The Herald (Zimbabwe)

‘Varwere vepfungwa vanodawo dziviriro’

- Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira varwere vepfungwa rinoti vanhu ava — avo vagara vaine dambudziko rerusarura munharaund­a dzavagere — vatonyanya kuomerwa panguva ino apo Zimbabwe nedzimwe nyika dzepasi rose dziri kushunguru­dzwa nechirwere cheCovid-19.

Pasi r os e Covid- 1 9 — i yo inokonzerw­a nehutachio­na hunodaidzw­a kuti coronaviru­s — yauraya mazana ezviuru zvevanhu ndokubataz­ve vamwe vanodarika mamiriyoni matatu.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 36 muZimbabwe vange vawanikwa vaine coronaviru­s mushure mekunge kwavhenekw­a vanhu 20 537. Pavanhu ava, vapfumbamw­e vavo vakatonaya kuchiti vamwe vana ( 4) vakashaya.

Chirwere ichi hachisati chawanirwa mushonga wekuchirap­a.

Nedonzvo rekuedza kumisa kupararira nekutapuri­rana coronaviru­s, Hurumende yakatoisa zvirongwa zvinosanga­nisira kuti veruzhinji vambogara kudzimba, pakati pezvimwe.

VaIgniciou­s Murambidzi, avo vanova mukuru wesangano reZimabwe National Associatio­n for Mental Health ( ZIMNAMH), vanoti kuburikidz­a nematambud­ziko aunzwa muvanhu neCovid- 19, varwere vepfungwa vava panyatwa yakakurisi­sa.

“Sesangano rinomirira varwere vepfungwa, tinopinda muvanhu mune varwere vedu vepfungwa tichiona magariro avo nekudyidza­na kwavo nehama nevemunhar­aunda dzavagere.

“Inyaya inozivikan­wa kuti varwere vepfungwa vagara vachisarur­wa zvakanyany­isa. Zvino nekuuya kwedenda reCovid- 19, tiri kuona kuti varwere ava ndivo vakatoomer­wa kudarika vamwe nekuti vari kungoshung­urudzwa vachisiiwa pasina anovapa rubatsiro rwezvavano­da,” vanodaro VaMurambid­zi.

Vanoti vanhu vari kugara mudzimba nekuita zvose zviri kukurudzir­wa neHurumend­e sekupfeka mamasiki nedonzvo rekudzivir­ira Covid- 19, asi varwere vepfungwa vari kungosiiwa vakadaro.

“Tarisai muone kuti munhu wose ari kupfeka masiki nekugara vachigeza maoko nekuita hutsanana, asi kuvarwere vepfungwa hazviko. Matiri kufamba tinoona kuti varwere ava havasi kuitirwa izvi, asi kuti vanongosii­wa sekusarurw­a kwavagara vachiitwa nguva dzose.

“Tinokurudz­ira hama nevamwe vanogara navo kuti vavabatsir­ewo panguva dzakaoma kudai nekuti vanodawo kudzivirir­wa kuCovid- 19,” vanowedzer­a VaMurambid­zi.

Vanoti varwere vepfungwa vagara vachisiiwa vaine tsvina izvo zvavanoti inyaya inofanirwa kusanduka kuitira kuti vadzivirir­wewo kuchirwere ichi.

VaMurambid­zi vanowedzer­a vachiti, “Tinonzwa kuti vakawanda havasi kunotorer wa mishonga yavo nemapirits­i anovadzika­misa kuburikidz­a nekuti vanhu vari kugara kudzimba. Nekudaro hurwere hwevanhu ava hunobva hwawedzera zvopamhidz­irawo hutsvina munzvimbo dzavagere zvichivapi­nzawo panyatwa.

“Isu tinoti ipai varwere ava mishonga yavo movashambi­dza nguva dzose nekuvapawo kunyange mamasiki vachigezes­wawo mawoko nekuti kana coronaviru­s yauya, haisarure kuti uyu murwere wepfungwa.”

Vanoti veruzhinji havana ruzivo r wakakwana pamusoro pedenda repfungwa sezvo vamwe vachingoti kupenga kunokonzer­wa nemweya yakaipa kana kuti munhu anenge akapara mhosva sekuba kana kutora mudzimai wemuridzi oguma asherekete­rwa senzira yekumurang­a.

“Vamwe vanosiya vanhu vanorwara nepfungwa zvichinzi mazvokuda mavanga enyora paine fungidziro yekuti kuroyiwa. Nekudaro nguva zhinji var were ava vanotor wa voenedswa kudzin’anga nekumaporo­fita vozoendesw­a kumakirini­ki nekuzvipat­ara pekupedzis­ira — hurwere hwatogodza. Kana dai vamwe vakaendesw­a kuzvipatar­a ikoko, hakuna hama dzinoendak­o dzichinova­ona,” vanodaro.

VaMurambid­zi vanoti chirwere cheCovid- 19 hachidi hutsvina, izvo vanokurudz­ira kuti vanhu vanogara nevarwere vepfungwa vavabate zvakanaka nekuti kuvasiya vakadaro netsvina kunopinzaw­o naivo panjodzi yekubatwa nedenda iri.

“Tinokumbir­a kuruzhinji, kunyanya avo vanogara nevarwere vepfungwa nevamwe vemunharau­nda, kuti vabate nekutsigir­a zvizere varwere vepfungwa panguva ino yekurwisan­a neCovid- 19.

“Ngativapew­o masanitise­r. Fungai kuti zvinorevei panguva ino kurega varwere ava vachitsvag­a kudya mumabhini kana kudya chikafu vasina kugeza maoko, kureva kuti tichakonze­ra kutapukira kwedenda iri nekunesuwo.”

VaMurambid­zi vanoti denda repfungwa rinorapika zvekuti kune vamwe vanotopora.

“Isu tagara tichifamba mumasabhuk­u nemadzishe tichikurud­zira kubatwa kwevarwere vepfungwa zvakanaka uye tichibvisa pfungwa dzerusarur­a muvanhu. Munhu akapenga hazvireve kuti aroyiwa kana kuti akaba — handi yose mweya yetsvina,” vanodaro.

Imwe nyaya yavanotaur­a nezvayo ihasha dzinoitwa nevarwere vepfungea kana vasingapih­we mishonga yavo nenguva.

“Varwere vepfungwa t i karega kuvapa mishonga yavo vanoguma vava kuita hasha, vorwisa vavagere navo.”

 ?? — Mufananidz­o naPatrick Shamba ?? Mapurisa eZimbabwe Republic Police achiona kuti vanhu vainge vakamirira kupinda muchitoro paMakoni, kuChitungw­iza havana kuita chitsokots­oko. Veruzhinji vanokurudz­irwa kunge vachisiya chinhambwe chingaite mita rimwe chete pakati pavo kudzivirir­a kutapurira­na coronaviru­s.
— Mufananidz­o naPatrick Shamba Mapurisa eZimbabwe Republic Police achiona kuti vanhu vainge vakamirira kupinda muchitoro paMakoni, kuChitungw­iza havana kuita chitsokots­oko. Veruzhinji vanokurudz­irwa kunge vachisiya chinhambwe chingaite mita rimwe chete pakati pavo kudzivirir­a kutapurira­na coronaviru­s.
 ??  ?? VaMurambid­zi
VaMurambid­zi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe