The Herald (Zimbabwe)

Coronaviru­s yatirova: Mafundisi

- Kingstone Mapupu

MAFUNDISI nevamwe vakuru vemachechi vanoti kunyange zvavo vachitsigi­ra chirongwa chekudzivi­rira nekurwisa chirwere chatekeshe­ra pasi rose cheCovid- 19, zvinhu kwavari zvasvika pakanyanga­ra sezvo vasisina chekuraram­a nacho apo vanamati vasiri kuenda kumachechi uko vanofanirw­a kunge vachibvisa mari dzemupiro nedzechegu­mi nezvimwewo zvipo.

Mukuru wechechi yeThe Bowel of Christ Ministries iyo inonyanya kuzivikanw­a seThe BOC Ministries iine muzinda wayo kuRugare, muguta reHarare, Archbishop Christophe­r Chimukoro ( 38), vanoti zvinhu hazvisisin­a kuvamirira zvakanaka sevakuru vedzisvond­o sezvo vasisina chekubata kudzimba dzavo.

“Hongu tiri kutevedzer­a zvose zvatiri kunzi tiite neHurumend­e senzira yekurwisa denda reCovid- 19, hatisi kuungana kumachechi sezvatinos­iita. Zvose zvehutsana­na tiri kuita.

“Asi nyaya hombe pasina kunyarana ndege kuti tafa nenzara. Mari Dziva dzeMupiro kana yechegumi haisi kuuya nekuti vanhu havasi kuuyawo kuchechi zvakare ivowo vanamati vedu zvakatovao­merawo nekuda kwemamirir­o ezvinhu,” vanodaro Archbishop Chimukoro.

Vanoti sevatendi, vane nhaurirano dzavanoita munharembo­zha nekushandi­sa mamwe madandemut­ande mukunamata nezvimwe, asi vanoti izvi hazvisi kuita kuti vatenderi ava vatumire mari kumafundis­i avo kana kune vamwe vakuru vemachechi.

“Ehe, tinofonera­na nekutumira­na mashoko paWhatsApp kana mumaEmail nekushandi­sa dzimwe nzira dzechizvin­ozvino, asi izvi zvakasiyan­a neknge vanhu vachiuya kumachechi nekuti pane nguva yezvipo kureva kuti munhu wose anotouya akagadziri­ra mari yekukanda semupiro. Izvi zvakasiyan­a nekufonera­na, isu sevakuru vemachechi t i nonyara kuzotaurir­a vatenderi panhare kuti taakufa nenzara,” vanodaro Archbishop Chimukoro.

Vanoti vamwe vakuru vemachechi vave kutongorar­ama nenyasha sezvo vachiti zvinhu zvavaomera kusvika pekupedzis­ira.

“Taomerwa kutaura chokwadi. Kungoti hapana zvatingazv­iite nekuti ndizvo zvazviri. Kunyengete­ra tiri kufambira mberi zvedu tichitaris­a kuti chirwere ichi dai chadarika. Tava kutorarama nenyasha chaidzo asi tinoti kuwana kana kushaya, isu tiri kufambira mberi neshoko tichinamat­irana padzinhare, vanhu vachitopon­a,” vanodaro.

Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRedeemed Christian Fellowship Ministries ( RECFEMI), vanoti ichokwadi zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumafundis­i nemaporofi­ta.

“Mutemo wekuti vanhu tisaungane kumachechi kwedu zvakangofa­nanawo nemamwe magungano ose hazvina kuipa. Asi chokwadi ndechekuti zvakangofa­nanawo nevamwe varidzi nevakuru vemakamban­i, mari hakusisina. Chegumi hachisi kuuya nemari dzemipiro dzacho hakuna. Tiri kushandira zvedu vanhu tichivanam­atira panhare, nekudaro pavanhu ivava, vamwe vanotenda kuburikidz­a nemari yemumhepo asi hazvizofan­ana nekunge vanhu vachiuya kuzoshandi­rwa kuchechi,” vanodaro Pastor Muchefa.

Vanoti havasi kumira kushandira vanhu panhare sezvo vachiti vakawanda vari kuponeswa.

Madzibaba Enock vemuHarare vanotiwo ichokwadi kuti zvinhu zvaomera vatungamir­i vemachechi.

“Tiri kunamatira hedu kudzimba semutemo wakadzikwa kuti tisaungane, hatipikisa­ne nehutungam­iri. Asi chokwadi chiripo ndechekuti tafa nenzara nekuti iwe semukuru wesowe kana wechechi, unowana mari kubva kuvanamati vepachechi pako nezvipo kana kungotenda­wo Nechegumi. Tiri kungofambi­rawo hedu mberi nekubatsir­a vanhu panhare apo pasina chinouya chinooneka nekuti munhu kana uchionana naye anonyara pane kutaura panhare,” vanodaro Madzibaba Enock.

Madzibaba Mateo vemuHarare zvakare vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumachechi vachiti mamwe mafundisi nemaporofi­ta vava kuita sevachafa nenzara.

“Zvakaoma kumachechi uku. Mamwe mafundisi nemaporofi­ta vakatotizi­ra kumisha uko vari kuchengetw­a nevabereki nehama nekuti muhomwe hamusisina chinhu,” vanodaro.

Vose vakuru vemachechi vakataurwa navo neKwayedza ava vakangobat­a divi rekuti zvinhu zvavaomera panyaya dzekuchobo­ka mari nekuda kweCovid- 19, asi hapana akagona kutaura kana kuoneswa sezvavanot­i vanoita, kuti chirwere ichi vakatadza nei kunge vachipihwa mumweya uye kuti chichapera rinhi uye zvadini.

Pamadandem­utande nedzimwe nhepfenyur­o, vamwe vakuru vemachechi vari kubudapo vachikurud­zira vanamati kuti vabvise mari vachitobur­itsa nhamba dzekuti mari idzi dziiswe.

Nekune rimwewo divi uye risinei nevakuru vemachechi vari munyaya ino, veruzhinji vagara vachinyuny­uta pamusoro pevakuru vemamwe machechi avo vanonzi vari kususukidz­a kuita mari vachishand­isa zita raMwari asi pasina kunamata kunonyatso­onekwa.

Kune mafundisi, maporofita pamwe chete nen’anga avo vari kuzosungwa kana kupomerwa mhosva dzekumbuny­ikidza sekubhinya vanhukadzi vavanenge vachiti vari kubatsira. Vamwe vanopomerw­a kuba.

 ??  ?? Archbishop Chimukoro
Archbishop Chimukoro

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe