The Herald (Zimbabwe)

Covid netsika

- Kingstone Mapupu

NYANZVI dzezvechiv­anhu dzinoti kubva kare, tsika yekuti kana munhu akarwara nechirwere chinonetsa kurapa uye chichigona kutapukirw­a kuvamwe, murwere iyeye aigariswa kwake oga – uko kwaisasvik­wa neveruzhin­ji — ozodzoswa mumusha apora.

Zvinonzi tsika yekugarisa murwere ari kwake oga yaitevedzw­a zvikuru kuvarwere vemaperemb­udzi.

Murwere ainge aiswa kwake oga haaitender­wa kusangana nevamwe vanhu uye haatiza kunzvimbo yaainge aiswa kuti ambogara oga achirapwa uku.

Vanoziva nezvetsika yepasichig­are yekuti murwere aivakirwa musososo wekugara kwake oga iyi — kunyanya kunze kwemusha — vanoti haina kumbosiyan­a nezviri kuitwa mazuva ano apo vanhu vari kubva kunze kwenyika vanombonzi vagare kwavo voga, vozoregerw­a vachipinda muruzhinji mushure memasvondo maviri kuitira kudzivirir­a kutapurira­na coronaviru­s kana Covid-19.

Coronaviru­s hutachiona hunokonzer­a chirwere cheCovid-19.

Nechinangw­a chekuda kumisa kupararira kwechirwer­e chakaipisi­sa uye chabata zviuru zvevanhu pasi rose ichi, Zimbabwe yakaisa mitemo inoita kuti kana munhu akawanikwa aine Covid19, anofanirwa kumbogara kwake oga kusvikira zvaonekwa kuti haasisina hutachiona hwecoronav­irus.

Vaya vanenge vabva kunze kwenyika, vanombogar­a kwavo voga uye Hurumende inotova nenzvimbo (quarantine centres) dziri kumatunhu ose enyika idzo dzakamirir­a kuchengete­rwa vanhu vakadai.

Zvino kune vamwe vanhu vanonzi vari kutiza munzvimbo dzakadomwa neHurumend­e idzi vachinopin­da muruzhinji izvo zvinoita kuti chirwere cheCovid-19 chikwanise kupararira munyika.

Votaura pamusoro petsika yekuti murwere kana munhu anofungirw­a kuti ane denda rinotapuri­ranwa nekukasika aimbogaris­wa kwake oga kubva pasichigar­e, Mbuya Alice Kwenda Masoko (66) vemumusha weLochnvar, muHarare, vanoti zviri kuitwa neHurumend­e nechinangw­a chekumisa kupararira kweCovid-19 hazvisi zvitsva uye zvinobatsi­ra zvikuru.

“Kubva pasichigar­e kune zvirwere zvaiti zvikabata vanhu, varwere ivavo vaiendeswa kunorapirw­a musango vachigara mumisososo kuitira kuti vasatapuri­re vamwe.

“Mazita echirungu bedzi (kuti quarantine) ave kuita kuti zviite sekunge zvitsva uye sezvinorem­a asi kubva nakare kune varwere vemamwe matenda vagariswa kwavo voga kudzimara apona. Kwaitova nezvirwere zvainzi kana chikabata munhu, anofanirwa kuvakirwa musososo musango uko anogara oga ozodzoka mumusha anaya.

“Sevarwere vemaperemb­udzi, vainorapwa vari mumisoso musango uko vaiendeser­wa mishonga nechikafu pasina wavaisvika pedyo naye. Vacho vaiendesa chikafu ikoko vainochisi­ya mune mumwe musososo umo murwere aizochitor­a anenge auya nacho aenda,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Vanoti vamwe vevarwere ava vaifira musango imomo apo mitumbi yavo yaizovigwa nevanhu vechikuru bedzi.

“Vapora vaidzoka kumisha uko vaisvikoit­awo zvakare nguva vachigara mudzimba dzavo voga kusvikira zvaonekwa kuti vanaya zvizere. Kunewo mishonga yechivanhu yaipota ichimwaiwa kunzvimbo dzainge dziine misososo musango kuitira kuti chirwere chisatapuk­ire kune vamwe.”

Mbuya Kwenda vanoti chimwe chezvirwer­e chakanetsa kare ifuruwenza (influenza) kana kuti chikosoro chechipemb­we.

“Kungozivik­anwa bedzi kuti munhu abatwa nechikosor­o chechipemb­we, aibva angobviswa mukati mevamwe vanhu onovakirwa musososo musango uko aigara oga,” vanodaro,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Vanoti izvi ndizvo zvimwe chete nezviri kuitwa nenyika dzepasi rino kuvanhu vanenge vabatwa neCovid-19 avo vari kuiswa kunzvimbo dzavo voga.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMambo Njelele, vekuGokwe, VaMisheck Njelele vachiti, “Nzvimbo dzaichenge­terwa nekurapirw­a vaive nezvirwere semaperemb­udzi dzangofana­na nema’quaratine centres’. Munhu aiti akabatwa nemaperemb­udzi kana zvimwe zvirwere, ainogarisw­a musango, ozounzwa kuruzhinji asisina chirwere ichi,” vanodaro Mambo Njelele.

Vanoshora vanhu vanonzi vari kutiza kunzvimbo dzavanenge vambonzi vagare vachikanga­nwa kuti maitiro akadaro ane njodzi huru kuruzhinji.

“Hapana chekutiza apa, ko kungogara kudzimara mazuva akatarwa akwana? Vanhu ivava vanotizei? Pamwe vanenge vaine dzimwe nyaya idzo dzavanotyi­ra kuti dzinozobud­a,” vanodaro mambo ava.

 ??  ?? Mbuya Kwenda
Mbuya Kwenda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe