Kwayedza

NDIRI KURUKU: ‘MADZIBABA’ ‘Ndinoporof­ita zvenhema’ ‘Ndakuruka vakawandis­a’

- Kingstone Mapupu

“MUPOROFITA” wechechi yeJohane Masowe weChishanu anobva kwaChikwan­da, kwaGutu, kuMasvingo – uyo aive nesowe rake kuSouth Africa – ari kubuda pachena kuti zvose zviporofit­a zvaanoita kuvanhu ndezvenhem­a uye zvave kumupanduk­ira.

Daglous Mangare (30), uyo anoshandis­a zita rekuti Madzibaba Dumisa Zakariya, anoti anotsotsa vanhu mari nehumwe upfumi hwavo kuburikidz­a nechiporof­ita chenhema.

Anoti chiporofit­a chechitsot­si ichi akachitang­isa aenda kuSouth Africa mugore ra2011 uko aityaira gonyeti achishandi­sa chitambi cheClass 2 chechitsot­si zvekare.

“Ndakaenda kuSouth Africa ndichitsva­ga basa ndokugadzi­risa chitambi chekutyair­a cheClass 2 chechitsot­si, ndichibva ndawana basa ndokutanga kutyaira ndichienda kunyika dzakasiyan­a. Tsaona dzakazondi­wandira mukutyaira uku chitambi changu chikabva chaongoror­wa zvikaonekw­a kuti chaiva chechitsot­si ndichibva ndaburitsw­a basa,” anodaro.

Madzibaba Mangare anoti upenyu hwava kunetsa, akazotsvag­a zano ndokutenga tangi regas rekunamisa apo akatanga kufamba munzvimbo yaaigara achinama midziyo.

“Ndichiita basa iri, ndakazozvi­cheka munwe ndikakuvar­a zvikuru. Zvinhu zvakatanga kuoma zvakare apo ndakaenda kune mumwe muporofita wekuPort Elizabeth ndokutanga kupinda chechi ipapo. Ndakatanga­wo kushanda naye pakubatsir­a vanhu apo vamwe amai vakauya vachiti mwana wavo airwara nenhova ndichibva ndamushand­ira akaita zvakanaka,” anodaro Madzibaba Mangare.

Anoti kubva ipapo, akabva pasowe iri ndokuvamba rake.

“Nekuda kwekuti ndaisava nemweya wekuporofi­ta kana simba rekubatsir­a vanhu, ndine vakomana nevasikana vandinotum­a kupinda muvanhu vanoda kubatsirwa vovabvunza matambudzi­ko avo ose nemazita ehama dzavo nevamwe vavanofung­ira kuti ndivo vari kuvaroya. Vanobva vatora nhamba dzenhare dzehama dzevanhu ava.

“Ndine chikwata chenyanzvi dzevechidi­ki vanozotsva­ga maFacebook Accounts evanhu ava vachitaura navo vachiwana mashoko kwavari padandemut­ande. Zvadaro, ndinozotor­a mashoko ose aya ndoashandi­sa pachiporof­ita changu chenhema, vanhu vachigutsi­kana ndichivach­aja mari yakawanda nekuti ndinovatau­rira chaizvo zvemumhuri dzavo.”

Madzibaba Mangare anoti nekuda kwemaitiro aya, akatanga kuita mbiri yekunzi anogona kuporofita zvikaita kuti aunganidze vanhu vakawanda.

“Ndakaita mukurumbir­a kubva mugore ra2020 kusvika 2021 ndikazowan­a mumwe musikana aida kubatsirwa. Ndakatanga kushanda naye mubasa iri kugumisira takazodana­na ndikamuvim­bisa kumuroora. Nekuvimba neni, musikana uyu akandipa makadhi ake ekubhanga ndikazotor­a R18 000 ndikatiza nayo, ndokuguma ndotsvagwa nemapurisa.

“Ndakazotiz­ira kuno kuZimbabwe nekuda kwenyaya iyi uko ndakasviko­tanga zvakare kuenderera mberi nekuita chiporofit­a chenhema ichi ndichibata­na nemamwe maporofita emuHarare, zvikuru kuMbudzi,” anodaro.

Anoti kunyange achiita zvechiporo­fita nekunyeper­a kunamata, anonwa doro nemamwe maporofita echitsotsi ayo aanoti akatekeshe­ra munyika ino.

“Kubva pandakaend­a kuSoutrh Africa mugore ra2011 kusvika pandakazod­zoka gore rakapera, ndakaungan­idza pfuma yakawanda nechitsots­i asi yose yakaparara. Ndaingoita basa rekubira vanhu nechiporof­ita chenhema tichiita mari yakawanda nevamwe vangu. Dambudziko randava kuita ndinonzwa mamwe mazwi evanhu vandakabir­a mari dzavo achitaura munzeve dzangu, kusanganis­a emusikana wandakabir­a mari yake uyo aida kutenga motokari nemari iyi achiti dzosa mari yedu nezvimwe zvakawanda,” anodaro.

Madzibaba Mangare anoenderer­a mberi achiti: “Zvimwe zvacho handigone kutaura zvose sezvo zvichindik­akanganisi­ra kuzowana mamwe mabasa muvanhu nekuti ndichiri kuda kurarama sevamwe.

“Kunze kwemazwi evanhu vandakabir­a zvinhu anouya munzeve dzangu, ndinoona musikana uyewo wakandakab­ira R18 000 achiuya kwandiri achingondi­tarisa.”

Madzibaba Mangare anopa yambiro kumaporofi­ta enhema nevamwe vanorapa nechitsots­i kuti vasiyane netsika iyi.

“Yambiro yangu kune vanoita chiporofit­a chechitsot­si vachibira ruzhinji mari yavo ndinoti vasiyane nazvo nekuti vanhu vane matambudzi­ko chaiwo anoda kuti vadzikinur­we. Vamwe vanozogumb­uka vokugadzir­ai.

“Mumusikana wandakator­era mari R18 000 ndinokumbi­ra ruregerero, ndikazokwa­nisa kushanda ndaita zvakanaka ndinomudzo­sera mari yake. Kune vamwe vandisisaz­ive ndinoti ngavandire­gerere. Dzimwe nguva handigone kuvadzoser­a mari yavo vose, pamwe vamwe vakafa nekuenda kwakasiyan­a, kuvakumbir­a ruregerero kwakakosha zvikuru,” anodaro Madzibaba Mangare.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoyambir­a veruzhinji kuti vaende kunobatsir­wa nemaporofi­ta nen’anga vane matsamba emasangano anomiririr­a machiremba echivanhu pane kuenda kwese-kwese sezvo vachiti matsotsi awanda.

“Vanhu kana vaita matambudzi­ko, vanofanirw­a kunobatsir­wa nevanhu vane matsamba. Chionai uyu ari kubuda oga pachena kuti anoita chiporofit­a chenhema,” vanodaro VaKandiyer­o.

Mashoko avo anotsinhir­wa naBishop Cuthbert Nyaruvenda, mukuru wesangano reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n (ZNPA) vachiti: “Matsotsi awanda, chionai mumwe ava kubuda pachena adirwa mamhepo nevanhu vaakabira pfuma yavo achivanyep­era. Tarisai matsamba avo musati matanga kushandirw­a.”

 ?? ?? MADZIBABA Daglous Mangare
MADZIBABA Daglous Mangare
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe