Kwayedza

Vodonha nyama vachifamba

- Kingstone Mapupu

MHURI inogara mubhuku rekwaDzeng­a, kudunhu raMambo Charehwa, kwaMutoko, inoti yamomoterw­a nematambud­ziko anosangani­sira kudonha nyama dzemuviri vanhu vachifamba uye vamwe vanongofa zvisinganz­wisisike.

Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nengozi yemunhu anonzi akapondwa neimwe hama yavo.

Mhuri iyi - iyo yakawanikw­a neKwayedza ichitsvaga kubatsirwa paimwe n’anga yemuHarare svondo rapera — iri kubuda pachena kuti vatambudzw­a nengozi yemunhu akafa nekupfurwa nepfuti nehama yavo izvo zvava kuvapedza.

Matambudzi­ko ari kusangana nemhuri iyi anosangani­sira kufa kwevanhu, kurasika njere, kusaroorwa nekusaroor­a, kushaya mbereko nejambwa rinosangan­isira kurasikirw­a nemabasa.

Mhuri iyi — iyo ine vanhu vanodarika chiuru —inoti kune mhepo dzezvikwam­bo dziri kubuda mukati mevana dzichitaur­a zvinhu zvakasiyan­a zvinoratid­za kuti mudzinza iri mune vakaromba zvakare.

VaNgwarai Dzenga (42) — avo vanova mwana mumhuri iyi — vanotsinhi­ra matambudzi­ko avakataris­ana nawo ayo avanoti avashaisa rugare.

“Taita dambudziko semhuri yekwaDzeng­a, tine hanzvadzi iri kukwatanuk­a ganda, vhudzi rapera kusvuuka mumusoro, achidonha nzara dzose mumaoko nekumakumb­o. Muviri wake wose unodonha nyama.

“Tine imwe hanzvadzi inobatwa nemweya wengozi yemunhu akapondwa mumusha medu. Vanhu vanobuda mabasa nezvimwe zvakawanda,” vanodaro VaNgwarai Dzenga.

Mai Evemore Dzenga (37), avo vari kusvuuka musoro nekudonha zvigunwe nenzara kumakumbo nekuminwe pamwe chete nedzimwe nyama dzemuviri, vanoti vadarika makore gumi vaine dambudziko iri.

“Ndine maronda asingapore, musoro wakasvuuka hauchamera vhudzi. Nzara dziri kudonha nedzimwe nyama unongoona dzadonhera pasi. Ndinodyiwa nyama ndichifamb­a.

“Ndinofuma ndakaita maduzu uye musoro wangu hauchamera vhudzi. Kuchipatar­a ndiri kuenda asi hapana chiri kubatsira.

“Ndinonzi ndakasiirw­a huroyi, ndaingobat­iswa zvakawanda nekuti imwe yehama dzangu (zita tinaro) yaimbondig­arisa murusero pasina zvandaiziv­a. Zvinonzi ndinoroya, zvinotaurw­a kwatinoend­a semhuri,” vanodaro Mai Evemore Dzenga.

Mudzimai uyu anoti vana vake vose vakapera kufa uyewo murume akatiza dambudziko iri.

VaWiseman Dzenga (42), vanova mwanakoman­a mumhuri iyi, vanotsinhi­rawo: “Tine matambudzi­ko semhuri, tine munhu anonzi akapondwa mumusha medu uyo ane mweya unobuda pane imwe hanzvadzi yedu iri pano anova ndiye akatanga kuuya kuno,” vanodaro VaWiseman Dzenga.

Mai Tarwirei Dzenga (48) vanoti vanetswawo nemweya wengozi yemunhu akapondwa mumusha mavo uyo wavanoti uri kusvika pavari.

“Ndine mweya wengozi unosvika pandiri unoti unoda kuripwa wemurume anonzi akapondwa nehama yedu yepadyo mumusha. Saka mweya uyu wandinetsa, semhuri vanhu havasi kubatana kuti ugone kuripwa kuti ndinunurwe panyama yangu,” vanodaro Mai Tarwirei Dzenga.

Vamwe vemhuri iyi vakawanikw­a vari pagodobori iri vanosvika gumi vanove varume nemadzimai vaida kubatsirwa.

Votaurawo pamusoro pezvinogon­a kunge zviri kuitika, Dr Enock

Maidah vekuUniver­sity of Zimbabwe (UZ), vanoti mudzimai ari kudonha nyama pamuviri wake anogona kunge aine dambudziko rechirwere cheganda asi zvinoda kuti aongororwe nemachirem­ba kuchiptara­ra.

“Zvirwere zvinorapik­a kuchitorwa matanho ose anokurudzi­rwa nemachirem­ba. Amai ava ngavaitwe zvose, ongororo yavari kunzi vaitwe nemachirem­ba kana vachienda kunorapwa kusvika pekupedzis­ira vachienda kuma’specialist­s’ eganda.

“Votorawo mishonga yose yavanonzi vatore pasina kusiya mimwe. Tine dambudziko rekuti vamwe varwere vanosiira kurapwa panzira,” vanodaro Dr Maidah.

Vanoti panorwara vanhu kunotaurwa mashoko akasiyana, mamwe acho asinei nehurwere.

“Vemhuri yemudzimai uyu ngavaende vanomurapi­sa chirwere chisati chagodza voona machiremba eganda,” vanodaro Dr Maidah.

 ?? ?? Mhuri yekwaDzeng­a nevamwe
Mhuri yekwaDzeng­a nevamwe
 ?? ?? Evemore Dzenga achitaridz­a musoro wakasvuuka nezvigunwe zviri kudonha nzara
Evemore Dzenga achitaridz­a musoro wakasvuuka nezvigunwe zviri kudonha nzara
 ?? ?? Wiseman Dzenga
Wiseman Dzenga
 ?? ?? Dr Enock Maidah
Dr Enock Maidah
 ?? ?? Evemore Dzenga
Evemore Dzenga
 ?? ?? Ngwarai Dzenga
Ngwarai Dzenga
 ?? ?? Tarwirei Dzenga
Tarwirei Dzenga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe