ava vakabva vavaka hukama hwekuti vanogara vachiridzi­rana nhare vachikurud­zirana mune zvakanaka izvo zvakaona Gorimbo achitumirw­a mashoko ekurudziro asati apinda mumutambo wake naRodrigue­z.

Kuchiti shasha yeUFC ine mukurumbir­a pasi rese, Adesanya, mumazuva Gorimbo asati apinda mumutambo wake naRodrigue­z akabuda pakavhidhi­yo kaitendere­ra padandemut­ande apo aiimba achisheved­zera zita raGorimbo achiti:

“Themba Gorimbo, Black Mamba Gorimbo, Themba Gorimbo . . Ogah varakidze, unakidzwe hanti uvarakidze, tinewe, ndinokuda mukoma wangu,” anodaro Adesanya.

Zvichiteve­ra kuhwina kwaakaita mutambo wake, Gorimbo akatsidza kuti nhumbi dzaainge akapfeka pamutambo uyu pamwe chete nemagirovh­osi ari kuzvitenge­sa kuti aunganidze mari yekuvakisa library kumusha kwake kwaanobva.

Kubva Gorimbo akatanga kukwikwidz­a kuUFC, shasha iyi yakwanisa kutamba mitambo mitatu izvo zvamuona achihwina miviri nekukundwa mumwechete.

 ?? ?? THE Rock
THE Rock
 ?? ?? ISRAEL Adesanya
ISRAEL Adesanya
 ?? ?? THEMBA Gorimbo
THEMBA Gorimbo
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe