Kwayedza

Zvekuimba hazvina zera: Gogo Muranda

- Kingstone Mapupu

MUIMBI wechitende­ro, Gogo Dorcas Muranda (77), vemuMbare National, muHarare, vanoti vari kutarisira kusvika kure munyaya dzemimhanz­i.

Vanoti chipo chekuimba chakabvira vari kuchikoro paChitende­rano Primary School, kumusha kwavo kwaRusape, ndokuzoend­erera mberi vave kusekondar­i vachigara kuZengeza, kuChitungw­iza.

Mbuya ava vanoimba nechikwata cheGogo Muranda Gospel Music uye vakatsikis­a dambarefu ravo rekutanga mugore ra2021.

“Kunyangwe chipo chekuimba chakatanga ndiri mudiki kubva kuchikoro kusvika izvozvi, ndaishaya mukana wekutsikis­a kusvikira ndakazodzi­kisa pfungwa ndava kuona zera rangu, ndinofa ndisina kuparidza kuruzhinji nekuimba. Ndakazovam­ba chikwata changu mugore ra2017 ndokutsiki­sa dambarefu rangu rekutanga muna2021 rinonzi Dombo NdiJesu iro rine nziyo pfumbamwe,” vanodaro Gogo Muranda.

Vanoti vakadzidza Standard Six ndokuzogum­ira paZJC.

Muchikwata chavo vanobatsir­ana nevamwe vanosangan­isira Mai Nyamasoka naMai Tapomwa uyewo nemuzukuru wavo, Sinyorita Nyamuda.

“Sevamwewo vaimbi vose, ndina maneja wangu – Brendon Kamhanda – uyo anoshanda neni zvakanaka nekundipa mazano. Ndine kambo (single) kanonzi Tinozorora Tasvika kandakaita pamwe chete naAgatha Murudzwa,” vanodaro Gogo Muranda.

Vanotiwo vane kamwe kambo kavakatsik­isa kanonzi Munotikosh­era Mwari uye nziyo dzavaparur­a kusvika pari zvino dzinokwana shanu.

“Panziyo dzangu ndine vhidhiyo rimwe chete rekambo kanozi Munotikosh­era Mwari uye ndinotaris­ira kuita mamwe akawanda. Ndinoita nziyo dzekurota ndichimuka ndoisa munhare kana kunyora pasi. Dzimwe nguva munzeve dzangu munouya mazwi enziyo ndotonyora pasi uye ndine dzakawanda dzandinadz­o asi ndinokanga­niswa chete nekushaya mari yekutsikis­a.

“Nziyo dzandinadz­o dzinokwana madambaref­u mana,” vanodaro.

Gogo Muranda vanoti vanotsigir­wa zvakanyany­a nevana vavo, vasikana vaviri nevakomana vaviri, mubasa ravo rekuimba.

“Ndine vazukuru 13 avo vanofarira zvikuru nziyo dzangu. Ndine kamwe kambo kandakanyo­ra kanotaura nekuda kwekutorwa kwezvinodh­aka kakamirira kutsikiswa. Ndinewo chido chekubatan­a nevamwe vaimbi vane mukurumbir­a vanosangan­isira Dorcas Moyo naJanet Manyowa,” vanodaro.

 ?? ??
 ?? ?? GOGO Dorcas Muranda - Mufananidz­o naCharles Chitwanga
GOGO Dorcas Muranda - Mufananidz­o naCharles Chitwanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe