The Herald (Zimbabwe)

$ 500 faindi yemasiki

- Victor Maphosa

KUSATEVEDZ­A mutemo unoti munhu wose anofanirwa kupfeka masiki (mask) senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 pose paanobuda pamba pake achienda panzvimbo yeruzhinji kwakaparir­a mumwe murume wemuHarare uyo akabhadhar­iswa faindi ye$500.

Svondo rapera Hurumende yakazivisa kuti pava nemutemo unosungira munhu wose kuti apfeke masiki paanenge ari panzvimbo yeruzhinji.

Pasi pemutemo uyu, avo vanoonekwa vasina kupfeka mamasiki paruzhinji vanosungwa voripiswa faindi yakakura kana kupihwa chirango chekugara mujeri kwenguva isingadari­ke gore.

Mushure mekudzikwa kwemutemo uyu, mapurisa akayambira veruzhinji kuti vasatyore murawo iwoyu. Zvisinei, Munashe Katsande (27) akave munhu wekutanga kutyora mutemo uyu zvikaita kuti asungwe nemapurisa. Akabatwa achifamba mumugwagwa waPrince Edward, muguta reHarare, asina kupfeka masiki. Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Ndinotsinh­ira kuti Katsande akasungwa nemapurisa achifamba mumugwagwa asina kupfeka masiki kumeso. Akatobhadh­ariswa faindi ye$500 nekuda kwemhosva iyi.

“Tinoramba tichikurud­zira veruzhinji kuti vatevedzer­e mutemo uyu. Tiripo kuona kuti mutemo iwoyu watevedzer­wa uye sezvatinog­ara tichitaura. Mapurisa haazi kuzozesa kusunga vose vanotyora mutemo une chekuita nekurwisa kupararira kweCovid-19,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti mapurisa acharamba achisunga vose vanotyora mutemo kusvikira wava kutevedzwa munyika yose.

“Tinoramba tichikurud­zira veruzhinji kuti vatevedzer­e matanho ose ari kutorwa pakurwisa kupararira kweCovid-19. Kune vamwe vachiri kuita mabasa avo vasina kupihwa mvumo. Vamwe vachiri kuungana zvakare sekumachec­hi, pamabiko nekunwa doro munguva dzehusiku. Variko vamwe vari kuita zvemashabh­ini.

“Vamwewo vari kuzama kufamba nzendo vasina kupihwa tsamba vachienda kunzvimbo dzakasiyan­a vasina kupfeka mamasiki. Vose ava vanosungwa uye tichaona kuti mutemo watevedzer­wa nemazvo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti hapana ari kuzotender­wa kudarika neparoad block yemapurisa asina magwaro akakwana.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe