Kwayedza

MITAMBO Akoniwa tinodzinga: ZC

- Abel Ndooka

MANAGING Director weZimbabwe Cricket – Givemore Makoni – anoti sangano ravo rikaona kuti murairidzi anenge achishanda kurairidza zvikwata zvavo haasi kukwanisa kuzvitunga­mira kuhwina, havatye kutsvaga mumwe anoziva basa rake.

Zvichiteve­ra kusiya basa kwakaita Hamilton Masakadza – uyo aive Director of Cricket kuZC svondo radarika – Makoni anoti seZC vakatambir­a kusiya basa kwakaita Masakadza ndokuti vatove mushishi kutsvaga mumwe anomutsiva.

Kusiya basa kwaMasakad­za kunotevera­wo kusiya basa kwaDave Hougton uyo airairidza chikwata chemaChevr­ons pamwe chete naProsper Utseya uyo airaridza chikwata chenyika chemaUnder-19. Kutaura kuno ZC iri pakati pekutsvaga varairidza vatsva vanotsiva Houghton naUtseya.

Achitaura neKwayedza svondo rino, Makoni akati kune shanduko huru iri kuitika kuZC iyo vanotarisi­ra kuti ichabatsir­a zvikuru kusimudza mutambo uyu munyika.

“Pose patinogadz­a varairidzi tinomuzivi­sa zvatinotar­isira kubva kwaari iye otiudza kuti anozvigona here kana kuti kwete. Naizvozvo kubva kwakaita Houghton oga akataura kuti muvatambi mave kuda rimwe izwi izvo isu toga takazviona uye tiri pakati pekutsvaga rimwe izwi.

“Takange takundwa neUganda paakasiya basa Houghton, izvo zvakazoita­wo zvekare kuti Masakadza asiyewo basa svondo radarika.

“Saka pave kuuya shanduko iyo tiri kutarisira kuti ichabatsir­a kusimudza cricket munyika zvikwata zvedu zvigotanga kukwikwidz­a zvemhando yepamusoro.

“Zvakafanan­a kunyangwe makondirak­iti atinopa ivo varairidzi ava ndeayo anotaura kuti kana akakundika­na mubasa rake haana chekumirir­a, saka tiri kutsvaga varairidzi vekuti oga anenge achiziva kuti akaita zvekutamba, basa rinogona kungopera kana akatadza kubata zvatinenge tati agobata nechikwata chake,” akadaro.

Apo ZC iri pakati pekutsvaga varairidzi vatsva, Makoni anoti vari kuzvipa nguva yekutsvaga varairidzi nekuongoro­ra varairidzi vakasiyana nekuti vari kuda kutsvaga varairidzi vepamusoro vanoziva basa ravo.

“Iye zvino tiri kuzvipa nguva yedu kutsvaga varairidzi vatsva pamwe chete nevatungam­iri vezvinzvim­bo zvakasiyan­a nekuti tiri kuda varairidzi vanoziva zvavanoita.

“Tiri kuda varairidzi vanouya vachiziva zvavanoita uye vachiziva zvekare kuti basa iri ihombe, kana ukatadza kushanda nemazvo tinotsvaga vamwe vanotungam­ira zvikwata zvedu kusvika zvave kukwikwidz­a kusvika pamusoro chaipo,” anodaro Makoni.

 ?? ?? CHEVRONS
CHEVRONS
 ?? ?? GIVEMORE Makoni
GIVEMORE Makoni

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe