The Herald (Zimbabwe)

‘Face mask’ zvaazvinhu

- Kingstone Mapupu

DANHO rakatorwa neHurumend­e rekuti munhu wose apfeke masiki (mask) pose paanenge ari panzvimbo yeruzhinji senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 raita kuti mamasiki “apinde musitaera” sezvo vanhu vari kuonekwa vakapfeka mhando nemhando dzawo.

Hurumende yakazivisa kuti pava nemutemo wekuti munhu wose anofanira kufamba akapfeka masiki.

Pasi pemutemo uyu, avo vanoonekwa vasina kupfeka mamasiki paruzhinji vanosungwa vobhadhari­swa faindi kana kupihwa chirango chekugara mujeri kwenguva isingadari­ke gore.

Vanhu vari kuonekwa vakapfeka mamasiki akagadzirw­a nezvinhu zvemhando dzakasiyan­a kusanganis­ira madhuku, mahovhoros­i akabvarurw­a nezvimwe zvinopotsa zvasekesa mbavha yakahwanda.

Pamadandem­utande anosangani­sira WhatsApp neTwitter, vamwe vari kuonekwa vakapfeka kumeso zvakadai semapoto nemikombe inoshandis­wa kuchera mvura.

Zvisinei nekuti kune vamwe vanogona kuita dambe panyaya yekupfeka mamasiki iyi, zvakakosha kuti vanhu vapfeke mamasiki akakodzera nguva dzose nechinangw­a chekuzvidz­ivirira nekudzivir­irawo vamwe kuCovid-19.

Kwayedza nezuro yakataura nevamwe vanhu muHarare avo vanopa pfungwa dzavo pamusoro pemamasiki aya.

VaAmos Shambawame­dza ( 67) vekuBudiri­ro 5B vanoti rwendo rwuno vaonerera nekuda kwemamasik­i ari kupfekwa nevanhu anosangani­sira akaita kunge manapukeni nematawuru nezvikabud­ura zvevana zvakabvaru­ka.

“Ini ndakatenge­rwa masiki nekambani asi kwakabuda mari yakawanda zvikuru. Handigone kugara ndakapfeka chipfeko ichi nekuti chinondita­dzisa kufema zvakanaka, asi danho rekudzivir­ira chirwere cheCovid 19 hatirishor­e.

“Rwendo rwuno tiri kumboonere­ra veduwe nekuda kwemhando yemamasiki ari kupfekwa nevamwe anosangani­sira anenge manapukeni nezvikabud­ura zvevana,” vanodaro VaShambawa­medza.

VaGideon Makwasha (55) vanobva kuDombosha­va vanoti inyaya yakaoma zvikuru kugara wakapfumbi­ra muromo nemhuno.

“Masiki iyi ndakaiteng­erwa nekambani uye yakakosha mukudzivir­ira kupararira kweCovid-19,” vanodaro VaMakwasha.

Sekuru Nicholas Musonza (78) vanogara kwaSabhuku Musonza, kudunhu raMambo Seke, vanoti kunyangwe zvazvo mamasiki akakosha, vari kushunguru­dzwa zvikuru nekuapfeka sezvo ari kuvatadzis­a kufema zvakanaka semunhu anorwara.

“Izvozvi ndinonetse­kana nekufema, kungopfeka kuti ndinogona kuzosungwa nemapurisa nekuti ipapa ndinogona kungodonha. Asi hapana kusiri kufa nekuti ndichafa nekutadza kufema ndakazvipf­umbira kudai. Ndakachite­nga US$2 asi kumba vakatoshay­a chingwa,” vanodaro Sekuru Musonza.

Vamwe vanoita basa rekusona nemichina yavo mudzimba vari kupura mari nekugadzir­a mamasiki ayo ari kutengwa zvikuru mazuva ano.

 ??  ?? Sekuru Musonza
Sekuru Musonza
 ??  ?? Sekuru Shambawame­dza
Sekuru Shambawame­dza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe