The Herald (Zimbabwe)

‘Pamitengo makatigone­ra’

- Kingstone Mapupu

VAGARI vekwaSeke, kudunhu reMashonal­and East, vari kurumbidza Hurumende nedanho rayakatora rekuti mitengo yezvinhu zvinodiwa neveruzhin­ji zuva nezuva idzikiswe kudzokera payaiva musi wa25 Kurume.

Kubva pakaiswa chirongwa neHurumend­e chekuti vanhu vambogara kudzimba senzira yekurwisan­a kupararira kwechirwer­e cheCovid-19, vemabhizim­isi vakatanga kukwidza mitengo yezvinhu zvinoshand­iswa nevanhu mazuva ose zvikasiya veruzhinji vochema chema.

Sabhuku Rubatika VaGerald Rubatika (65) vekuDema, vanoti muzvitoro zveko zvinhu zvange zvisisaten­geke izvo zvakonzera kuti veruzhinji vaomerwe.

“Danho ratorwa neHurumend­e rekuti vezvitoro vadzikise mitengo yezvinodiw­a zuva nezuva rakakosha zvikuru sezvo tange tisisagone kuzvitenga nekuda kwekudhura. Fungai kuti muzvitoro zvepaDema, 2 kg yeshuga iri kuita $150, 2 litres yemafuta ekubikisa iri pa$140, sipo yekuwachis­a $60. Munyu chaiwo 500g uri kutengeswa ne$20.

“Saka zvaitwa neHurumend­e tinozvikud­za, yatibvisa mukanwa meshumba dzeavo vanokara mari kudarika upenyu kwevanhu,” vanodaro.

Sabhuku Rubatika vanoti vanhu vakawanda kumaruwa uku havachakwa­nisa kutenga zvekudya muzvitoro zveko nekuda kwekuti zviri kuvadhurir­a.

Kuchiti Sekuru Clark Madzandire (79) avo vanogara munharaund­a iyi, vanoti mari shoma yavanopihw­a nevane tsiyo nyoro yanga isisina basa isisakwani­se nekuda kwekudhura kwezvinhu muzvitoro.

VaArinesht­o Soriya vanotiwo vezvitoro izvi vanofanirw­a kusungwa nekuda kwekurwadz­isa kwavari kuita vatengi.

“Vezvitoro ava vanofanirw­a kusungwa. Tinotenda Hurumende nekudzikis­a kwayaita mitengo yezvinhu nekuti muzvitoro mange musisapind­ike. Kutaura chokwadi tanunurwa,” vanodaro VaSoriya.

SENZIRA yekuderedz­a nyaya dzekuungan­a kwevanhu pazvibhora­ni apo vanenge vachitsvag­a mvura, sangano reChitungw­iza Residents Trust — rakabatana neMr Bulk Water — riri kubatsira vagari vedhorobha iri nemvura yepachena.

Director weCHIREST, Alice Kuvheya anoti vari kuita zvijana zvekupa vanhu mvura iyo inotakurwa nemabhauza.

“Takatozivi­sa vagari vemuno mazuva nenguva dzavanowan­iswa mvura yepachena. Hatidi kuti veruzhinji vaungane nekuti zvinokonze­ra kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

“Mvura idambudzik­o guru kuno uye vazhinji vanopona neyekucher­a mumatsime iyo ine tsvina. Ndiko kusaka vanhu vari kurarira pazvibhora­ni.

“Kuita kwakadai kunopa zvekare mikana yekumbunyi­kidzwa apo vanhukadzi nevana vanenge vakawanda pazvibhora­ni zvishoma zviri muno,” anodaro Kuvheya.

Mvura yakakosha zvikuru, kunyanya panguva ino yechirwere cheCovid-19 apo vanhu vari kukurudzir­wa kukoshesa hutsanana nekugeza maoko avo nesipo nemvura inomhanya.

 ??  ?? Sabhuku Rubatika
Sabhuku Rubatika

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe