Hatina kunwiswa doro: Mapositori
CHECHI yeJohanne Masowe eChishanu iri kuramba mashoko ari kutenderera anoti vamwe vavo vakamanikidzwa kunwa doro nemauto eZimbabwe National Army apo vakasvikirwa vachinamata pasowe riri kuDzivaresekwa, muHarare, panguva yekumiswa kwevanhu kufamba famba neHurumende ichiti aya manyepo sezvo vakambomira zvekunoungana kumasowe.
Mukuru wechechi iyi, Madzibaba Israel Muhana, vanoti vanamati vechechi yavo vanoremekedza nekutevedzera zvakadzikwa neHurumende kuti vanhu vagare kudzimba uye kuti vasaungane senzira yekumisa kutapurirana nekupararira kwechirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19.
“Takangonzwawo mashoko ari kutenderera padandemutande (social media) zvichinzi vamwe vanamati vedu vakamanikidzwa kunwa doro pavainamata husiku,” vanodaro.
“Hakuna zvakadaro. Hatina vanhu vedu vari kunamata husiku nekuti takatovazivisa kuti tambomira kuungana uye kuti timbogara kudzimba sezvakatarwa neHurumende kudzimara mazuva aya adarika.
“Saka hakuna zvakadaro zvakaitika nekuti isu hatina vanhu vari kunonamata husiku. Hakuna munhu akamanikidzwa kunwa doro uye tiri kunamatira kudzimba dzedu,” vanodaro.
Madzibaba Muhana vanoti mashoko ari kutenderedzwa aya akagadzirwa nevanhu vane chinangwa chekuda kusvibisa zita rechechi yavo.
“Takatokurudzira vanamati vechechi yedu vose kuti vagare kudzimba sezvakataurwa neHurumende. Chirwere cheCovid-19 hachisarudze kuti ndiwe ani saka munhu wose anofanirwa kutevedzera zvakataurwa neHurumende.
“Ndichitaura kudai, ndiri kutotevedzera kurudziro yesangano reWorld Health Organisation inoti vanhu tisave pedyo nepedyo.”
Madzibaba Muhana vanoti kusvika pari zvino havasati vanzwa kubva kuvanamati vavo kuti kune akavhiringidzwa nemauto, naizvozvo havangatende mashoko anongotenderedzwa. Chipo chemachechi ose munyika akatevedzera kurudziro yeHurumende inoti vambomira kuita magungano senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.
Nemusi weSvondo wadarika, Hurumende yakawedzera nguva yekuti vanhu vagare kudzimba nemasvondo maviri ayo anokwana musi wa3 Chivabvu.
Izvi zvinotevera kukwira kuri kuita vanhu vari kubatwa vaine Covid-19 muno. Kusvika nemusi weChina, muZimbabwe manga mava nevanhu 29 avo vange vavhenekwa vakawanikwa vaine coronavirus.
MuHarare mava nevanhu 12 vabatwa vaine Covid-19, kuBulawayo 11, kuMashonaland East 4, kuMatabeleland North kune mumwe chete, zvimwe chetezvo nekuMashonaland West.
Pavanhu ava, vana (4) vavo — varume vatatu nemunhukadzi mumwe chete — vakatoshaya.