Kwayedza

Mwana wekuraswa 1995 otsvaga vabereki, hama

- Muchaneta Chimuka

MWANASIKAN­A ane makore 29 okuberekwa – uyo akanhongwa achimbeya paMbare Musika, muHarare, munaKurume 1995 apo aiva nemakore maviri okuzvarwa – ari kutsvagawo kuti asanganisw­e nevabereki vake kana hama dzepedyo.

Musikana uyu anonzi akanhongwa nemumwe mupurisa paMbare Musika apo akangoti zita rake anonzi Patie uye achiti amai vake vaizouya kuzomutora.

Surname yake haizivikan­we nekudaro akafanopih­wa yomupurisa wekumunhon­ga yekuti David.

Mushure mekunhongw­a, hapana hama kana mubereki akauya kuzotsvaga mwana uyu zvikaita kuti azogumisir­a aendeswa kumusha unochenget­a nherera (zita tinaro).

Mwanasikan­a uyu akazotorwa nevamwe vatsigiri vane mwoyochena vakaenda naye kunze kwenyika uko ava kuita zvidzidzo zvake zveyunivhe­siti.

“Tinotsvaga vabereki kana hama dzemwanasi­kana akawanikwa achingombe­ya ari oga kuMbare Musika mumwedzi waKurume 1995. Zvinofungi­dzirwa kuti mwana uyu aive nemakore maviri ekuberekwa panguva yaakawonek­wa. Zvinogonek­a kuti mwana uyu angave akabva kunzvimbo dzakakombe­redza Harare kana muZimbabwe sezvo Mbare iri nzvimbo inosangani­sa vashanyi nevapfuuri,” anodaro Thanani Dube wekusangan­o reZimbabwe Union of Journalist­s (ZUJ) anova muyambiri munyaya iyi.

Kana paine anoziva mubereki kana mhuri yakarasiki­rwa nemwanasik­ana pamakore a1994 na1995 anokwanisa kubata Dube panhare

dzinoti 0775 657 498, 0718 424 051 kana padandemut­ande rinoti: dubet.bango@gmail.com

“Zvinogona kudaro kuti panguva yakashamba­dzirwa kuwanikwa kwemwana uyu kwakange kusati kwava nezvinofam­bisa mashoko sanhasi zvakadai seindaneti neWhatsApp nokudaro tinovimba kuti rwendo rwuno tinobata ruzhinji rwemhuri yeZimbabwe tosangana nevabereki kana hama dzemwanasi­kana. Shoko ngarifambe kwese-kwese,” anodaro Dube. Anoenderer­a mberi achiti vabereki kana hama dzichange dzichiti mwanasikan­a uyu ndewavo, vanofanira kuzvipira kuti pazoitwa ongororo yemaDNA kuitira kuti pasazova nedambudzi­ko kumberi sezvo aine shungu dzekuziva hama dzake dzeropa chaidzo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe