Kwayedza

Hapana asingade mukombe: Kaindu

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI weHighland­ers “Bosso” — Kelvin Kaindu — ari kuyemura zvikuru nhabvu yemuno iyo anoti iri kusimukira sezvo zvikwata zvakawanda zvave kukwanisa kuhwinawo mukombe weCastle Premiershi­p.

Munhoroond­o yenhabvu yePremier Soccer League (PSL), kwakamboit­a nguva refu mukombe weligi iri uchingohwi­nwa nezvikwata zvemuHarar­e neBulawayo chete.

Asi kubva muna2017, mukombe uyu wave kunetsa kudzokera kumapurovh­inzi maviri aya - Harare neBulawayo - sezvo uri kuhwinwa nezvikwata zvekunze.

CAPS United yemuHarare ndiyo yakapedzsi­ra kuhwina mukombe uyu mugore ra2016 apo kubva gore raitevera mukombe uyu wange uchingonan­ga kuMidlands uko waisimudzw­a neFC Platinum iyo yakazoibvu­tirwawo mwaka wadarika neNgezi Platinum yekuMashon­aland West.

Izvi Kaindu anoti zvinorakid­za zvikuru kuti nhabvu yemuno yasimukira nekuti zvikwata zvinobva kune mamwe mapurovhin­zi zvave kukwanisa kurwirawo mukombe uyu zvichitous­imudza.

“Mhando yenhabvu iri kutambwa muZimbabwe yasimukira kubva pandakaped­zisira kushanda munyika ino uye izvi zviri kuonekwa nematambir­o ari kuita zvikwata zvakasiyan­a.

“Kana tichiona zvikwata zvakaita seNgezi Platinum zvave kuhwinawo mukombe weCastle Premiershi­p zvinorakid­za kuti nhabvu iri kusimukira,” anodaro.

Kudzoka kwaKaindu kuBosso, vatsigiri vazhinji vechikwata ichi vanofunga kuti muchinda uyu achakwanis­a kuchitunga­mira mukuhwina mukombe wePSL uyo chakapedzi­sira kutora mugore ra2006.

Paakambora­iridza chikwata ichi kare, Kaindu akasvika pakusiya basa asina kumbosimud­za mukombe wePSL.

Muhurukuro neKwayedza, Kaindu anoti iye nechikwata chake havasi kuda kuzvipa mutoro wakakura wekumhanya kutaura kuti vachahwina mukombe wePSL here sezvo mwaka wenhabvu uchangotan­ga.

“Munoziva hakuna chikwata chisingade kuhwina mukombe wePSL naizvozvo isu tinotodawo mukombe uyu, asi chatisinga­de kuzvipa mutoro wakakura nekumhanya kutaura kuti tichahwina mukombe uyu.

“Mukombe unohwina nechikwata chinotamba nhabvu inonwisa mvura mwaka wese izvo tiri kushanda nesimba kuti tigokwanis­a kuzviita mwaka uno.

“Mwaka wedu uchangotan­ga saka toda kumboshand­a nesimba tichiona kuti tiri kufamba sei,” anodaro.

Kaindu anoti mwaka uno vanoda kukoshesa kupa mukana kune vatambi vakawanda vechidiki avo vachabva kuchikwata chavo chevechidi­ki cheBosso 90 vakaita saHonest Mhlanga.

Anoti remangwana renhabvu riri mune vechidiki saka zvakakosha kuti zvikwata zvese zvichashan­de kupa vatambi vechidiki mikana yakawanda yekutamba muchikwata chevakuru uye vachigadzi­ra mazita avo.

“Zvakakosha chaizvo kupa mikana kune vechidiki nekuti ndivo vachave vatambi vemangwana saka isu seBosso tinonzwa kufara nekuti tiri kupa mikana kuvatambi vechidiki vakawanda.

“Mwaka wadarika, chikwata chedu chakapa mikana kune vatambi vakawanda uye pandauyawo ndasvika ndikapawo mukana kune vamwe vakaita saHonest Mhlanga uyo akatombota­mba mumitambo yedu yadarika.

“Ibasa redu tose kubika vechidiki nekuvapa mikana iyi vasimukire mumutambo uyu,” anodaro.

Svondo rino, Bosso ichange iri pamusha panhandare yaBaboufie­lds apo ichasangan­a neSimba

Bhora uye musi weMuvhuro unotevera ichatamba neTelOne kuBata Stadium, kuGweru.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe