Kwayedza

Amai ndinokudai: Musungwa

- Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 26 okuberekwa anobva kwaKazanga­rare, kuHurungwe — uyo ari kupika jeri paHarare Central Prison nemhosva yekubata chibharo — anoti rudo rwake harumbofa rwakatapud­zika kubva kuna amai vake zvichiteve­ra kumubura kwavakamui­ta kubva mumoto ari mucheche mushure mekunge imba yavo yarohwa nemheni.

Achitaura nemusi wa14 Kukadzi rinova zuva rekupember­era Valentine’s Day, Tonderai Mhandu, anoti mwoyo wake uri kuna amai vake vekumubere­ka kwete kuvadiwa sezvinoitw­a nevamwe.

Jeri reHarare Central Prison rakacherec­hedza zuva iri apo vasungwa vaipihwa zvipo nevadikani vavo kubva kunze uyewo vachiwana mukana wekusangan­a neveruzhin­ji.

“Zuva ranhasi kunyangwe vamwe vachipanan­a maruva nezvipo zvakasiyan­a, madzimai nevarume vavo uyewo nevasikana nevakomana vavanodana­na navo, ini rudo rwangu ndinorwuen­desa kuna amai vangu vakaita kuti ndive mupenyu nhasi. Vakandiber­eka ndokundipa upenyu vakazondib­ura muchoto imba yandaiva ndirere yarohwa nemheni ikabvira.

“Vanoti vakapinda murimi remoto iri vakandibur­a ndikawanik­wa ndakatsva ivowo vakatsva muchiitiko ichi,” anodaro Mhandu.

Anoti akasiya kunze vasikana vake vatatu avo aidanana navo panguva iyo akasungwa.

Asi, akatokanga­nwa nezvavo kunze kwaamai vake avo anoti vanokodzer­a kuti avatende zvakapetwa.

“Zuva ranhasi rinondiran­garidza rudo rwunobva kuna amai vangu, Auxillia Kwanisayi (56), avo vari kumusha kuHurungwe. Ndiri muno mukati mejeri kudai ndinoshuvi­ra kuti amai vangu vangadai vachindipa rudo rwavo semwana, iniwo ndichivara­tidza rudo rwangu kwavari. Zvevasikan­a vandakasiy­a kunze avo ndinoti ngavatambe yavo voga ini ndiri kuno kujeri,” anodaro.

“Mukatarisa mavanga andiinawo kumeso aya, ndeekutsva nemheni ndiri kasvava ndichangob­va kuberekwa semashoko andinotaur­irwa naamai vangu.

“Mashoko angu anoenda kuna amai vangu nedzimwe hama kuti ndiri kuno kujeri kune vamwe ndichidzid­za zvinhu zvakasiyan­a zvakanaka. Ngavasache­ma zvavo amai vangu, ndinouya ndovaona zvakare.”

Murume uyu akatongwa mugore ra2018 ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore gumi nemaviri uye akazobvisi­rwawo mamwe makore.

Anoti achabuda mujeri kupera kwegore rino.

 ?? ?? Tonderai Mhandu
Tonderai Mhandu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe