President emphasises discipline
This is the address by President Mugabe at the solidarity rally organised by the Youth League at the Zanu-PF headquarters yesterday.
PAMBERI neZanu-PF, nokubatana muZanu-PF, netsika muZanu-PF, nekutevera gwara muZanu-PF, nerukudzo muZanu-PF, neYouth League muZanu-PF neWomen’s League muZanu-PF. Pasi nevasingadi kubatana nevamwe. Pasi nevanoda kutyora mirawo yeZanu-PF, pamberi nemaWar Veterans edu. Ndinoda kutanga nekukute ndesesai mayouth edu. Takagara tataura kuti kuvakuru isu zuva rakudoka, kuvana vedu vadiki rava kubuda.
Mukubuda kunoita zuva revadiki vanenge vachicher echedza kuti iri rava kudoka rafamba rwendo rwese urwu, ratara gwara ratichafambawo nesu gwara racho rakachena, gwara racho harirase, gwara racho rinotisvitsa pamadokero.
Isu vakuru tochengetedza gwara tichiramba vanoti ava masikati votsauka vachisiya gwara, chiramba nevanoti avo vakuona kuti rodoka havo pfocho voenda musango. Ndozvatinoramba.
Pfocho, pfocho hatiide. Hazvinei kuti wanga unaPresident, hazvinei kuti wanga wakati chakwa naPresident vakati huya kumusangano vakati huya kumusangano vakakuisa muhomwe vakafamba newe rwendo.
Vakuburitsa iwe pachako une tsoka dzako, une maziso ako ,une nzeve dzako, unoziva kwawakabva uri kuona nemaziso ako kwaunosungirwa kuenda.
Hauedze kuti rwendo rwakareba dai ndatsaukira kuti ndikurumidze kusvika.
Ndoenda nechinzira chepapa, zvinzira zvacho zvine shumba, zvine makomba, zvine rufu. Chenjera, chenjera!
Mose mayouth itochenjerai. Rwendo rwurefu harudimburirwe. Aiwa. Harwudimburirwe. There is no shortcut to be the leader of the people just like there was no short cut to our independence.
We had to walk the long walk. Makatiratidza pano mukati aah tinoda kukutendai nerwendo rwedu rweOne Million Men March. Makarwuita vanhu vachiti hamugone mungabva makwanisa imi? One million men chaiyo ah mukanditi tinoiita tinoda kuratidza rutendo. Mukaita kwamakabva mativi ose makazadza mukafamba iyo One Million Men March.
Kana isu takagara pano taive pano nemaVice Presidents angu aya va(Phelekezela) Mphoko nevamwe vataive navo marimwe zuro.
Vagere pano apa ndakaona ndaitarisa zvangu maziso evazhinji ndaiona mufaro mumaziso avaMphoko.
Mumwe wangu uyo akanga akangoti tsi pasi kutarisa pasi sokunge aivhunduka kuti zvaitika chokwadi ndaiti zvichafoira kana zvatadza ndowana mavambiro erwanguwo rwendo. Aiwa vadiki vedu vakatiratidza vakati aah mamushure takuzoda kuti tiite misangano zvakare marallies eInterface naPresident. Kusangana topanana mazano tichinzwa President vachitipawo mazano ake ekutibatsira kufamba rwendo rwedu, maYouths ayo.
Vakauya pakati apa vakati aaah tanga tichisangana nevamwewo mayouths edzimwe nyika.
Kwakazonzi tose tonosangana kuRussia kunoita mufaro, a festival ikoko tikati isu mayouth edu haangashaikwe pakadaro.
Tingave vanhu vasati vapfuma, vasati vaita ndege dzakawanda asi paidzo dzatinadzo kana iyo imwe chete yandinayo yandinofamba nayo kungoiturawo parwendo irworwo rwemayouths rwemazuva mashomanana ndoti chifambisai muende nayo muendese kuRussia hazvindiuraye. Ini ndingazoite yekutsvaka ndine shamwari dzakawanda kana tinokwanisa kuti tiise chioko muhomwe tonotsvagawo yekundiendesa chete kuUruguay. Ndozvatakaita mayouths edu tikakwanisa kuatumira. Hongu haina kukwanisa kutora mazana maviri yakazotora zana nemakumi matatu. Vakaenda vakanosangana nevamwe. Vakaita mitambo yavo ikoko, vakaita nhauro dzavo ikoko, vakadya zvaidyiwawo ikoko. Vakazouya vachifara vachiti aaah tasangana nevamwe.
Ko izvoka ndozvatinoita munyika yakasununguka, ndozvatinoita munyika ine mayouth vane gwara, ndozvatinoita munyika ine vakuru vane gwarawo. Ahh takazoti ngatiitei interface yedu, hezvoo. Hakusi kubuda kwakaita vanhu kwaiita vanhu province neprovince vachiuya kumusangano iwoyu.
Takaita maprovince akakwana masere pasina dambudziko. Takati tasarirwa nemaviri emumadhorobha edu makuru Bhuruwayo neHarare. Totanga neBhuruwayo. Vakomana rongai. Kwange kuine opposition uku. Musangano waTsvangirai vanga vaine zvigaro zvakawanda kupfuura zvedu. Tinoda kukudubura izvozvi titore Bhuruwayo haingarambi ichinzi ndeyangu naTsvangirai nanaKhupe. Kwete ndeye vanhu Bhuruwayo and vakamirira vanhu ndiyani? Ndisu Zanu-PF.
Vakaronga zvakanaka vakati tichakufadzai kuBhuruwayo. Tichakufadzai, chokwadi takaenda nemoyo wekufadzwa. Takatanga kusvika Mai Mugabe vachiti ahh uku vari kuti boo, ukuwo vari kutiwo boo, uku vari kuti ko chava chii ichi ahh ndopinda ini, ahh handina kunzwa mazwi andaichinzwa ekupururudza mupururu.
Kozopinda ivo vakanga varonga ahh tonzwa mupururu. Tonzwa mupururu manga muchiti vanhu taive kurestriction vaiti ahh musarase moyo wekuti Zanu-PF haisati yaita vanhu vakawanda.
Ko munoshamiswa here imi? Chimwe chiparty chinokwanisa kupururudzirwa, Satan akauya pamusha penyu vanhu vese vanogona kuti regai ndichione kuti chakaita sei icho. Vanongoti icho icho hecho. Ndozvaiita vamwe vachiti Satan anopururudzirwa.
Imi mati hee McBeth. Waitosekwa Mcbeth papo achinzi uchava Caesar zvaasina kuzoita.
Zvino vakuru vacho ahh ndakazoona kuti painzi ehe chimbo chedu chatanga tichiimba ‘Mudhara Vachauya’ ivo vachizvitiwo ehe, ehe nezvigunwe zviviri kuzvinongedzera ndikati ko chava chiiko ichi? Ndakagara ndaziva zvangu kare musi wacho ndowamakazovawo neruzivo aiwa. Taingogara tichifukidzira kuti vanhu varege kuzviona, vadiki varege kuzviona.
Zvanga zviripo ndoda kukuudzai ndozvimwe chete zvakabvisa Mai Mujuru. Kungoti Mai Mujuru aida makwikwi naPresident ndosaka aive nenyungururwi mbiri dzaigara dziri mumvura.
Yake yave nerwumwe rudzi yangu ichidzi iyi zvichinzi zvichirwisana ipapo dzakasungirwa nekashinda dziri mumvura muchirongo. Yangu ichinzi icharumwa ikafa Mai Mujuru vanobva vati ahh ndahwina.
Zvino ava vanga vasina izvozvo. President ndivo vakandipinza vakunyepera vanhu vari kubva munaMarch gadzirirai, gadzirirai vanhu. Tiri muna January izvozvo ndini ndichatora munaMarch. Vadiki gadzirirai vobva varongwa nezvitoto zvese zvavanazvo ehe vanogara nazvozve.
Rongai rongai vananaJuly (Moyo) nevamwe ndini ndiri kutora. March youya, zvokona. Ah zvonzi zvakakona pakati. Njere dzakauya pakuti regai ndimboenda kun’anga, kumapositori kwazvo ndinoudzwa kuti munhu achafa rinhi? Kunotsvaga rufu rwaPresident.
Ndokuchienda kumwe kwavakanzi ah iwewe usambofunge zvako ndiwe uchatanga.
Zvino apo saka njere yanga iri yokuti President vakandiita Vice President. Ndini ndakatanga Mphoko akauya mushure. Musi waenda President vanenge vakandibereka kumusana ini ndobva ndapinda ndova Acting President.
Zvozobva imomo chigaro chinenge chakanditarisa ndozoti zete pachiri. The President will carry me to victory. Ndoyavanga vachifunga zvino President varamba kufa, varamba kubva.
Zvino zvaramba kudaro vakati ndakuita zvekupovera ndokuchironga zvino kuti vanhu vakupai mbiri kuimbira imimi nenzwi riri pamusoro uyu mudzimai uyu anonzi mudzimai waPresident anoramba achikuc riticiser ndiye achatanga kutaura. Ngatiite midungwe yemota dzichauya nevanhu vachaita manoise chete vamwe uku vamwe uku. Mabhazi acho tinomawana kupi? Ndokuchienda kuzvikoro mufunge zvevana vadiki kunotora mabhazi avo ezvikoro kuKwekwe ikoko ndoakauya nevanhu vachiburutswa vanhu vaudzwa zvekuita zvino.
Saka makanzwa kuchibva mazwi ekutuka. Booing yakaitwa kumativi ose zvakanga zvakarongwa. Zvikanzi tikazviita izvozvo President opinda kurega kushaudhwa kurega kumutambira zviya zviya asi ini kana ndapinda mudhara achauya zvino ini ndobva ndadai mudhara achauya, mudhara achauya.
Ah simba racho ratouya ratouya simba hazvichachinja zvikadzimara zvanzarwo. Hameno sometimes ndangariro dzinomboputsika nekuda masimba wofunga chokwadi kuti kamwena aka kanopinda mbeva neni ndingapindewo, panopfuura netsuro neniwo ndingapinde nepo.
Aihwa hazvidaro. Nzira yekuenda kuhukuru yakareba. Yakaoma. Haina zororo. Ndinofunga mese munoziva rwendo rwacho rwatakafamba
Takanga tisinga funge nezvekuva vaPresident parwendo kudakara kuna Lancaster kuya uko. Taiti tiri kurwira vanhu vedu chete. Vanhu vanozoona kuti ah patsika, pazvinangwa zvemberi, pakuzvibata, padiscipline, papfungwa dzokuendesera musangano wedu mberi kuti ufambe uende mberi, pafungwa dzezvinangwa dzekusimudzira nyika nekusimudzira vanhu vedu watingade ndingana. Kune vamwe hazviko izvozvo. Zvinonzi ndikamira padhuze naPresident akava nekundiziva, kufara naye kana kumbomubikirawo tea ndizvozvo. Aiwa watova wangu. Aiwa uno haadaro. Haanzarwo kwete. Tinodyidzana zvakanaka.
Ungandibikire doro rinonaka sei kana rinondidhaka zvakadii asi gwara redu remusangano igwara remusangano. Hautengeswe pamhamba aiwa, hautengeswe necup of tea aiwa, hatitengwe nechingwa kana necake. Aiwa hatidaro.