‘Varwere vepfungwa vanodawo dziviriro’
SANGANO rinomirira varwere vepfungwa rinoti vanhu ava — avo vagara vaine dambudziko rerusarura munharaunda dzavagere — vatonyanya kuomerwa panguva ino apo Zimbabwe nedzimwe nyika dzepasi rose dziri kushungurudzwa nechirwere cheCovid-19.
Pasi r os e Covid- 1 9 — i yo inokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus — yauraya mazana ezviuru zvevanhu ndokubatazve vamwe vanodarika mamiriyoni matatu.
Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 36 muZimbabwe vange vawanikwa vaine coronavirus mushure mekunge kwavhenekwa vanhu 20 537. Pavanhu ava, vapfumbamwe vavo vakatonaya kuchiti vamwe vana ( 4) vakashaya.
Chirwere ichi hachisati chawanirwa mushonga wekuchirapa.
Nedonzvo rekuedza kumisa kupararira nekutapurirana coronavirus, Hurumende yakatoisa zvirongwa zvinosanganisira kuti veruzhinji vambogara kudzimba, pakati pezvimwe.
VaIgnicious Murambidzi, avo vanova mukuru wesangano reZimabwe National Association for Mental Health ( ZIMNAMH), vanoti kuburikidza nematambudziko aunzwa muvanhu neCovid- 19, varwere vepfungwa vava panyatwa yakakurisisa.
“Sesangano rinomirira varwere vepfungwa, tinopinda muvanhu mune varwere vedu vepfungwa tichiona magariro avo nekudyidzana kwavo nehama nevemunharaunda dzavagere.
“Inyaya inozivikanwa kuti varwere vepfungwa vagara vachisarurwa zvakanyanyisa. Zvino nekuuya kwedenda reCovid- 19, tiri kuona kuti varwere ava ndivo vakatoomerwa kudarika vamwe nekuti vari kungoshungurudzwa vachisiiwa pasina anovapa rubatsiro rwezvavanoda,” vanodaro VaMurambidzi.
Vanoti vanhu vari kugara mudzimba nekuita zvose zviri kukurudzirwa neHurumende sekupfeka mamasiki nedonzvo rekudzivirira Covid- 19, asi varwere vepfungwa vari kungosiiwa vakadaro.
“Tarisai muone kuti munhu wose ari kupfeka masiki nekugara vachigeza maoko nekuita hutsanana, asi kuvarwere vepfungwa hazviko. Matiri kufamba tinoona kuti varwere ava havasi kuitirwa izvi, asi kuti vanongosiiwa sekusarurwa kwavagara vachiitwa nguva dzose.
“Tinokurudzira hama nevamwe vanogara navo kuti vavabatsirewo panguva dzakaoma kudai nekuti vanodawo kudzivirirwa kuCovid- 19,” vanowedzera VaMurambidzi.
Vanoti varwere vepfungwa vagara vachisiiwa vaine tsvina izvo zvavanoti inyaya inofanirwa kusanduka kuitira kuti vadzivirirwewo kuchirwere ichi.
VaMurambidzi vanowedzera vachiti, “Tinonzwa kuti vakawanda havasi kunotorer wa mishonga yavo nemapiritsi anovadzikamisa kuburikidza nekuti vanhu vari kugara kudzimba. Nekudaro hurwere hwevanhu ava hunobva hwawedzera zvopamhidzirawo hutsvina munzvimbo dzavagere zvichivapinzawo panyatwa.
“Isu tinoti ipai varwere ava mishonga yavo movashambidza nguva dzose nekuvapawo kunyange mamasiki vachigezeswawo mawoko nekuti kana coronavirus yauya, haisarure kuti uyu murwere wepfungwa.”
Vanoti veruzhinji havana ruzivo r wakakwana pamusoro pedenda repfungwa sezvo vamwe vachingoti kupenga kunokonzerwa nemweya yakaipa kana kuti munhu anenge akapara mhosva sekuba kana kutora mudzimai wemuridzi oguma ashereketerwa senzira yekumuranga.
“Vamwe vanosiya vanhu vanorwara nepfungwa zvichinzi mazvokuda mavanga enyora paine fungidziro yekuti kuroyiwa. Nekudaro nguva zhinji var were ava vanotor wa voenedswa kudzin’anga nekumaporofita vozoendeswa kumakiriniki nekuzvipatara pekupedzisira — hurwere hwatogodza. Kana dai vamwe vakaendeswa kuzvipatara ikoko, hakuna hama dzinoendako dzichinovaona,” vanodaro.
VaMurambidzi vanoti chirwere cheCovid- 19 hachidi hutsvina, izvo vanokurudzira kuti vanhu vanogara nevarwere vepfungwa vavabate zvakanaka nekuti kuvasiya vakadaro netsvina kunopinzawo naivo panjodzi yekubatwa nedenda iri.
“Tinokumbira kuruzhinji, kunyanya avo vanogara nevarwere vepfungwa nevamwe vemunharaunda, kuti vabate nekutsigira zvizere varwere vepfungwa panguva ino yekurwisana neCovid- 19.
“Ngativapewo masanitiser. Fungai kuti zvinorevei panguva ino kurega varwere ava vachitsvaga kudya mumabhini kana kudya chikafu vasina kugeza maoko, kureva kuti tichakonzera kutapukira kwedenda iri nekunesuwo.”
VaMurambidzi vanoti denda repfungwa rinorapika zvekuti kune vamwe vanotopora.
“Isu tagara tichifamba mumasabhuku nemadzishe tichikurudzira kubatwa kwevarwere vepfungwa zvakanaka uye tichibvisa pfungwa dzerusarura muvanhu. Munhu akapenga hazvireve kuti aroyiwa kana kuti akaba — handi yose mweya yetsvina,” vanodaro.
Imwe nyaya yavanotaura nezvayo ihasha dzinoitwa nevarwere vepfungea kana vasingapihwe mishonga yavo nenguva.
“Varwere vepfungwa t i karega kuvapa mishonga yavo vanoguma vava kuita hasha, vorwisa vavagere navo.”