The Herald (Zimbabwe)

Garisanai zvakanaka: ZRP

- Kingstone Mapupu

MAPURISA ekudunhu reMashonal­and East ari kukurudzir­a veruzhinji kuti vagarisane zvine runyararo uye vasaudzane mashoko anogumbura vamwe kana kutukana munguva ino apo vanhu vagere kudzimba.

Vanhu veruzhinji vachiri kunzi varambe vagere kudzimba seimwe yenzira dziri kutevedzwa neHurumend­e mukuedza kumisa chirwere cheCovid-19 icho chatekeshe­ra pasi rose.

Kurudziro yemapurisa inotevera nyaya yemurume ari kupomerwa kuponda hanzvadzi yake iyo akatema nedemo ichibva yangofira panzvimbo nguva pfupi yadarika.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya inosuwisa yehanzvadz­ikomana iri kunzi yakaponda hanzvadzis­ikana nedemo yakaitika kuMacheke.

“Apo vanhu vagere kudzimba tichirwisa­na nedenda reCovid-19, tinokumbir­a kuti vagare zvakanaka mukutaurir­ana mashoko ane rudo. Kana pane akanganisi­rwa, vanhu ngavatsiur­ane mune zvakanaka.

“Senyaya yemurume uyu iyo iri kuferefetw­a nemapurisa, anonzi akatema hanzvadzi yake nedemo ikafa apo mhuri iyi yaiva pamba mushure mekukakava­dzana,” vanodaro.

Vanoti mwana musikana ainzi Polite Chimhanda (14) uyo aigara nevabereki paPlot 4 papurazi reLongridg­e ikoko kuMacheke, akatemwa nehanzvadz­i yake ine makore 29 musi wa9 Chivabvu.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMacheke akasunga murume anonzi Washington Chimhanda (29) nemhosva yaari kupomerwa yekuponda hanzvadzi yake achimutema nedemo kaviri — parutivi pemusoro nepadumbu — achibva angofira ipapo,” vanodaro Insp Mwanza.

Zvinonzi nemusi uyu Washington akatanga kunetsana nababa vake, VaKenneth Chimhanda (56), nenyaya isati yazivikanw­a. Zvinonziwo mwanakoman­a uyu ane dambudziko redenda repfungwa uye anonzi akatanga kuvhunduts­ira achiti musi uyu aizouraya mumwe wemhuri yavo nekuda kwekunetsa­na uku.

“Anonzi mushure mechinguva­na akaonekwa achirodza demo, ava masikati baba vake ndokuzobva pamba vachienda kumuporofi­ta vachida kunozvibvu­nzira,” vanodaro Insp Mwanza.

Nguva dzava kuma7 dzemanheru, amai vemhuri Ottillia Chimhanda (59) vaidya chikafu vaina Washington nehanzvadz­i yake Polite, apo mwanakoman­a uyu anonzi akaoneka achiti ainge onorara.

“Apo Washington akasimuka, anonzi akamira pedyo naamai nehanzvadz­i yake, ndokusveer­era demo raiva rakazendam­iswa pamadziro pemba iro akatemesa Polite naro.”

Baba vake vakazodzok­a ndokuwana mwanasikan­a uyu atofa ndokumhan’ara nyaya iyi kumapurisa eko zvikaita kuti Washington asungwe.

“Apo vanhu tigere kudzimba ngatisiyan­ei nemhirizho­nga. Zvinorakid­za kuti njodzi iyi ingadai yakadzivir­irwa dai vakuru vaivapo ava vakatora matanho nguva iripo nekuti murume uyu akanga avimbisa kuuraya munhu. Vangadai vakatsvaga kubatsirwa nenguva kune vamwe kana kuenda kumapurisa, chionai mwana mudiki aisava nemhosva akazopondw­a,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanokurudz­ira vanogara nevanhu vanorwara nepfungwa kuti vavape mishonga yavo nenguva uyewo vogara vakaviga zvinhu zvinokuvad­za sematemo nemapanga.

“Vanhu ivava vanofanirw­a kugara vachitaris­wa uyewo kuziva hunhu hwavo kuti vagumbuka here kana kuti kwete.”

 ??  ?? Insp Mwanza
Insp Mwanza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe