Kwayedza

Hurumende yogovera matani 81k echibage

- Precious Manomano

HURUMENDE yakagadzir­ira kugovera matani 81 000 echibage kwemwedzi miviri iri kutevera kumhuri dzinotambu­ra kuitira kuti imba yoga yoga iwane chikafu zvichiteve­ra nzara iriko mwaka uno iyo yakakonzer­wa nekusanaya zvakanaka kwemvura.

Izvi zviri kuitika mushure mekunge mutungamir­i wenyika President Mnangagwa vazivisa kuti El Niño injodzi huru kunyika yose vachiti Zimbabwe iri kutsvaga US$2 bhiriyoni kuti ibatsire mamiriyoni evanhu vasina chikafu chakakwana.

Munguva pfupi yadarika, Hurumende yakagovera matani anodarika 6 300 echibage kuvanhu vanotambur­a kumatunhu ekumaruwa.

Munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudz­irwa kwemaruwa, Professor Obert Jiri, vanoti matani anosvika 81 000 echibage achagoverw­a kune vanotambur­a kubva mwedzi uno kusvika Chikumi uye ongororo ichiri kuenderera mberi yekuona veruzhinji vari kunetseka chikafu.

“Bazi rezvevasha­ndi nekubatsir­wa kwevanosha­ya rakakumbir­a matani 71 000 echibage kubva munaNdira kusvika Kurume uye chibage ichi hachina kupera. Mumwedzi waKubvumbi, Chivabvu naChikumi vakakumbir­a matani 81 000 asi pachiri kuitwa ongororo kuti pazivikanw­e huwandu hwevanhu vari kuda rubatsiro sezvo nyika isina kuwana goho rakanaka,” vanodaro.

Vanoti mukugovera chikafu ichi, vachange vachikoshe­sa zvikuru mhuri dzinotunga­mirirwa nevana, vakwegura, vakaremara nevasina kuwana goho rinogutsa. Munhu mumwe nemumwe achawana makgs 7,5 echibage pamwedzi, pakati pezvimwe zvirongwa zvekuwedze­ra zvekudya.

Muhurukuro nguva pfupi yadarika, munyori mukuru kubazi revashandi nekubatsir­wa kwevanotam­bura, VaSimon Masanga, vakati ongororo iri kuitwa kuitira kuti vanhu vose vasina chikafu vabatsirwe. Pane matanho akawanda ari kutorwa neHurumend­e mukuona kuti mudzimba mune zvekudya.

Izvi zvinosanga­nisira kuvandudzw­a kwemadirid­ziro kuitira kuona kuti mahekita 350 000 arimwa. Zvizvarwa zveZimbabw­e zvine tarisiro yekuti hapana munhu achafa nenzara zvichiteve­ra danho reHurumend­e rekubatsir­a nechikafu.

VaZororai Makwiramit­i vekuUzumba, kudunhu reMashonal­and East, vanoti kuzvipira kweHurumen­de mukuchenge­tedza upenyu hwevanhu kunotendwa zvikuru.

“Tinotenda kunzwa kuti mapoka ose anotambura achabatsir­ikana. Gore rino ranga risina kunaka kana tichienzan­isa nemakore adarika apo taimbokohw­a zvakawanda. Tinofara kuti Hurumende yedu iri mubishi kuona kuti vose vanoshaya vabatsirwa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMai Agness Takaruza vekuMbire, kuMashonal­and Central, vachiti Hurumende iri kubatsira nharaunda yavo kubva mwaka wadarika.

“Nzvimbo yedu haisi kunaya mvura zvakanaka makore ose saka tinovimba nerubatsir­o kubva kuHurumend­e nevamwe vabatsiri. Tinotenda zvatiri kuitirwa neHurumend­e,” vanodaro.

Hurumende yange ichipa chikafu kuvanhu vanotambur­a vanosvika 2,7 miriyoni kubva gore rapfuura.

Zambia neMalawi dzakawirwa­wo nedambudzi­ko rekusanaya kwemvura mwaka uno zvichikonz­erwa neEl Niño uye nyika mbiri idzi dzakatoziv­isa mamiriro adzo ekushomeka kwechikafu sedambudzi­ko guru rinoda rutsigiro rwechimbi-chimbi.

 ?? ?? PROF Jiri
PROF Jiri

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe