Kwayedza

MIMBA YE’3 MONTHS’ SVAKU DATYA BENYU

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anobva kwaNeshang­we, kuChivhu — uyo anogara kuMbare, muguta reHarare — akasangana nemashura apo akasunungu­ka datya.

Izvi zvakaitika kumimba yaanga anayo yemwedzi mitatu inova nyaya yakazara pamiromo yevakawand­a munzvimbo iyi.

Mai Chipo Tigere (41) vaigara pane imwe imba apo pavakazota­ma kuNational, kuMbare, uye vanoti nemusi weMugovera wakadarika vakabva pamba vaine munin’ina wavo vachida kunobatsir­wa mumatambud­ziko emhuri yavo kune mumwe munamati wekuDzivar­esekwa Extension, muHarare, uko vakazonosa­ngana nemashura ekuzvara dafi aya.

“Nyaya yamakanzwa yekuti kune mudzimai akasunungu­ka datya hombe, dzetse chairo, ndini. Takangoti taenda kunobatsir­wa nemumwewo mukuru wechechi kuDzivares­ekwa Extension apo madzimai ose aiva nepamuviri pavanhu vaivapo vakanzi vasimudze maoko. Ini ndakatauri­rwa kuti chandaiti pamuviri yaisava nhumbu ine mwana, asi kuti ndaiva ndakaroiwa ndakaiswa dumwa mudumbu,” vanodaro Mai Tigere.

Vanoti vakataurir­wa kuti vanotsvaga muchina wekuona kuti vaiva nepamuviri here izvo vanoti vakaita vakazviona kuti vaiva nepamuviri.

“Ini nemunin’ina wangu nemamwe madzimai aivapo takazviona kuti ndaiva nepamuviri, ndakazonzi ndinotenga mvura kuchitoro chaiva pedyo ndikanwa ndokubva ndatanga kurwadziwa nepamuviri apa kuita sendava kuda kusununguk­a ndokuwira ndokusunun­guka datya rinonzi rakatanga kuburitsa makumbo ekumberi,” vanodaro Mai Tigere.

Mamwe madzimai aivapo anonzi akadzvamuk­a nekutya.

“Ipapo ndakazonam­atirwa ndikatauri­rwa kuti kwaiva kuroiwa, nekudaro ndakanzi dambudziko iri rakanga rakonzera kuti ndisazobat­a pamuviri zvakare. Muupenyu hwangu handina mwana, uye datya iri rakazonopi­swa pamba apa asi rakatora nguva refu kuti ritsve,” vanodaro.

“Nekuda kwemashura aya, ndakabva ndatuta midziyo yangu pandairoja ndokunogar­a nemun’ina wangu kwakare kuMbare.”

Mai Paidamoyo Tigere (26) munin’ina waamai ava — uyo aivapo pakaitika manenji aya — anoti ari kusvika nanhasi.

“Mukoma wangu akataurirw­a kuti paaifunga kuti pamuviri yaisava mimba ine mwana asi kuti aiva akaroiwa.

Mai Tigere vanoti vakanga vasati vanyoresa pamuviri apa kukiriniki kana kuchipatar­a sezvo vaishaya mari uyewo nekuti vaiti mimba yaiva ichiri diki.

“Ndinonzi handichago­na kubata pamwe pamuviri zvakare sezvo chibereko changu chakanzi chakasvibi­swa nedatya randakazva­ra iri. Apa handina mwana muupenyu hwangu pamuviri ipapa ndipo pandaitota­risira kuzoitawo mwana,” vanodaro Mai Tigere.

Bishop Heavington Matika Samuronda vekuDzivar­esekwa Extension

avo vaibatsira mudzimai uyu, vanoti mukadzi uyu akangouyaw­o vakamushan­dira sezvavanoi­ta vamwe asi iye ndokupona datya.

“Mukadzi uyu aiva pakati pemadzimai aiva nepamiviri vaidawo kushandirw­a, ndipo paakabatsi­rwa ndokuzvara datya akataurirw­a zvose nekwakabva dambudziko iri. Zvakawanda zvinoitika kuvanhu uye handiyo yoga nyaya inoshamisa asi kune zvishamiso chaizvo. Vanhu vanoroya,” vanodaro Bishop Matika.

 ?? ??
 ?? ?? CHIPO Tigere
CHIPO Tigere
 ?? ?? DATYA rakazvarwa
DATYA rakazvarwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe