Zivai nezveJanuary Disease
MOMBE dzinobatwa nezvirwere zvakasiyana-siyana nekudaro zvakakosha kuti murimi agare achidzivirira zvirwere izvi kuitira kuchengetedza zvipfuyo zvake.
Chimwe chezvirwere zvinonyanya kubata mombe pamwe nekukonzera kufa kwadzo ndecheJanuary Disease kana kuti Theileriosis.
Muchikamu chino, Dr Reverend Spargo vanova deputy director kubazi rinoona nezvekuchengetwa kwezvipfuyo reDepartment of Veterinary Services (DVS) vanotsanangura pamusoro pechirwere ichi.
January Disease inonyanya kubata mombe mumwedzi waNdira panguva inonaya mvura yakawanda uye apa ndipo pakabva zita racho (January).
Wongororai mombe dzenyu zuva roga-roga mangwanani dzichibuda mudanga nemanheru mava kudzivharira muchiona hunhu nemafambiro adzo, chamaona chakaipa mokurumidza kuzivisa bazi reDVS uye morega kumirira mombe dzisisafure chirwere chagodza.
Chirwere ichi chiri kuuraya mombe dzakawanda kumativi ose enyika izvo zvaona zviuru nezviuru zvemombe zvichifa kubva muna2017 kusvika pari zvino.
DVS inoti mombe dzinodarika 618 dzakafa nechirwere ichi kubva munaZvita 2023 kusvika Ndira 2024.
Zvinokonzera January Disease:
Chirwere ichi chinokonzerwa nezvikwekwe zvichikonzerwa neinonzi Protozoal uye kazhinji chinoparadzirwa nezvikwekwe zvinonzi Brown Ear ticks zvinofarira kugara munzeve.
Zvikwekwe izvi zvinokonzerawo zvimwe zvirwere kubva mukuruma kwazvinoita mombe.
Chikwekwe kana kuti chindari chinoparadzira chirwere ichi chinoruma mombe nhatu kuti chisvike pakufa inonzi “3 host tick” kureva kuti chikaruma mombe yekutanga chinosveta ropa chosiya uturu, chodonha chobva chanovhunura.
Chapedza kuvhunura, chinoruma imwe mombe yechipiri chosveta ropa chodonha zvakare chovhunura.
Chinozoruma mombe yechitatu chosvetazve ropa chobva chazodonha apo chinosangana nemukono chobva chakandira mazai zviuru zvishanu (5 000) chobva chafa.
Panenge pasvika chikwekwe ichi chimwe chete, mombe dzinogona kufa danga rose varimi vakarega kukurumidza kutora matanho ekudzirapisa nenguva.
Varimi havafanirwe kumirira kuti mombe dzavo dzitange dzava kutadza kufura.
Panozobudikira mombe yava kuoneka kuti inorwara, inenge yatosvitsa masvondo matatu ichirwara saka zvakanaka kuongorora mombe nguva nenguva.
Mukabaya mombe yekutanga yarwara nemushonga, munoona kuti mushure memazuva imwe yechipiri inobvawo yarwara dzichingotevedzana. Kureva kuti chikwekwe chimwe chete chinogona kutenderedza mombe dzose nhatu kusvikira pachinozofa chobva chasiya chabereka vamwe vana zviuru zvishanu padanga penyu kana kumafuro kwadzinofurira.
Nguva ino yekunaya kwemvura ndiyo inoberekana zvikwekwe zvakawanda nekuda kwehuswa nehunyoro hunenge huriko.
Zviratidzo zveJanuary Disease:
Zviratidzo zvekutanga kwechirwere ichi kubuda marute kwemombe, kuchururuka misodzi mumaziso ose nekubvunda.
Mombe inokwanisa kugomera zvekare pakufema, kuzvimba kuseri kwenzeve iya inonzi mwambabvu, kusimuka kwemvere paganda remombe zvisinganzwisisike uyewo kutadza kufamba zvakanaka nekukosora.
Panopera masvondo matatu mombe ichirwara nechirwere ichi, inobva yatanga kutadza kufura, maziso ayo oita dambudziko yotadza kuona zvakanaka nekuita bofu, inotangawo kuita ndove ine ropa nekushaya simba muviri ichifamba ichida kupunzika.
Mombe inenge yaonekwa kuti yarwara inofanirwa kurapwa nekukasika nemushonga unosanganisira Butachem, Butalex, Buvaq kana Buvaquone.
Mushonga uyu unobaiwa 20 mls pamombe uyewo kuti mishonga iyi iwane simba rakanyanya inobaiwawo pamwe chete nemimwe yakadai seOxytetracycline inosanganisira Hitet, Alamycin, Fivox, Oxyvet, Ter
Madzivirirwo eJanuary Disease:
Chinhu chakakosha pakudzivirira chirwere ichi kudhibhisa mombe nguva dzose, kufirita nepombi kana kuzora tickgrease.
Kune vanoita zvekufirita nepombi, zvinogona kunetsa kuti mushonga ukwanise kupinda munzeve dzemombe nekudaro zvinotoda dhibhi chairo rekutivisa.
Chirwere cheJanuary Disease chinorapika sezvimwe zvirwere nekudaro zvakakosha kuti varimi vagare vakatenga mishonga yekuchidzivirira.