The Herald (Zimbabwe)

Covid-19: Ashora dare oripa mbudzi

- Kingstone Mapupu

SADUNHU Gwindi vekwaMambo Chinhamora, kuDombosha­va, vanoti nechinangw­a chekusimbi­sa chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19, vari kuronga kudzika murawo wekuripisa nehuku kana mbudzi vose vachabatwa nemachinda avo vasingatev­edze mitemo yeHurumend­e yakananga kumisa chirwere chanetsa pasi rose ichi.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe manga mava nevanhu 206 avo vawanikwa vaine Covid- 19 mushure mekuvhenek­wa.

VaMick Guwa — vanova Sadunhu Gwindi — vanoti ivo seziso reHurumend­e, vari kuedza nepose pavanogona kuona kuti mitemo yose yakadzikwa nenyika nechinangw­a chekurwisa chirwere ichi yatevedzwa.

“Pane zvakawanda zviri kuitwa kuti hutachiona hweCovid- 19 husaparari­re zvakanyany­a. Ini sasadunhu, ndiri kufamba ndichiona zviri kuitika — zvikuru pakaitika rufu — ndichikuru­dzira vanhu kuti vasaungane, vasabatane maoko nekuti vagare vakapfeka mamask, vachigezaw­o maoko avo nemvura inochururu­ka,’’ vanodaro sadunhu ava.

Vanoti kwese kwaitika rufu munharaund­a yavo, vanototuma nhume kana ivo vatadza kuenda.

“Chionai kukwira kuri kuita denda iri munyika, zvave kuda kushanda pamwe chete neHurumend­e kuti tikunde chirwere ichi. Tiri kugara pasi nemakuroko­ta angu tichinzver­a mimwe yemirawo yatingadzi­ka yakaita sekuti munhu akaonekwa asina kupfeka mask, anofanirwa kuripiswa mbudzi kana huku,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Imwe nyaya yatiri kuita kutsvaga vose vaenzi mudunhu rangu toziva kuti vakabvepi. Kana vari vana vemuno vasipo tiri kuitawo register revana ivava vari kunze kwenyika, mungava muno muAfrica kana mhiri kwemakungw­a.

“Tikazoona vauya hazvichati­netsa, tinobva taita kuti Hurumende izive voendeswa kumaquaran­tine centres uye kana vakatiza vonodzoser­wa vonoongoro­rwa,” vanodaro Sadunhu Gwindi.

Vanotiwo uyu mutemo wavakatois­a kumasabhuk­u avo kuti vabvunze vanhu vavo vose kuti pane ane hama iri kunze here, ozivikanwa zita rake nekunyika kwaari.

“Masabhuku ose emuno ari 40 vava kuziva nyaya iyi sezvo ndakaita navo misangano tikaita chisungo ichi.”

Sadunhu Gwindi vanotendaw­o sangano reCreating Better Futures (CBF) nekubatsir­a kwariri kuita nekupa chikafu vana vechikoro vagere kudzimba panguva ino apo zvikoro zvisati zvavhurwa.

“Ndinotenda CDF nekuendesa vana vedu vane vabereki vanoshaya kuchikoro uyewo nekuvapa chikafu, bota nemahewu. Mai Beverley Matondo vanova muvambi wesangano iri nemumwe wavo ari kumhiri kwemakungw­a tinovatend­a,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe