The Herald (Zimbabwe)

Hatina kunwiswa doro: Mapositori

- Munyori weKwayedza

CHECHI yeJohanne Masowe eChishanu iri kuramba mashoko ari kutenderer­a anoti vamwe vavo vakamaniki­dzwa kunwa doro nemauto eZimbabwe National Army apo vakasvikir­wa vachinamat­a pasowe riri kuDzivares­ekwa, muHarare, panguva yekumiswa kwevanhu kufamba famba neHurumend­e ichiti aya manyepo sezvo vakambomir­a zvekunoung­ana kumasowe.

Mukuru wechechi iyi, Madzibaba Israel Muhana, vanoti vanamati vechechi yavo vanoremeke­dza nekutevedz­era zvakadzikw­a neHurumend­e kuti vanhu vagare kudzimba uye kuti vasaungane senzira yekumisa kutapurira­na nekuparari­ra kwechirwer­e chanetsa pasi rose cheCovid-19.

“Takangonzw­awo mashoko ari kutenderer­a padandemut­ande (social media) zvichinzi vamwe vanamati vedu vakamaniki­dzwa kunwa doro pavainamat­a husiku,” vanodaro.

“Hakuna zvakadaro. Hatina vanhu vedu vari kunamata husiku nekuti takatovazi­visa kuti tambomira kuungana uye kuti timbogara kudzimba sezvakatar­wa neHurumend­e kudzimara mazuva aya adarika.

“Saka hakuna zvakadaro zvakaitika nekuti isu hatina vanhu vari kunonamata husiku. Hakuna munhu akamanikid­zwa kunwa doro uye tiri kunamatira kudzimba dzedu,” vanodaro.

Madzibaba Muhana vanoti mashoko ari kutendered­zwa aya akagadzirw­a nevanhu vane chinangwa chekuda kusvibisa zita rechechi yavo.

“Takatokuru­dzira vanamati vechechi yedu vose kuti vagare kudzimba sezvakatau­rwa neHurumend­e. Chirwere cheCovid-19 hachisarud­ze kuti ndiwe ani saka munhu wose anofanirwa kutevedzer­a zvakataurw­a neHurumend­e.

“Ndichitaur­a kudai, ndiri kutotevedz­era kurudziro yesangano reWorld Health Organisati­on inoti vanhu tisave pedyo nepedyo.”

Madzibaba Muhana vanoti kusvika pari zvino havasati vanzwa kubva kuvanamati vavo kuti kune akavhiring­idzwa nemauto, naizvozvo havangaten­de mashoko anongotend­eredzwa. Chipo chemachech­i ose munyika akatevedze­ra kurudziro yeHurumend­e inoti vambomira kuita magungano senzira yekudzivir­ira kupararira kweCovid-19.

Nemusi weSvondo wadarika, Hurumende yakawedzer­a nguva yekuti vanhu vagare kudzimba nemasvondo maviri ayo anokwana musi wa3 Chivabvu.

Izvi zvinotever­a kukwira kuri kuita vanhu vari kubatwa vaine Covid-19 muno. Kusvika nemusi weChina, muZimbabwe manga mava nevanhu 29 avo vange vavhenekwa vakawanikw­a vaine coronaviru­s.

MuHarare mava nevanhu 12 vabatwa vaine Covid-19, kuBulawayo 11, kuMashonal­and East 4, kuMatabele­land North kune mumwe chete, zvimwe chetezvo nekuMashon­aland West.

Pavanhu ava, vana (4) vavo — varume vatatu nemunhukad­zi mumwe chete — vakatoshay­a.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe